2 Samueri 6:3-15
2 Samueri 6:3-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakaisa areka yaMwari mungoro itsva uye vakauya nayo kubva kumba kwaAbhinadhabhu, pachikomo. Uza naAhio, vanakomana vaAbhinadhabhu, ndivo vakanga vachifambisa ngoro itsva iyi areka yaMwari iri pamusoro payo, uye Ahio akanga achifamba mberi kwayo. Dhavhidhi neimba yose yeIsraeri vakapemberera Jehovha nesimba ravo rose, vachiimba nokuridza zviridzwa zvamarudzi ose zvomusipuresi, rudimbwa, mbira, matambureni, ngoma dzamatare namakandira. Vakati vasvika paburiro raNakoni, Uza akatambanudza ruoko rwake ndokubata areka yaMwari, nokuti nzombe dzakanga dzagumburwa. Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro paUza nokuda kwokutadza kwake; naizvozvo Mwari akamuuraya ipapo parutivi peareka yaMwari. Ipapo Dhavhidhi akatsamwa nokuti Jehovha akanga atsamwira Uza, nokudaro kusvika zvino nzvimbo iyi inodaidzwa kuti Perezi Uza. Dhavhidhi akatya Jehovha pazuva iri uye akati, “Zvino areka yaJehovha ichasvika seiko kwandiri?” Haana kuda kutora areka yaJehovha kuti aende nayo kuGuta raDhavhidhi. Asi akaitsautsira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti. Areka yaJehovha yakagara mumba maObhedhi-Edhomu muGiti kwemwedzi mitatu, Jehovha akamuropafadza, iye neimba yake yose. Zvino Mambo Dhavhidhi akaudzwa kuti, “Jehovha akaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvaanazvo, nokuda kweareka yaMwari.” Saka Dhavhidhi akaburuka akandotora areka yaMwari kubva muimba yaObhedhi-Edhomu akakwidza nayo kuGuta raDhavhidhi achipembera nomufaro. Zvino avo vakanga vakatakura areka yaJehovha vaiti vakafamba nhambwe nhanhatu, vobayira nzombe nemhuru yakakodzwa. Dhavhidhi, akapfeka efodhi yomucheka, akatamba pamberi paJehovha nesimba rake rose, iye neimba yaIsraeri yose vakakwidza neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda.
2 Samueri 6:3-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakaisa areka yaMwari pamusoro pengoro itsva, vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu, yakanga iri pachikomo, Uza naAhiyo, vanakomana vaAbhinadhabhu, vakafambisa ngoro itsva. Vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu, yakanga iri pachikomo, ine areka yaMwari; Ahiyo akatungamirira areka. Dhavhidhi neimba yose yaIsiraeri vakaridza pamberi paJehovha zvinoridzwa zvamarudzi ose, zvomusiperesi, nembira, nemitengeranwa, nengoma, namatare, anoridzwa, namakandira. Zvino vakati vachisvika paburiro raNakoni, Uza ndokutambanudzira ruoko rwake kuareka yaMwari, akaibata, nokuti nzombe dzakanga dzogumburwa. Kutsamwa kwaJehovha kukamukira Uza, Mwari akamuuraya ipapo, nemhaka yokutadza kwake, iye akafirapo paareka yaMwari. Dhavhidhi akawora mwoyo nokuti Jehovha wakanga arova Uza, akatumidza nzvimbo iyo Pereziuza kusvikira zuva ranhasi. Dhavhidhi akatya Jehovha zuva iro, akati, “Zvino areka yaJehovha ichasvika seiko kwandiri?” Naizvozvo Dhavhidhi akaramba kuisa areka yaJehovha kwaari muguta raDhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaitsautsira kumba kwaObhedhiEdhomu muGiti. Areka yaJehovha ikagara mumba maObhedhiEdhomu muGiti mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza ObhedhiEdhomu neimba yake yose. Zvino vakaudza mambo Dhavhidhi, vachiti, “Jehovha wakaropafadza imba yaObhedhiEdhomu nezvose zvake nokuda kweareka yaMwari.” Ipapo Dhavhidhi akaenda akatora areka yaMwari kumba kwaObhedhiEdhomu, akakwira nayo kuguta raDhavhidhi nomufaro. Zvino nguva dzose kana ivo, vakatakura areka vachinge vafamba nhambwe nhanhatu, akabaya mombe nemhuru yakakora. Dhavhidhi akatamba pamberi paJehovha nesimba rake rose; Dhavhidhi akanga akafuka efhodhi yomucheka. Naizvozvo Dhavhidhi neimba yose yaIsiraeri vakakwira neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda.
2 Samueri 6:3-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakatakurira bhokisi raMwari rechitenderano pachikochikari chitsva. Vakariburitsa mumba maAbhinadhabhu yaiva pachikomo. Vanakomana vaAbhinadhabhu, vanaUza naAhio ndovaichaira chikochikari chitsva ichi. Chaiva nebhoksi raMwari rechitenderano Ahio ndiye ainge akatungamirira mberi kwebhokisi rechitenderano. Dhavhidhi nemhuri yose yeIsiraeri vaifara vachipemberera Tenzi napose pavaigonera nedzimbo vaine zvokuridza zvakavezwa zvomuti womusaipurasi kuchiti: uku runoridza zvipendani, uku rumwe runoridza madimbwa, vamwe vachiridza ngoma, vamwe vachiridza makwakwakwa omuti neesimbi. Kuzoti vasvika paburiro rokwaNakoni, Uza akabata bhokisi raMwari rechitenderano kurigamha nokuti nzombe dzakanga dzati dzadzarikei. Tenzi akavirukira Uza nehasha. Mwari akabva amuuraya. Kuurayiwa kwakaitwa Uza naTenzi kwakashungurudza Dhavhidhi. Nzvimbo iyi inonzi Pereziuza nanhasi uno. Musi iwoyu, Dhavhidhi akatya Tenzi akati, “Zvino bhokisi raTenzi rechitenderano, kwangu uku, ringasvike sei pakadai?” Nokudaro Dhavhidhi akaramba kuenda nebhokisi raTenzi rechitenderano kuGuta raDhavhidhi. Asi Dhavhidhi akatsaukira naro mumusha waObhedhiedhomu muGiti. Bhokisi raTenzi rechitenderano rakagara mumba maObhedhiedhomu muGiti kwemwedzi mitatu. Tenzi akabvawo akomborera Obhedhiedhomu nemhuri yake yose. Shoko rakasvika munzeve dzamambo Dhavhidhi rokuti, “Uku Tenzi akatokomborera mhuri yaObhedhiedhomu pamwechete nezvose zvaaiva nazvo pamusana pebhokisi raMwari rechitenderano.” Ipapo Dhavhidhi akadzikako akandotora bhokisi raMwari mumba maObhedhiedhomu, akaenda naro kuGuta raDhavhidhi achipembera kufara. Vakanga vakatakura bhokisi raTenzi rechitenderano pavakangoti fambei nhanho nhanhatu, akabvawo apira chibayiro chemombe nechimhuru chakakodzwa. Dhavhidhi akatamba achipemberera Tenzi napose paaigonera. Izvozvo Dhavhidhi akanga akapfeka efodhi yerineni. Saizvozvo Dhavhidhi nemhuri yose yeIsiraeri ndokuunza kwavakaita bhokisi raTenzi rechitenderano kuchipururudzwa, hwamanda ichidandaura.
2 Samueri 6:3-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakaisa areka yaMŋari pamsoro peŋgoro itȿa, ʋakaibvisa paimba yaAbinadabi, yakaŋga iri pacikomo, Uza naAhiyo, ʋanakomana ʋaAbinadabi, ʋakafambisa ŋgoro itȿa. Ʋakaibvisa paimba yaAbinadabi, yakaŋga iri pacikomo, ineareka yaMŋari; Ahiyo akatuŋgamirira areka. Davidi neimba yose yaIsraeri ʋakaridza pamberi paJehova ɀinoridzwa ɀamarudzi ose, ɀomusipresi, nembira, nemiteŋgeranwa, neŋgoma, namatare, anoridzwa, namakandira. Ɀino ʋakati ʋaciȿika paɓuriro raNakoni, Uza ndokutambanudzira ruʋoko rwake kuareka yaMŋari, akaiɓata, nokuti nzombe dzakaŋga dzogumburwa. Kutsamŋa kwaJehova kukamukira Uza, Mŋari akamuʋuraya ipapo nemhaka yokutadza kwake, iye akafira’po paareka yaMŋari. Davidi akaʋora mŋoyo nokuti Jehova wakaŋga aroʋa Uza, akatumidza nɀimbo iyo Perezi‐uza kuȿikira zuʋa ranhasi. Davidi akatya Jehova zuʋa iro, akati: Ɀino areka yaJehova icaȿika seiko kwandiri? Naiɀoɀo Davidi akaramba kuisa areka yaJehova kwaari muguta raDavidi; asi Davidi wakaitsausira kumba kwaObedi‐edomi muGiti. Areka yaJehova ikagara mumba maObedi‐edomi muGiti mŋedzi mitatu; Jehova akaropafadza Obedi‐edomi neimba yake yose. Ɀino ʋakaʋudza mambo Davidi, ʋaciti: Jehova wakaropafadza imba yaObedi‐edomi neɀose ɀake nokuɗa kweareka yaMŋari. Ipapo Davidi akaenda akatora areka yaMŋari kumba kwaObedi‐edomi, akakwira nayo kuguta raDavidi nomufaro. Ɀino ŋguʋa dzose kana iʋo, ʋakaŋga ʋakatakura areka ʋaciŋge ʋafamba nhambge nhanhatu, akaɓaya ŋombe nemhuru yakakora. Davidi akatamba pamberi paJehova nesimba rake rose; Davidi akaŋga akafuka efodi yomuceka. Naiɀoɀo Davidi neimba yose yaIsraeri ʋakakwira neareka yaJehova ʋacipururudza nokuridza hwamanda.
2 Samueri 6:3-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)