2 Samueri 6
6
Kuunza kwakaita Dhavhidhi bhokisi rechitenderano kuJerusaremu
(1 Nhor 13:1–14; 15:25; 16:6,43)
1Dhavhidhi akaunganidzazve zviuru zvitatu zvavarume vano chaivo vakatoita zvokusarudzwa muIsiraeri. 2Dhavhidhi akasimuka akaenda navanhu vose vaaiva navo vachibva kuBhaarijudha kuti vandouya nebhokisi raMwari rechitenderano rinodaidzwa nezita, zita raTenzi wehondo nehondo anogara pane makerubhu ari pamusoro paro. 3Vakatakurira bhokisi raMwari rechitenderano pachikochikari chitsva. Vakariburitsa mumba maAbhinadhabhu yaiva pachikomo. Vanakomana vaAbhinadhabhu, vanaUza naAhio ndovaichaira chikochikari chitsva ichi. 4Chaiva nebhoksi raMwari rechitenderano Ahio ndiye ainge akatungamirira mberi kwebhokisi rechitenderano. 5Dhavhidhi nemhuri yose yeIsiraeri vaifara vachipemberera Tenzi napose pavaigonera nedzimbo vaine zvokuridza zvakavezwa zvomuti womusaipurasi kuchiti: uku runoridza zvipendani, uku rumwe runoridza madimbwa, vamwe vachiridza ngoma, vamwe vachiridza makwakwakwa omuti neesimbi.
6Kuzoti vasvika paburiro rokwaNakoni, Uza akabata bhokisi raMwari rechitenderano kurigamha nokuti nzombe dzakanga dzati dzadzarikei. 7Tenzi akavirukira Uza nehasha. Mwari akabva amuuraya. 8Kuurayiwa kwakaitwa Uza naTenzi kwakashungurudza Dhavhidhi. Nzvimbo iyi inonzi Pereziuza nanhasi uno.
9Musi iwoyu, Dhavhidhi akatya Tenzi akati, “Zvino bhokisi raTenzi rechitenderano, kwangu uku, ringasvike sei pakadai?” 10Nokudaro Dhavhidhi akaramba kuenda nebhokisi raTenzi rechitenderano kuGuta raDhavhidhi. Asi Dhavhidhi akatsaukira naro mumusha waObhedhiedhomu muGiti. 11Bhokisi raTenzi rechitenderano rakagara mumba maObhedhiedhomu muGiti kwemwedzi mitatu. Tenzi akabvawo akomborera Obhedhiedhomu nemhuri yake yose. 12Shoko rakasvika munzeve dzamambo Dhavhidhi rokuti, “Uku Tenzi akatokomborera mhuri yaObhedhiedhomu pamwechete nezvose zvaaiva nazvo pamusana pebhokisi raMwari rechitenderano.” Ipapo Dhavhidhi akadzikako akandotora bhokisi raMwari mumba maObhedhiedhomu, akaenda naro kuGuta raDhavhidhi achipembera kufara. 13Vakanga vakatakura bhokisi raTenzi rechitenderano pavakangoti fambei nhanho nhanhatu, akabvawo apira chibayiro chemombe nechimhuru chakakodzwa. 14Dhavhidhi akatamba achipemberera Tenzi napose paaigonera. Izvozvo Dhavhidhi akanga akapfeka efodhi yerineni. 15Saizvozvo Dhavhidhi nemhuri yose yeIsiraeri ndokuunza kwavakaita bhokisi raTenzi rechitenderano kuchipururudzwa, hwamanda ichidandaura.
16Kuzoti zvino bhokisi raTenzi ropinda muguta raDhavhidhi, Mikari mukunda waSauro akatarisa napahwindho. Akaona mambo Dhavhidhi chiri chamuchachari chaicho kutamba achipemberera Tenzi, Mikari uyu akabva amushora chaizvo nechomumwoyo. 17Vakaunza bhokisi raTenzi rechitenderano vakariisa panzvimbo yaro mukati metendhe rarakanga ragadzirirwa naDhavhidhi. Dhavhidhi akapira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana kuna Tenzi. 18Pakapedza Dhavhidhi kupira mipiro yokupisa nemipiro yokuwadzana akakomborera vanhu nezita raTenzi wehondo nehondo. 19Akazogoveranisa vanhu vose, gungano rose zvaro reIsiraeri, varume navakadzi zvokudya zvinoti: chingwa nenyama yechirango#6:19 Yechirango: MuchiHebheru apa pakanzi nyama yechirango panganziwo chambwa chemagirepisi. nechitsumbu chamagirepisi akaomeswa pamunhu. Vanhu vose vakati uyu kwake, uyu kwake voenda zvavo kumisha yavo. 20Dhavhidhi akadzokera kundokomborera#6:20 Mamwe maBhaibhiri anoti kundokwazisa mhuri yake. mhuri yake. Mikari mukunda waSauro akauya kuzochingurana naDhavhidhi, ndokubva ati, “Mambo weIsiraeri nhasi uno ashamisira zvinogara zvakadaro, kupfekenura here chokwadi pane varanda vechikadzi vemakurukota ake kudaro, sedzenga romunhu rinonyatsozvifumura zvaro pachenachena!”
21Dhavhidhi ndokuti kuna Mikari, “Heekaka. NdiTenzi wazvanga zvichiitirwa akasarudza ini kutsiva baba wako navose zvavo vemhuri yokwake achindisarudzira kuva ishe wavaIsiraeri, vanhu vaTenzi. Zvokupemberera Tenzi izvozvo, ndozvandichaita zvacho. 22Ndichatofumuka kwazvo kupfuura ipapa kuri kuzvidukupisa. Asi varanda vechikadzi vawareva ivavo, ndivo vacho vachandiremekedza.”
23Mikari mukunda waSauro akadzamara kusvika pazuva rake rokufa asina mwana.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Samueri 6: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.