2 Samueri 24:21-24
2 Samueri 24:21-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Arauna akati, “Mambo changamire mavingeiko kwandiri ini muranda wenyu?” Dhavhidhi akati, “Kuzotenga ruware rwako ndivakepo atari yaTenzi kuti denda rimiswe kuvanhu.” Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Mambo changamire torai zvenyu mupire kuna Mwari zvamunoda, nzombe ndidzodzi idzi, dzomupiro wokupisa, majoki emombe nezvirhei ndizvozvi izvi ndozvehuni. Mambo, ini Arauna, zvose izvozvi ndozvandapa kwamuri mambo.” Arauna akati kuna mambo, “Tenzi, Mwari wenyu ngaakugamuchirei.” Asi mambo akati kuna vaArauna, “Bodo, nokuti zvokutenga ndinofanira kutenga chete nemari kwauri. Handifanire kupira mupiro zvepachena kuna Tenzi, Mwari wenyu.” Nokudaro akatenga ruware rwacho nenzombe namakumi mashanu emari yesirivha yemashekere.
2 Samueri 24:21-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Arauna akati, “Seiko ishe wangu mambo auya kumuranda wake?” Dhavhidhi akapindura akati, “Kuzotenga buriro rako, kuti ndivakire Jehovha aritari, kuti denda riri pamusoro pavanhu rigume.” Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Ishe wangu mambo ngaatore zvose zvinomufadza agozvipira kuna Jehovha. Hedzi nzombe dzechibayiro chinopiswa, neiyi mipuro namajoko enzombe kuti dzive huni. Haiwa mambo, Arauna anopa zvose izvi kuna mambo.” Arauna akatizve kwaari, “Jehovha Mwari wenyu ngaakugamuchirei.” Asi mambo akapindura Arauna akati, “Kwete, ndinoda kuzvitenga kwauri. Handingabayiri Jehovha Mwari wangu zvibayiro zvinopiswa zvandisina kutenga.” Saka Dhavhidhi akatenga buriro nenzombe uye akazvipira namakumi mashanu amashekeri esirivha.
2 Samueri 24:21-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Arauna akati, “Ishe wangu mambo wauyireiko kumuranda wake?” Dhavhidhi akati, “Ndauya kuzotenga buriro kwauri, kuti ndivakire Jehovha aritari, kuti denda ripere pakati pavanhu.” Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Ishe wangu mambo ngaatore hake, abayire Jehovha sezvaanoda; tarirai, hedzo nzombe dzokubayira chipiriso chinopiswa; uye nhumbi dzokupira nadzo, namajoko enzombe, dzive huni; izvi zvose, mambo, Arauna unopa mambo.” Arauna akati kuna mambo, “Jehovha Mwari wenyu ngaakugamuchirei hake.” Mambo akati kuna Arauna, “Kwete, ndichazvitenga kwauri zvirokwazvo nomutengo wazvo, uye handingabayiri Jehovha Mwari wangu zvipiriso, zvandisina kutenga.” Naizvozvo Dhavhidhi akatenga buriro nenzombe namashekeri esirivha ana makumi mashanu.
2 Samueri 24:21-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Arauna akati, “Mambo changamire mavingeiko kwandiri ini muranda wenyu?” Dhavhidhi akati, “Kuzotenga ruware rwako ndivakepo atari yaTenzi kuti denda rimiswe kuvanhu.” Arauna akati kuna Dhavhidhi, “Mambo changamire torai zvenyu mupire kuna Mwari zvamunoda, nzombe ndidzodzi idzi, dzomupiro wokupisa, majoki emombe nezvirhei ndizvozvi izvi ndozvehuni. Mambo, ini Arauna, zvose izvozvi ndozvandapa kwamuri mambo.” Arauna akati kuna mambo, “Tenzi, Mwari wenyu ngaakugamuchirei.” Asi mambo akati kuna vaArauna, “Bodo, nokuti zvokutenga ndinofanira kutenga chete nemari kwauri. Handifanire kupira mupiro zvepachena kuna Tenzi, Mwari wenyu.” Nokudaro akatenga ruware rwacho nenzombe namakumi mashanu emari yesirivha yemashekere.
2 Samueri 24:21-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Arauna akati: Ishe waŋgu mambo waʋuyireiko kumuranda wake? Davidi akati: Ndaʋuya kuzoteŋga ɓuriro kwauri, kuti ndiʋakire Jehova artari, kuti ɗenda ripere pakati paʋanhu. Arauna akati kunaDavidi: Ishe waŋgu mambo ŋgaatore hake, aɓayireJehova seɀaanoɗa; tarirai, hedzo nzombe dzokuɓayira cipiriso cinopiswa; ʋuye nhumbi dzokupura nadzo, namajoko enzombe, dziʋe huni; iɀi ɀose, mambo, Arauna unopa mambo. Arauna akati kunamambo: Jehova Mŋari wenyu ŋgaakugamucirei hake. Mambo akati kunaArauna: Kwete, ndicaɀiteŋga kwauri ɀirokwaɀo nomuteŋgo waɀo, ʋuye handiŋgaɓayiri Jehova Mŋari waŋgu ɀipiriso ɀinopiswa, ɀandisinakuteŋga. Naiɀoɀo Davidi akateŋga ɓuriro nenzombe namashekeri esirveri anamakumi mashanu.