2 Samueri 23:11-12
2 Samueri 23:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Aimutevera akanga ari Shama mwanakomana weAgi muHarari. VaFiristia vakati vaungana pamwe chete panzvimbo yakanga ine munda wakanga uzere nenyemba, varwi vavaIsraeri vakatiza pamberi pavo. Asi Shama akanyatsomira pakati pomunda. Akaudzivirira akauraya vaFiristia, uye Jehovha akauyisa kukunda kukuru.
2 Samueri 23:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Wakamutevera wakanga ari Shama mwanakomana waAgee, muHarari. VaFirisitia vakanga vaungana paRehi, pakanga pane bindu renyemba; vanhu vakatiza vaFirisitia. Asi iye wakamira pakati pebindu, akarirwira, akauraya vaFirisitia; Jehovha akavakundisa kwazvo.
2 Samueri 23:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Aimutevera wacho ndiShama, mwanakomana waAgee wokuHarari. Pakanga vaFirisitia vaunganidzana pamwechete kuRehi paiva nomunda uzere nyemba, vamwe vaIsiraeri vakatiza vaFirisitia. Asi Shama akamira mukati momunda iwoyo achiudzivirira akauraya vaFirisitia. Tenzi akaita basa guru rokuti vakunde.
2 Samueri 23:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakamuteʋera wakaŋga ari Shama mŋanakomana waAgee, muHarari. ƲaFiristia ʋakaŋga ʋaʋuŋgana paRehi, pakaŋga paneɓindu renyemba; ʋanhu ʋakatiza ʋaFiristia. Asi iye wakamira pakati peɓindu, akarirwira, akaʋuraya ʋaFiristia; Jehova akaʋakundisa kwaɀo.
2 Samueri 23:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)