2 Samueri 23
23
Mashoko Okupedzisira aDhavhidhi
1Aya ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi:
“Chirevo chaDhavhidhi mwanakomana waJese,
Chirevo chomurume akasimudzirwa noWokumusoro-soro,
murume akazodzwa naMwari waJakobho,
muimbi wenziyo waIsraeri:
2“Mweya waJehovha wakataura kubudikidza neni;
shoko rake rakanga riri parurimi rwangu.
3Mwari waIsraeri akataura,
Dombo raIsraeri akati kwandiri:
‘Kana munhu achitonga vanhu mukururama,
kana achitonga mukutya Mwari,
4akaita sechiedza chamangwanani pakubuda kwezuva
mangwanani kusina makore,
sokujeka kwezuva shure kwokunaya
kwemvura kunomeresa uswa kubva pasi.’
5“Ko, imba yangu haisi yakadaro kuna Mwari here?
Nokuti akaita sungano isingaperi neni,
yakarongwa uye yakasimbiswa pazvinhu zvose.
Ko, haachazozadzisi ruponeso rwangu
uye agondipa zvose zvandinoda here?
6Asi vanhu vakaipa vacharasirwa parutivi seminzwa,
isingaunganidzwi noruoko.
7Ani naani anobata minzwa
anoshandisa mudziyo wesimbi kana rwiriko rwepfumo;
uye ichapiswa zvachose pairi ipapo.”
Varwi vane simba vaDhavhidhi
8Aya ndiwo mazita emhare dzaDhavhidhi:
Joshebhi-Bhashebheti, muTakemoni, akanga ari mukuru waVatatu; akasimudza pfumo rake achirwa navarume mazana masere, akavauraya panguva imwe chete.
9Aimutevera akanga ari Ereazari, mwanakomana waDhodhai muAhohi. Somumwe wavarume vatatu voumhare, akanga ana Dhavhidhi pavakashora vaFiristia vakanga vakaungana paPasi Dhamimi kuti vazorwa. Ipapo varume veIsraeri vakadzokera shure, 10asi iye akamira akabaya vaFiristia kusvikira ruoko rwake rwaneta uye rwanamatira pamunondo. Jehovha akaita kuti vakunde kwazvo zuva iroro; uye varwi vakadzokera kuna Ereazari, asi kundokutunura nhumbi dzavakafa chete.
11Aimutevera akanga ari Shama mwanakomana weAgi muHarari. VaFiristia vakati vaungana pamwe chete panzvimbo yakanga ine munda wakanga uzere nenyemba, varwi vavaIsraeri vakatiza pamberi pavo. 12Asi Shama akanyatsomira pakati pomunda. Akaudzivirira akauraya vaFiristia, uye Jehovha akauyisa kukunda kukuru.
13Panguva yokukohwa, vatatu pakati pavakuru makumi matatu vakaburuka kuna Dhavhidhi kubako reAdhurami, nguva iyoyo hondo yavaFiristia yakanga yakadzika misasa muMupata weRefaimi. 14Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye hondo yavaFiristia yakanga iri paBheterehema. 15Dhavhidhi akapanga mvura akati, “Haiwa, dai mumwe andiwanirawo mvura yokunwa patsime riri pedyo reBheterehema!” 16Saka mhare nhatu dzakapinda napakati pavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema vakaitakura vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa, akaidururira pasi kuna Jehovha. 17Akati, “Ngazvive kure neni, Jehovha, kuti ndiite izvi! Ko, iri harisi ropa ravarume vakaendako vachiisa upenyu hwavo panjodzi here?” Uye Dhavhidhi akaramba kuinwa.
Izvi ndizvo zvakaitwa nemhare nhatu.
18Abhishai mununʼuna waJoabhu mwanakomana waZeruya akanga ari mukuru waVatatu. Akasimudza pfumo rake kuti arwe navarume mazana matatu, akavauraya, nokudaro akava nomukurumbira saVatatu. 19Ko, haana kupiwa kuremekedzwa kukuru kupfuura vaya Vatatu here? Iye akazova mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengwa pakati pavo.
20Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akanga ari munhu woumhare aibva kuKabhizeeri, akaita zvinhu zvikuru. Akauraya varume vaviri veMoabhu vakanga vari mhare. Akapindawo mugomba kuchitonhora kwazvo musi uyo, akauraya shumba imomo. 21Uye akabaya muIjipita akanga ari hofori. Kunyange zvazvo muIjipita akanga ane pfumo muruoko rwake, Bhenaya akarwa naye netsvimbo. Akabvuta pfumo rakanga riri muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake. 22Ndiwo akanga ari mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akanga ano mukurumbira sowavarume vaya vatatu voumhare. 23Akaremekedzwa zvikuru kupinda ani zvake wavaye Makumi Matatu, asi akanga asina kuverengwa pakati pavaya vatatu. Uye Dhavhidhi akamugadza kuti ave mutariri wavarindi vake.
24Pakati pavaya Makumi Matatu paiti:
Asaheri mununʼuna waJoabhu,
Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema,
25Shama muHarodhi,
Erika muHarodhi,
26Herezi muPariti, Ira
mwanakomana waIkeshi aibva kuTekoa,
27Abhiezeri aibva kuAnatoti,
Mebhunai muHushati,
28Zarimoni muAhohi,
Maharai muNetofati,
29Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati,
Itai mwanakomana waRibhai aibva kuGibhea muBhenjamini,
30Bhenaya muPiratoni,
Hidhai aibva kuhova dzeGaashi,
31Abhi-Aribhoni muAribhati,
Azimavheti muBharihumi,
32Eriabha muShaaribhoni,
mwanakomana waJasheni,
Jonatani 33mwanakomana waShama muHarari,
Ahiami mwanakomana waSharari muHarari,
34Erifereti mwanakomana waAhasibhai muMaakati,
Eriamu mwanakomana waAhitoferi muGironi,
35Heziro muKarimeri,
Paarai muAribhiti,
36Igari mwanakomana waNatani aibva kuZobha,
mwanakomana waHagiri,
37Zereki muAmoni,
Naharai muBheeroti, mutakuri wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya,
38Ira muItiri,
Garebhi muItiri
39naUria muHiti.
Vose vaiva makumi matatu navanomwe pamwe chete.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Samueri 23: BDSC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.