2 Samueri 18:9-10
2 Samueri 18:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino zvakaitika kuti Abhusaromu akasangana navanhu vaDhavhidhi. Akanga akatasva nyurusi rake, uye nyurusi parakapinda napasi pamatavi makobvu omuti mukuru womuouki, musoro waAbhusaromu wakabatwa mumuti. Akasiyiwa akarembera mudenga, nyurusi raakanga akatasva rikaramba richienda. Mumwe wavarume akati aona izvi, akati kuna Joabhu, “Ndaona Abhusaromu akarembera mumuti womuouki.”
2 Samueri 18:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Abhusaromu akasangana navaranda vaDhavhidhi. Abhusaromu wakanga akatasva hesera rake, hesera rikapinda napasi pamatavi makobvu omuoki mukuru, musoro wake ukabatwa pamuoki, iye ndokurembera pakati pedenga napasi; hesera raakanga akatasva rikaramba richifamba. Zvino mumwe murume akazviona, akandoudza Joabhu, akati, “Tarira, ndaona Abhusaromu akarembera mumuoki.”
2 Samueri 18:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Abhusharomu akaita mahwekwe navanhu vokwaDhavhidhi. Izvozvo Abhusharomu akanga akatasva nyurisi rake. Nyurusi rakasenerera napasi pamapazi makobvu ezimuoku, musoro wake wakabatirira zvakasimba kumuoku uyu. Akasara ongoti renga renga mumhepo nyurisi rati svorododo kupfuurira napasi pake. Mumwe murume akazviona akataurira Joabhu kuti, “Ndaona Abhusharomu akarembera mumuoku.”
2 Samueri 18:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Absaromi akasoŋgana naʋaranda ʋaDavidi. Absaromi wakaŋga akataȿa hesera rake, hesera rikapinda napasi pamataʋi makobvu omuouki mukuru, musoro wake ukaɓatwa pamuouki, iye ndokurembera pakati peɗeŋga napasi; hesera raakaŋga akataȿa rikaramba ricifamba. Ɀino mumŋe murume akaɀiʋona, akandoʋudza Joabi, akati: Tarira, ndaʋona Absaromi akarembera mumuouki.
2 Samueri 18:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)