Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 18

18
Kuuraiwa kwaAbhusharomu
1Dhavhidhi akaronga varume vaaiva navo muzvikwata zvezviuru zviuru mukati mazvo zvikwata zvezana zana, ndokuisa vatungamiriri pachikwata choga choga. 2Pazvikwata zvitatu zvaakatumira chimwe chaitungamirirwa naJoabhu, chimwe naAbhishai munun'una waJoabhu mwanakomana waZeruya, chimwewo chichitungamirirwa naItai muGiti. Mambo akati kuvanhu, “Iniwo ndiri kuzoenda nemi.” 3Vanhu vakati, “Hamufaniri kuenda, nokuti kana isu tikatiza havana hanya nesu. Kunyange vamwe vedu chikamu chepakati napakati chaicho chikafa, havanei nazvo. Asi imi ndimi makatokosha kupfuura isu tiri zviuru gumi. Zviri nani ndezvokuti imi munge muri muguta muchititumira rubatsiro.”
4Mambo akati kwavari, “Zvamunenge maona kuti ndizvo zvakanaka ndizvo zvandichaita.” Nokudaro mambo akamira padivi kusuwo guru, varwi vose vachibuda vari mazana mazana nezviuru zviuru. 5Mambo akaudza Joabhu naAbhishai naItai kuti, “Pamusana pangu ndibatirei zvakanaka mukomana uyu, Abhusharomu.” Mambo paaiudza vatungamiri vehondo vose nezvaAbhusharomu vanhu vose vaizvinzwa.
6Saizvozvo hondo yakabudira vokwaIsiraeri kunze, ikarwisana navo musango rokwaEfuraimu. 7Hondo yokwaIsiraeri yakakurirwa navanhu vokwaDhavhidhi, kwakafiwa kwazvo musi iwoyo, nezviuru makumi maviri. 8Hondo yakapararira nenyika iyoyo yose. Sango rakaparadza vanhu vakawanda kupinda vakauraiwa namapakatwa zuva iroro.
9Abhusharomu akaita mahwekwe navanhu vokwaDhavhidhi. Izvozvo Abhusharomu akanga akatasva nyurisi rake. Nyurusi rakasenerera napasi pamapazi makobvu ezimuoku, musoro wake wakabatirira zvakasimba kumuoku uyu. Akasara ongoti renga renga mumhepo nyurisi rati svorododo kupfuurira napasi pake. 10Mumwe murume akazviona akataurira Joabhu kuti, “Ndaona Abhusharomu akarembera mumuoku.”
11Joabhu akati kuna nyakumuudza, “Watii, watomuona zvako. Ko waregerereiko kumupfuudza awira pasi? Zvingadai zvandifadza ndokupa zvino gumi rezvidimbu zvemari nebhanhire resirivha nomudya.” 12Murume uyu ndokuti kuna Joabhu, “Kunyange zvazvo zvikanzi ndini uyo ndachibata muruoko chiuru chezvidumbu zvemari yesirivha nouremo hwacho handimbofa ndakasimudzira rwangu ruoko kuuraya mwanakomana wamambo nokuti takanzwaka isu mambo vachikuudzai iyemi naAbhishai naItai kuti pamusana pangu mundichengetedzerewo zvakanaka mukomana uyu Abhusharomu. 13Chimwewo ndechokuti dai izvozvi ndanga ndawana chimwe chandaita kwaari, kuna mambo, rina manyanga hariputirwe, imi iyemi chaiye maizongoti zvionere.”
14Joabhu akati, “Regai ndirege kupedza nguva yangu newe zvakadai.” Akatora mapfumo matatu mumaoko akandobaya Abhusharomu pamwoyo. Izvozvo Abhusharomu akanga achiri mupenyu ari mumuoku muya. 15Majaya gumi aitakurira Joabhu zvombo zvehondo akakomba Abhusharomu vakamuuraya akafa.
16Joabhu akaridza hwamanda, zvikwata zvavarwi zvikabva zvadzoka zvorega kuronda vokwaIsiraeri pamusana pokuti Joabhu akanga zvino avadzivisa. 17Vakazotora Abhusharomu vakamukanda mugomba guru mudondomo. Vakatutiramo pamusoro pake zimurwi guru guru ramabwe. VokwaIsiraeri vose vakaita rumwe rumwe kutizira kumisha yavo.
18Zvakanga zvaitika ndezvokuti Abhusharomu paaiva achiri mupenyu akanga atora shongwe yebwe akazvimisira shongwe iyoyo mubani rokwaMambo nokuti aiti handina mwana mukomana angazomutsiridza zita rangu. Akatumidza shongwe iyoyo nezita rake, ndokusaka ichinzi Shongwe yaAbhusharomu nanhasi uno.
Dhavhidhi anonzwa nezverufu rwaAbhusharomu
19Ahimaazi mwanakomana wavaZadhoki akati, “Regai ndimhanyire kuna mambo ndisvitse shoko iri rakanaka kudai rokuti Tenzi avanunura mumaoko avavengi vavo.”
20Joabhu akamuti, “Haungaende neshoko iri iye nhasi uno asi kutoti ungazoenda neshoko racho rimwe zuva zvaro. Asi nhasi haufaniri kuenda neshoko nokuti afa uyu mwanakomana wamambo.” 21Joabhu akabva ati kune mumwe wechiKushi, “Iwe chienda undotaurira mambo zvawaona.” MuKushi uya akakotamira Joabhu kumuremekedza ndokubva amhanyirako. 22Ahimaazi mwana wavaZadhoki akatizve kuna Joabhu, “Chauya chauya, regai zvangu ndimhanye nditevere muKushi uyu.” Joabhu akati, “Uchamhanyireiko mwanangu iwe uchitoonawo zvako kuti hapana mubayiro waunowana neshoko irori.”
23Iye ndokuti, “Chauya chauya regai ndimhanye.” Saizvozvo iye akamuti, “Chimhanya.” Ahimaazi akamhanya nokunzira iri kwakati sandara akabva apfuura muKushi uye.
24Izvozvo Dhavhidhi akanga akagara pakati pemisuwo mikuru miviri yeguta. Munhu aichengetedzapo akakwira pamusoro pesuo guru reparusvingo. Paakati tarisei akabva aona mumwe murume achimhanya ari oga oga. 25Wokuchengetedzapo uya akadaidzira kutaurira mambo. Mambo akati, “Kana ari oga oga kudaro munhu ane shoko rakanaka.” Murume uya akaramba achiuya kudzamara asvika pedyo. 26Muchengetedzi wepo uyu akaona zvakare mumwe murume achimhanya. Muchengetedzi akadaidzira kune aiva pasuo guru achiti, “Ona mumwezve uyo ari kumhanya ari oga oga.” Mambo ndokuti, “Naiyeyowo ari kuuya neshoko rakanaka.”
27Muchengetedzi akati, “Mumhanyiro weari mberi wacho ndiri kuona kunge mumhanyiro waAhimaazi mwana wavaZadhoki.” Mambo akati, “Uyo munhu ane mwoyo wakanaka uyo uyewo anounza shoko rakanaka.”
28Ahimaazi akadaidzira kuna mambo achiti, “Uku zvose muchete.” Akakotamira mambo achimuremekedza akati, “Tenzi, Mwari wenyu ngaarumbidzwe aisa mumaoko enyu vanhu vanga vakakupandukirai mambo changamire.” 29Mambo akati, “Ko mukomana uyu Abhusharomu akadii?” Ahimaazi akati, “Ini muranda wenyu pandatumwa negurukota renyu Joabhu, ndangoona vanhu vachiita bvongonyera asi handizive kuti paitikei.”
30Mambo ndokuti, “Chimboenda umire apo.” Akabvapo akandoti mbikiti kumira pakadaro apo.
31WechiKushi uye akabva asvikawopo. MuKushi uyu akati, “Ndauya neshoko rakanaka mambo changamire. Tenzi aisa mumaoko enyu vose vanga vakakupandukirai.”
32Mambo akabvunza muKushi uyu kuti, “Ko mukomana, Abhusharomu akadii?” MuKushi ndokupindura achiti, “Mambo changamire dai vavengi venyu navose vanokupandukirai vachida kukuitirai zvakaipa vakaita hwomukomana iyeyu.”
33Mambo akabatwa neshungu akakwira akandopinda mumba yaiva pamusoro pesuo guru akahwihwidza kuchema akaendako achiti, “Ho Baba iwe, mwanangu Abhusharomu. Mwanangu kani. Mwanangu Abhusharomu. Dai ndiri ini zvangu ndafa iwe wasara. Nhai Abhusharomu mwanangu mwanangu.”#18:33 Ndopanotangira chitsauko 19 muchiHebheru.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Samueri 18: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda