Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 19

19
Joabhu anotsuura nokuyambira Dhavhidhi aichema Abhusharomu
1Joabhu akataurirwa kuti mambo vari kuhwihwidza kuchema Abhusharomu. 2Nokudaro kukurira kwakanga kwaita hondo musi iwoyo kwakasanduka kukava kusuruvara kwavanhu vose sezvo musi iwoyo vanhu vakanzwa zvichinzi mambo vari kutorwadziwa mwoyo kwazvo nezvemwanakomana wavo. 3Varwi vakapinda muguta vachiita zvokuverevedza musi iwoyo sezvinongoita varwi vari kunyara vanenge vachitiza muhondo. 4Izvozvo mambo akanga akabata uso achiridza mhere achiti, “Yowe, mwanagu Abhusharomu, Abhusharomu kani, mwana wangu. Nhai mwanangu we-e.”
5Ndokubva Joabhu apinda mumba muna mambo ndokuti, “Inga nhasi manyadzisa makurukota ose enyu ari kukununurai upenyu noupenyu hwavanakomana navanasikana venyu noupenyu hwavakadzi venyu nohwavarongo venyu 6nezvamuri kuita izvi zvokuda vari kukuvengai muchivenga vari kukudai nokuti muri kutoratidzaka pachena imi kuti hamuna basa navatungamiriri vehondo kana namakurukota. Ndinodaro nokuti dai nhasi Abhusharomu anga ari mupenyu isu tose tirisu tafa, kwamuri ndozvanga zvakanaka. 7Saka zvino chisimukai mubude mundonyengetedza makurukota enyu nokuti ndinopika naTenzi kuti kana musina kubuda, vanhu vose vanokudzvamukai nhasi uno mosara musisina wamunaye usiku hwanhasi. Izvi ndozvingazova zvakaipisisa kwazvo pane zvose zvakambokuwirai kubvira pauduku hwenyu kusvikira pari nhasi.” 8Mambo akasimuka akandogara pasuo guru reguta kwakasvitswa shoko kuvanhu rokuti mambo agere kusuo guru. Vanhu vose vakauya kuna mambo.
Kudzokera kwaDhavhidhi kuJerusaremu
Izvozvo vokwaIsiraeri vakanga vaita rumwe rumwe kutizira kumisha yavo.
9Vanhu vose vaiitirana nharo mumadzinza ose eIsiraeri vachiti, “Mambo akatinunura kuvavengi vedu. Iye pachake akatinunura kuvaFirisitia asi zvino akatiza munyika muno pamusana paAbhusharomu. 10Asika Abhusharomu watakanga tagadza umambo akafa muhondo. Ko zvino morambirei makangoti zi-i zi-i musingataure nezvokuti mambo achidzoka zvake?”
11Mambo Dhavhidhi akatumira Zadhoki naAbhiatari vapristi shoko rokuti, “Taurirai vakuru vakuru vokwaJudha kuti madirei kuva ndimi vokupedzesera kuti mambo achidzokera zvake kumba kwake? 12Imi vacho ndimi hama dzangu. Muri hama dzangu chaidzo, vanhu veropa rimwechete neni. Madirei kuva imi ndimi vokupedzesera kuti mambo achidzokera zvake? 13Iti kuna Amasa, ko zvauriwezve muzukuru wangu chaiye wani weropa rimwechete neni? NaMwari chaiye ngapave nechinondiwana kana iwe usiri mutungamiriri wehondo yangu kubvira iyezvino zvichienda mberi panzvimbo yanga iri yaJoabhu.” 14Vanhu vose vokwaJudha vakatorwa mwoyo nazvo vakaita mwoyo mumwechete vakatumira kuna mambo shoko rokuti chidzokai zvenyu kuno iyemi mose namakurukota enyu ose.
15Saizvozvowo mambo akadzoka akasvika muna Jorodhani. Vanhu vokwaJudha vakaenda kuGirigari kundochingura mambo nokuyambutsa mambo Jorodhani. 16Shimei mwanakomana waGera wokwaBhenjamini wokuBhahurimu akakurumidzawo kudzikako pamwechete nevokwaJudha kundochingurawo mambo Dhavhidhi. 17Shimei uyu aivawo pamwechete navarume chiuru chimwechete vokwaBhenjamini. Zibha muranda wokwaSauro pamwechete navanakomana vake gumi navashanu navaranda vake makumi maviri vakakurumidza kudzikawo kuna Jorodhani kuna mambo. 18Vakayambuka zambuko kundotora mhuri yokwamambo yomumba nokuitawo zvainge zvichidiwa namambo.
Dhavhidhi anoregerera Shimei
Shimei mwana wavaGera akati pasi gwadagwa pana mambo pakanga mambo oda kuyambuka Jorodhani. 19Akati kuna mambo, “Mambo, dai mukandiregererawo mhosva yangu changamire muregewo zvenyu kufunga kukanganisa kwandakaita kwamuri zuva riya ini muranda wenyu mambo changamire pamaibva kuJerusaremu. Regai zvenyu kana kuzviisa mumwoyo 20nokuti ini muranda wenyu ndinoziva kuti ndakatadza. Chionai kuti ndabva ndava ndini wokutanga kumhuri yose yokwaJosefi kudzika kuno kuzochingurana nemi mambo changamire.”
21Abhishai mwanakomana waZeruya akapindura achiti, “Pamusana paizvozvo, Shimei haafanire kufa here zvaakatuka muzodzwa waTenzi?”
22Asi Dhavhidhi akati, “Munei nazvo nhaimi vana vokwaZeruya zvamava kuita sokunge muri kuda kutorwisana neni nhasi uno? Ndiro zuva here ringaurayiwe munhu muIsiraeri irori randava kuziva racho kuti ini ndini mambo weIsiraeri?” 23Saka mambo akati kuna Shimei, “Iwe hausi kuzofa,” mambo akatomutsidzira nemhiko.
Dhavhidhi anoregerera Mefibhosheti
24Mefibhosheti muzukuru waSauro akadzikawo kundochingura mambo. Kubvira zuva rakaenda mambo kusvikira zuva raakadzoka zvakanaka, Mefibhosheti uyu haana kumboshamba makumbo ake kana kudimurira ndebvu dzake kana kusuka mbatya dzake. 25Paakabva kuJerusaremu akasvika pana mambo akati kwaari, “Wakaregerereiko kuenda neni nhai Mefibhosheti?”
26Iye ndokuti, “Mambo wangu changamire, ini muranda wenyu ndakaremara. Saka ndakati kumuranda wangu, sungira chityaro padhongi rangu nditasve ndiendewo namambo. Asi muranda wangu Zibha akandinyengedza. 27Akauya kwamuri imi mambo changamire akandireva ini muranda wenyu. Zvino imi mambo wangu changamire makaita somutumwa waMwari, naizvozvo, imi, itai zvamunenge muchida zvenyu. 28Mhuri yose yokwababa vangu, chavo chavaifanira kuwana kwamuri mambo changamire rufu chete. Asi imi makatoita zvenyu kuti ini muranda wenyu ndivewo pakati pevanodya pamwechete nemi patafura. Pakadaro chii chingandipe kunge ndichakumbira zvimwe kuna mambo?”
29Mambo akati kwaari, “Chaucharamba uchitaurira nyaya yako iyi chii? Chandinotaura ndechokuti: iwe naZibha govanai munda.”
30Mefibhosheti akabva apindura mambo achiti, “Chiregai zvake atore wose imi mambo changamire zvamangodzoka zvakanaka kudai kumusha.”
Mwoyochena waDhavhidhi kuna Bharizirai
31Bharizirai wokuGireadhi akanga adzika kubva kuRogerimu kuzoperekedza mambo kusvika muna Jorodhani nokumuyambutsa Jorodhani irworwu. 32Bhazirai akanga ave harahwa chaiyo, ava namakumi masere amakore. Ndiye akambopa mambo zvokudya paakanga ari kuMahanaimu akanga ari shoroma chaiyo. 33Mambo akati kuna Bhazirai, “Handei tose kuJerusaremu ndini ndichandokuchengeta.” 34Asi Bhazirai akadaira mambo achiti, “Mukati ndichagarawo makore mangani amungati ndichange ndichaenderawo namambo kuJerusaremu? 35Ini ndave harahwa yemakumi masere amakore kudai nhasi uno, chandichazivawo chii, chakaipa kana chakanaka? Munofunga here kuti ini muranda wenyu chokudya chandinodya nechokunwa chandinonwa zvichiri kundinakira here? Zvokuteera varume nevakadzi vanoimba munoti ndichazvigonawo nhai? Madirei zvenyu kuti ini muranda wenyu ndive mumwe mutoro wokukuremedzai mambo changamire? 36Ini muranda wenyu ndichayambuka Jorodhani nemi mambo ndozongoti fambe-fambei. Ko mambo muchadirei kunditsiva nomuripo wakadai? 37Ndapota regai zvenyu ini muranda wenyu ndidzokere ndindofira zvangu kuguta rokwangu kuna makuva ababa naamai vangu. Asi muranda wenyuka uyu Kimhamu, ngaayambuke nemi mambo changamire. Ndiye wamungandoitira zvenyu zvamunenge muchida.”
38Mambo akati, “Kimhamu ndiye achayambuka neni. Ndiye wandichaitira zvamunenge muchida ndichakuitiraiwo zvose zvamunenge muchida.” 39Vanhu vose vakayambuka Jorodhani, mambo akayambukawo. Mambo akatsvoda Bharizirai akamukomborera akabva adzokera zvake kumusha kwake.
Gakava revokwaIsiraeri nevokwaJudha pamusoro pamambo Dhavhidhi
40Pakayambukira mambo kuGirigari, Kimhamu akaendawoko naye navanhu vose vokwaJudha nechimwe chikamu chevokwaIsiraeri. Ndivo vakayambutsa mambo. 41Varume vose vokwaIsiraeri vakauya kuna mambo vakabvunza mambo kuti, “Ko idzo hama dzenyu idzi dzokwaJudha dzaizoita zvokukubai sei kutounza imi mambo kuno nokuyambutsa Jorodhani mhuri yokwamambo navarume vamaiva navo vokwaDhavhidhi vose?” 42Varume vokwaJudha vose vakati kune vokwaIsiraeri, “Chatadariro ndechokuti ukama hwedu namambo iyeyuka ndohwepedyo chaizvo. Ko zvino chii chaicho chakushatirisai panyaya iyoyi? Pane chamambo chatakadya here isu, kana kuti pane chaakatipa here?”
43Varume vokwaIsiraeri vakati kune varume vokwaJudha, “Isu tinotova nemigove gumi muumambo uhu uyewo chedu muna Dhavhidhi tinacho kutopinda imi kwazvo. Ko zvino chamakatishora chii? Hatiziri isu here takava vokutanga kutaura kuti mambo achidzoka?” Asi mhinduro yavarume vokwaJudha yakanga yakaomarara kupfuura mhinduro yavarume vokwaIsiraeri.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Samueri 19: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda