2 Samueri 13:1-2
2 Samueri 13:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munguva iyoyo, Amunoni mwanakomana waDhavhidhi akachiva Tamari, hanzvadzi yaAbhusaromu mwanakomana waDhavhidhi yakanga yakanaka kwazvo. Amunoni akatambudzika kusvikira pakurwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake, nokuti hazvaigona kuti amuite chimwe chinhu.
2 Samueri 13:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino shure kwaizvozvo Abhusaromu mwanakomana waDhavhidhi wakanga ane hanzvadzi yakanaka, wainzi Tamari; Amoni mwanakomana waDhavhidhi akamuda. Amoni akatambudzika, akarwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake; nokuti yakanga iri mhandara, Amoni akaona kuti haangamuiti chinhu.
2 Samueri 13:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure maizvozvi zvakazoitika ndezvokuti Abhusharomu mwanakomana waDhavhidhi aiva nehanzvadzi yakanaka kwazvo yainzi Tamari yakadiwa nomumwewo mwanakomana waDhavhidhi ainzi Amunoni. Amunoni uyu akarwadziwa mwoyo chaizvo zvokutosvika pakurwara pamusana paTamari hanzvadzi yake. Zvakanga zviripo ndezvokuti sokuona kwaAmunoni hapana chaaigona kuita nokuti Tamari akanga achine umhandara hwake.
2 Samueri 13:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino shure kwaiɀoɀo Absaromi mŋanakomana waDavidi wakaŋga anehanɀadzi yakanaka, wainzi Tamari; Amnoni mŋanakomana waDavidi akamuɗa. Amnoni akatambudzika, akarwara pamsoro paTamari hanɀadzi yake; nokuti yakaŋga iri mhandara, Amnoni akaʋona kuti haaŋgamuiti cinhu.
2 Samueri 13:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)