Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 13

13
Kutadza kwaAmoni
1Zvino shure kwaizvozvo Abhusaromu mwanakomana waDhavhidhi wakanga ane hanzvadzi yakanaka, wainzi Tamari; Amoni mwanakomana waDhavhidhi akamuda. 2Amoni akatambudzika, akarwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake; nokuti yakanga iri mhandara, Amoni akaona kuti haangamuiti chinhu. 3Asi Amoni wakanga ane shamwari, yainzi Jonadhabhu mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi; zvino Jonadhabhu wakanga ari munhu waiva namano. 4Iye akati kwaari, “Nhandi, mwanakomana wamambo, wakawondereiko kudai mazuva ose? Haungandiudzi here?” Amoni akati kwaari, “Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomunun’una wangu Abhusaromu.”
5Jonadhabhu akati kwaari, “Vata panhoo dzako, uzviite somunhu unorwara; zvino kana baba vako vakasvika kuzokuona, uti kwavari, ‘Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye, andipe zvokudya, ndidye, agadzire zvokudya pamberi pangu, ndizviwone, ndizvidye pamaoko ake.’ ”
6Naizvozvo Amoni akavata pasi, akazviita somunhu unorwara; zvino mambo wakati achisvika kuzomuona, Amoni akati kuna mambo, “Ndinokumbira kuti Tamari, hanzvadzi yangu auye, andibikire zvingwa zviviri ndichizviona, kuti ndidye pamaoko ake.” 7Dhavhidhi akatuma shoko kumusha kuna Tamari, akati, “Enda zvino kumba kwaAmoni hanzvadzi yako, umugadzirire zvokudya.”
8Naizvozvo Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amoni; iye akanga avete pasi. Akatora mukanyiwa, akaukanya, akaumba zvingwa achizviona, akabika zvingwa. 9Akatora gango, akazvidurura pamberi pake; asi iye wakaramba kudya. Amoni akati, “Vanhu vose ngavabude kwandiri.” Vanhu vose vakabuda kwaari. 10Amoni akati kuna Tamari, “Uya nezvokudya muimba yokuvata, kuti ndidye pamaoko ako.” Tamari akatora zvingwa zvaakanga abika, akauya nazvo mumba mokuvata maAmoni hanzvadzi yake. 11Zvino wakati aswedera pedyo kwaari nazvo, iye akamubata, akati kwaari, “Uya uvate neni, hanzvadzi yangu.”
12Iye akamupindura akati, “Kwete, hanzvadzi yangu, usandichinya; nokuti chinhu chakadai hachifaniri kuitwa pakati pavaIsiraeri; usaita chinhu ichi chakaipa. 13Neni ndichaendepiko nokunyara kwangu? Kana uriwe, uchava sebenzi pakati paIsiraeri. Naizvozvo zvino, dotaura hako namambo; nokuti ivo havangandinyimi iwe.” 14Asi wakaramba kuteerera izwi rake, akaita simba naye, akamukurira, akavata naye.
15Ipapo Amoni akamuvenga nokuvenga kukuru kwazvo; nokuti kuvenga kwaakamuvenga nako, kwakapfuura rudo rwaaimuda narwo. Amoni akati kwaari, “Muka, uende.” 16Iye akati kwaari, “Kwete, nokuti chinhu ichi chokundidzinga chikuru kunechecho chawandiitira.” Asi wakaramba kumuteerera. 17Zvino akadana muranda wake wakanga achimubatira, akati, “Dzinga mukadzi uyu abve kwandiri, ukiye mukova kana abva.”
18Zvino iye wakanga ane nguo yakareba ina maoko, nokuti vakunda vamambo, vaiva mhandara, vaifuka nguo dzakadai. Muranda wake akamubudisa, akakiya mukova abva. 19Zvino Tamari akaisa madota pamusoro wake, akabvarura nguo yake yakareba ina maoko, akabata ruoko rwake pamusoro wake, akaenda achichema. 20Abhusaromu hanzvadzi yake, akati kwaari, “Amoni hanzvadzi yako wakanga ari kwauri here? Chinyarara hako, hanzvadzi yangu; iye ihanzvadzi yako, usazvidya mwoyo nemhaka yechinhu ichi.” Naizvozvo Tamari akagara ari oga mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake.
21Asi, mambo Dhavhidhi wakati achinzwa izvi zvose, akatsamwa kwazvo. 22Asi Abhusaromu haana kutaura chinhu chakanaka kana chakaipa kuna Amoni; nokuti Abhusaromu wakavenga Amoni, nokuti wakanga achiva hanzvadzi yake Tamari.
23Zvino makore maviri akati apfuura, Abhusaromu wakanga ana vaveuri vamakwai paBhaarihazori pedyo naEfuremu; Abhusaromu akakoka vana vose vamambo.
24Abhusaromu akaenda kuna mambo, akati, “Tarirai zvino, muranda wenyu anavaveuri vamakwai; ndinokumbira kuti mambo navaranda vake vaende nomuranda wenyu.” 25Mambo akati kuna Abhusaromu, “Kwete, mwana wangu, ngatirege kuenda isu tose, tirege kuzokutambudza.” Akamukurudzira, asi wakaramba kuenda, akamuropafadza hake.
26Zvino Abhusaromu akati, “Kana musingadi henyu, ndinokumbira kuti mukoma wangu Amoni aende nesu.” Mambo akati kwaari, “Iye unofanira kuendireiko newe?” 27Asi Abhusaromu akamukurudzira, akatendera Amoni navamwe vana vose vamambo kuenda naye. 28Zvino Abhusaromu akaraira varanda vake akati, “Tarirai zvakanaka zvino, kana mwoyo waAmoni wofara newaini, ini ndikati kwamuri, ‘Urayai Amoni!’ Imi munofanira kumuuraya, musatya henyu; handizini ndakakurairai here? Tsungai, muve noumhare.” 29Zvino varanda vaAbhusaromu vakaitira Amoni sezvavakanga varairwa naAbhusaromu. Ipapo vanakomana vose vamambo vakasimuka, mumwe nomumwe akakwira mbongoro yake vakatiza.
30Zvino vakati vachiti munzira, shoko rikasvika kuna Dhavhidhi rokuti, “Abhusaromu wauraya vanakomana vose vamambo, hakuna wakasara kwavari kunyangwe nomumwe.” 31Ipapo mambo akasimuka, akabvarura nguo dzake, akavata pasi; navaranda vake vose vakamirapo nenguo dzakabvarurwa. 32Asi Jonadhabhu, mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi, akapindura, akati, “Ishe wangu ngaarege kuti vauraya majaya ose, ivo vana vamambo; nokuti Amoni woga ndiye wafa, nokuti Abhusaromu wakavaraira izvozvo kubva pazuva raakachiva hanzvadzi yake Tamari. 33Zvino ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya mwoyo pamusoro pechinhu ichi, achiti vanakomana vose vamambo vafa, nokuti Amoni woga ndiye wafa.” 34Asi Abhusaromu wakatiza. Zvino jaya rakanga rakarindira rakatarira, rikaona vanhu vazhinji vachiuya nenzira yegomo mushure make. 35Jonadhabhu akati kuna mambo, “Tarirai, vana vamambo vasvika; zvaitika sezvakataura muranda wenyu.” 36Wakati apedza kutaura, vana vamambo vakasvika, vakachema kwazvo; namambowo navaranda vake vose vakachemawo kwazvo.
37Asi Abhusaromu wakatiza, akaenda kuna Tarimai mwanakomana waAmihuri mambo weGeshuri. Dhavhidhi akachema mwanakomana wake mazuva ose.
38Naizvozvo Abhusaromu akatiza akaenda Geshuri, akagarapo makore matatu.
39Mwoyo wamambo Dhavhidhi ukada kwazvo kuenda kuna Abhusaromu, nokuti wakanga anyaradzwa pamusoro paAmoni, achiti wafa hake.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Samueri 13: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda