Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Samueri 13

13
Kutadza kwaAmnoni.
1Ɀino shure kwaiɀoɀo Absaromi mŋanakomana waDavidi wakaŋga anehanɀadzi yakanaka, wainzi Tamari; Amnoni mŋanakomana waDavidi akamuɗa. 2Amnoni akatambudzika, akarwara pamsoro paTamari hanɀadzi yake; nokuti yakaŋga iri mhandara, Amnoni akaʋona kuti haaŋgamuiti cinhu. 3Asi Amnoni wakaŋga aneshamŋari, yainzi Jonadabi mŋanakomana waShimea, mukoma waDavidi; ɀino Jonadabi wakaŋga ari munhu waiʋa namano. 4Iye akati kwaari: Nhandi, mŋanakomana wamambo, wakawondereiko kuɗai mazuʋa ose? Hauŋgandiʋudzi here? Amnoni akati kwaari: Ndinoɗa Tamari, hanɀadzi yomunuŋuna waŋgu Absaromi. 5Jonadabi akati kwaari: Ʋata panhoʋo dzako, uɀiite somunhu unorwara; ɀino kana ɓaɓa ʋako ʋakaȿika kuzokuʋona, uti kwaʋari: Ndinokumbira kuti hanɀadzi yaŋgu Tamari aʋuye, andipe ɀokudya, ndidye, agadzire ɀokudya pamberi paŋgu, ndiɀiʋone, ndiɀidye pamaʋoko ake. 6Naiɀoɀo Amnoni akaʋata pasi, akaɀiita somunhu unorwara; ɀino mambo wakati aciȿika kuzomuʋona, Amnoni akati kunamambo: Ndinokumbira kuti Tamari, hanɀadzi yaŋgu aʋuye, andiɓikire ɀiŋgwa ɀiʋiri ndiciɀiʋona, kuti ndidye pamaʋoko ake. 7Davidi akatuma shoko kumusha kunaTamari, akati: Enda ɀino kumba kwaAmnoni hanɀadzi yako, umugadzirire ɀokudya. 8Naiɀoɀo Tamari akaenda kumba kwehanɀadzi yake Amnoni; iye akaŋga aʋete pasi. Akatora mukanyiwa, akaukanya, akaʋumba ɀiŋgwa aciɀiʋona, akaɓika ɀiŋgwa. 9Akatora gaŋgo, akaɀiɗurura pamberi pake; asi iye wakaramba kudya. Amnoni akati: Ʋanhu ʋose ŋgaʋaɓuɗe kwandiri. Ʋanhu ʋose ʋakaɓuɗa kwaari. 10Amnoni akati kunaTamari: Ʋuya neɀokudya muimba yokuʋata, kuti ndidye pamaʋoko ako. Tamari akatora ɀiŋgwa ɀaakaŋga aɓika, akaʋuya naɀo mumba mokuʋata maAmnoni hanɀadzi yake. 11Ɀino wakati asweɗera pedyo kwaari naɀo, iye akamuɓata, akati kwaari: Ʋuya uʋate neni, hanɀadzi yaŋgu. 12Iye akamupindura, akati: Kwete, hanɀadzi yaŋgu, usandicinya; nokuti cinhu cakaɗai hacifaniri kuitwa pakati paIsraeri; usaita cinhu ici cakaipa. 13Neni ndicaendepiko nokunyara kwaŋgu? Kana uri’we, ucaʋa seɓenzi pakati paIsraeri. Naiɀoɀo ɀino, ɗotaura hako namambo; nokuti iʋo haʋaŋgandinyimi iwe. 14Asi wakaramba kuterera inzwi rake, akaita simba naye, akamukurira, akaʋata naye. 15Ipapo Amnoni akamuʋeŋga nokuʋeŋga kukuru kwaɀo; nokuti kuʋeŋga kwaakamuʋeŋga nako, kwakapfuʋura ruɗo rwaaimuɗa narwo. Amnoni akati kwaari: Muka, uende. 16Iye akati kwaari: Kwete, nokuti cinhu ici cokundidziŋga cikuru kunececo cawandiitira. Asi wakaramba kumuterera. 17Ɀino akaɗana muranda wake wakaŋga acimuɓatira, akati: Dziŋga mukadzi uyu abve kwandiri, ukiye mukoʋa kana abva. 18Ɀino iye wakaŋga aneŋguʋo yakareɓa inamaʋoko, nokuti ʋakunda ʋamambo, ʋaiʋa mhandara, ʋaifuka ŋguʋo dzakaɗai. Muranda wake akamuɓuɗisa, akakiya mukoʋa abva. 19Ɀino Tamari akaisa maɗota pamusoro wake, akabvarura ŋguʋo yake yakareɓa inamaʋoko, akaɓata ruʋoko rwake pamusoro wake, akaenda acicema. 20Absaromi hanɀadzi yake, akati kwaari: Amnoni hanɀadzi yako wakaŋga ari kwauri here? Cinyarara hako, hanɀadzi yaŋgu; iye ihanɀadzi yako, usaɀidya mŋoyo nemhaka yecinhu ici. Naiɀoɀo Tamari akagara ari oga mumba maAbsaromi hanɀadzi yake. 21Asi mambo Davidi wakati acinzwa iɀi ɀose, akatsamŋa kwaɀo. 22Asi Absaromi haana‐kutaura cinhu cakanaka kana cakaipa kunaAmnoni; nokuti Absaromi wakaʋeŋga Amnoni, nokuti wakaŋga acinya hanɀadzi yake Tamari.
23Ɀino makore maʋiri akati apfuʋura, Absaromi wakaŋga anaʋaʋeʋuri ʋamakwai paBaari‐hazori pedyo naEfraimi; Absaromi akakoka ʋana ʋose ʋamambo. 24Absaromi akaenda kunamambo, akati: Tarirai ɀino, muranda wenyu unaʋaʋeʋuri ʋamakwai; ndinokumbira kuti mambo naʋaranda ʋake ʋaende nomuranda wenyu. 25Mambo akati kunaAbsaromi: Kwete, mŋana waŋgu, ŋgatirege kuenda isu tose, tirege kuzokutambudza. Akamukurudzira, asi wakaramba kuenda, akamuropafadza hake. 26Ɀino Absaromi akati: Kana musiŋgaɗi henyu, ndinokumbira kuti mukoma waŋgu Amnoni aende nesu. Mambo akati kwaari: Iye unofanira kuendireiko newe? 27Asi Absaromi akamukurudzira, akatendera Amnoni naʋamŋe ʋana ʋose ʋamambo kuenda naye. 28Ɀino Absaromi akaraira ʋaranda ʋake, akati: Tarirai ɀakanaka ɀino, kana mŋoyo waAmnoni wofara newaini, ini ndikati kwamuri: Ʋurayai Amnoni! imi munofanira kumuʋuraya, musatya henyu; handizi’ni ndakakurairai here? Tsuŋgai, muʋe noʋumhare. 29Ɀino ʋaranda ʋaAbsaromi ʋakaitira Amnoni seɀaʋakaŋga ʋarairwa naAbsaromi. Ipapo ʋanakomana ʋose ʋamambo ʋakasimuka, mumŋe nomumŋe akakwira mboŋgoro yake, ʋakatiza. 30Ɀino ʋakati ʋaciri munzira, shoko rikaȿika kunaDavidi rokuti: Absaromi waʋuraya ʋanakomana ʋose ʋamambo, hakuna‐wakasara kwaʋari kunyaŋge nomumŋe. 31Ipapo mambo akasimuka, akabvarura ŋguʋo dzake, akaʋata pasi; naʋaranda ʋake ʋose ʋakamira’po neŋguʋo dzakabvarurwa. 32Asi Jonadabi, mŋanakomana waShimea, mukoma waDavidi, akapindura, akati: Ishe waŋgu ŋgaarege kuti ʋaʋuraya majaya ose, iʋo ʋana ʋamambo; nokuti Amnoni woga ndiye wafa, nokuti Absaromi wakaʋaʋarira iɀoɀo kubva pazuʋa rakaacinya hanɀadzi yake Tamari. 33Ɀino ishe waŋgu mambo ŋgaarege kuɀidya mŋoyo pamsoro pecinhu ici, aciti ʋanakomana ʋose ʋamambo ʋafa, nokuti Amnoni woga ndiye wafa. 34Asi Absaromi wakatiza. Ɀino jaya rakaŋga rakarindira rakatarira, rikaʋona ʋanhu ʋazhinji ʋaciʋuya nenzira yegomo mushure make. 35Jonadabi akati kunamambo: Tarirai, ʋana ʋamambo ʋaȿika; ɀaitika seɀakataura muranda wenyu. 36Wakati apedza kutaura, ʋana ʋamambo ʋakaȿika, ʋakacema kwaɀo; namambo ʋo naʋaranda ʋake ʋose ʋakacema ʋo kwaɀo. 37Asi Absaromi wakatiza, akaenda kunaTarmai mŋanakomana waAmihuri mambo weGeshuri. Davidi akacema mŋanakomana wake mazuʋa ose.
38Naiɀoɀo Absaromi akatiza, akaenda Geshuri, akagara’po makore matatu. 39Mŋoyo wamambo Davidi ukaɗa kwaɀo kuenda kunaAbsaromi, nokuti wakaŋga anyaradzwa pamsoro paAmnoni, aciti wafa hake.

Zvasarudzwa nguva ino

II Samueri 13: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda