Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 11:18-27

2 Samueri 11:18-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Joabhu akatumira Dhavhidhi mashoko amafambiro akanga aita hondo. Akarayira nhume achiti, “Kana wapedza kurondedzera kuna mambo mafambiro aita hondo, hasha dzamambo dzingakwira, uye angangokubvunza achiti, ‘Ko, sei maswedera pedyo zvakadaro neguta muchirwa? Manga musingazivi here kuti vaizokupfurai nemiseve vari parusvingo? Ndianiko akauraya Abhimereki mwanakomana waJerubhi-Bhesheti? Haasi munhukadzi here akakanda guyo pamusoro pake richibva parusvingo, zvokuti akafira paTebhezi? Sei maswedera pedyo norusvingo?’ Kana akakubvunza izvi, ipapo uti kwaari, ‘Muranda wenyu Uria muHiti afawo.’ ” Nhume yakaenda, uye yakati yasvika, yakaudza Dhavhidhi zvose zvayakanga yarayirwa naJoabhu. Nhume yakati kuna Dhavhidhi, “Varume avo vatikurira vakatibudira pachena, asi isu tavasairira kusvikira vasvika pasuo reguta. Ipapo vapfuri vapfura varanda venyu vari parusvingo, uye vamwe vavaranda vamambo vafa. Uyewo, muranda wenyu Uria muHiti afa.” Dhavhidhi akarayira nhume achiti, “Uti kuna Joabhu, ‘Izvi ngazvirege kukushungurudza; munondo haubayi rutivi rumwe asi nokunouyawo wabaya. Ramba uchirwisa guta uriparadze.’ Taura izvi kuna Joabhu kuti umukurudzire.” Zvino mukadzi waUria paakanzwa kuti murume wake akanga afa, akamuchema. Zvino mazuva okuchema akati apera, Dhavhidhi akamuuyisa kumba kwake, akava mukadzi wake, uye akamuberekera mwanakomana. Asi chinhu ichi chakaitwa naDhavhidhi hachina kufadza Jehovha.

2 Samueri 11:18-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Joabhu akatuma shoko kuna Dhavhidhi rezvekurwa ikoku. Akarayira nhume iyi kuti, “Ukange wapedza kusvitsa shoko rezvekurwa iri kuna mambo, kana mambo akaviruka nehasha akati kwauri, ‘Pakurwa kwenyu makasvikirei pedyo neguta kudaro? Hamaizviziva here kuti vaizopfura vari parusvingo?’ Ko akauraya Abhimereki mwanakomana waJerubhesheti ndiani? Haasiri mukadzi here akamudonhedzera huyo pamusoro kubva parusvingo akafira kuTebhezi? Chamakanga moenderawo pedyo norusvingo chii? Imi mobva mati, ‘Muranda wenyu Uriya muHiti uya akafawo wani.’ ” Saizvozvo nhume iyi yakaenda ikasvika ikataurira Dhavhidhi zvose zvayakanga yatumwa naJoabhu kundotaura. Nhume yakati kuna Dhavhidhi, “Vanhu ivavo vakambotikurira vakatibudira vachitivinga musango. Asi takazodzingirirana navo kusvikira kusuo guru reguta. Vemiseve vakapfura kwatiri isu varanda venyu kubva parusvingo. Mamwe makurukota enyu mambo akafa. Muranda wenyu Uriya muHiti uya akafawo.” Dhavhidhi akati kunhume iyi, “Enda undoti kuna Joabhu izvi, ngazvirege kukutambudza zvako nokuti hondo inotora wayada. Rwisai nesimba muparadze guta iroro, umutaurire uchimusimbaradza.” Mukadzi waUriya paakanzwa kuti murume wake Uriya akafa akachema murume wake. Kuzoti nguva yokuchema kuya yapera, Dhavhidhi akati aunzwe kumba kwake, akava mukadzi wake akamuberekera mwana mukomana. Asi zvakanga zvaitwa naDhavhidhi izvi hazvina kufadza Tenzi.