Ipapo Joabi akatuma munhu kundoʋudza Davidi mashoko ose okurwa. Akaraira nhume, akati: Kana wapedza kurondedzera kunamambo mashoko ose okurwa, kana kutsamŋa kwamambo kukamuka, iye akati kwauri: Makasweɗerereiko pedyo ɀikuru neguta pakurwa kwenyu? Hamuna kuziʋa here kuti ʋacafura ʋari paruȿiŋgo? Ndianiko wakaʋuraya Abimereki mŋanakomana waJerbesheti? Wakaŋga asiri mukadzi wakakanda huyo pamsoro pake ari paruȿiŋgo, akafira paTebezi here? Makasweɗerereiko pedyo ɀikuru noruȿiŋgo? Ipapo iwe uti: Muranda wenyu Uria muHiti, wafa ʋo. Naiɀoɀo nhume yakaenda, ikaȿika, ikaʋudza Davidi ɀose ɀayakaŋga yatumirwa naJoabi. Nhume ikati kunaDavidi: Ʋarume aʋo ʋakatikurira, ʋakaɓuɗira kwatiri kusaŋgo, tikaʋadziŋgirira kuȿikira paʋanopinda napo pasuʋo. Ʋafuri ʋakafura ʋaranda ʋenyu ʋari paruȿiŋgo, ʋamŋe ʋaranda ʋamambo ʋakafa, naiye muranda wenyu Uria muHiti wafa ʋo. Ipapo Davidi akati kunhume: Iti kunaJoabi: Iɀi ŋgaɀirege kukushuwisa, nokuti munondo unoparadza mumŋe pano nomumŋe kumŋe; tsuŋga hako pakurwa neguta, uriputse; newe enda undomusimbisa. Ɀino mukadzi waUria wakati anzwa kuti murume wake Uria wafa, akacema murume wake. Akati apedza kucema, Davidi akatuma nhume kumutora, akamuisa mumba make, akaʋa mukadzi wake, akamuɓerekera mŋanakomana. Asi cinhu ici, cakaŋga caitwa naDavidi, hacina‐kufadza Mŋari.
Verenga chikamu II Samueri 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: II Samueri 11:18-27
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo