Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 11:18-27

2 Samueri 11:18-27 SCLB

Joabhu akatuma shoko kuna Dhavhidhi rezvekurwa ikoku. Akarayira nhume iyi kuti, “Ukange wapedza kusvitsa shoko rezvekurwa iri kuna mambo, kana mambo akaviruka nehasha akati kwauri, ‘Pakurwa kwenyu makasvikirei pedyo neguta kudaro? Hamaizviziva here kuti vaizopfura vari parusvingo?’ Ko akauraya Abhimereki mwanakomana waJerubhesheti ndiani? Haasiri mukadzi here akamudonhedzera huyo pamusoro kubva parusvingo akafira kuTebhezi? Chamakanga moenderawo pedyo norusvingo chii? Imi mobva mati, ‘Muranda wenyu Uriya muHiti uya akafawo wani.’ ” Saizvozvo nhume iyi yakaenda ikasvika ikataurira Dhavhidhi zvose zvayakanga yatumwa naJoabhu kundotaura. Nhume yakati kuna Dhavhidhi, “Vanhu ivavo vakambotikurira vakatibudira vachitivinga musango. Asi takazodzingirirana navo kusvikira kusuo guru reguta. Vemiseve vakapfura kwatiri isu varanda venyu kubva parusvingo. Mamwe makurukota enyu mambo akafa. Muranda wenyu Uriya muHiti uya akafawo.” Dhavhidhi akati kunhume iyi, “Enda undoti kuna Joabhu izvi, ngazvirege kukutambudza zvako nokuti hondo inotora wayada. Rwisai nesimba muparadze guta iroro, umutaurire uchimusimbaradza.” Mukadzi waUriya paakanzwa kuti murume wake Uriya akafa akachema murume wake. Kuzoti nguva yokuchema kuya yapera, Dhavhidhi akati aunzwe kumba kwake, akava mukadzi wake akamuberekera mwana mukomana. Asi zvakanga zvaitwa naDhavhidhi izvi hazvina kufadza Tenzi.