Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 11:18-27

2 Samueri 11:18-27 SNA2002

Ipapo Joabhu akatuma munhu kundoudza Dhavhidhi mashoko ose okurwa. Akaraira nhume, akati, “Kana wapedza kurondedzera kuna mambo mashoko ose okurwa, kana kutsamwa kwamambo kukamuka, iye akati kwauri, ‘Makaswederereiko pedyo zvikuru neguta pakurwa kwenyu? Hamuna kuziva here kuti vachafura vari parusvingo? Ndianiko wakauraya Abhimereki mwanakomana waJeribhesheti? Wakanga asiri mukadzi wakakanda huyo pamusoro pake ari parusvingo, akafira paTebhezi here? Makaswederereiko pedyo zvikuru norusvingo?’ Ipapo iwe uti, ‘Muranda wenyu Uriya muHiti, wafawo.’ ” Naizvozvo nhume yakaenda, ikasvika, ikaudza Dhavhidhi zvose zvayakanga yatumirwa naJoabhu. Nhume ikati kuna Dhavhidhi, “Varume avo vakatikurira, vakabudira kwatiri kusango, tikavadzingirira kusvikira pavanopinda napo pasuo. Vafuri vakafura varanda venyu vari parusvingo, vamwe varanda vamambo vakafa, naiye muranda wenyu Uriya muHiti wafawo.” Ipapo Dhavhidhi akati kunhume, “Iti kuna Joabhu, ‘Izvi ngazvirege kukusuwisa, nokuti munondo unoparadza mumwe pano nomumwe kumwe; tsunga hako pakurwa neguta, uriputse; newe enda undomusimbisa.’ ” Zvino mukadzi waUriya wakati anzwa kuti murume wake Uriya wafa, akachema murume wake. Akati apedza kuchema, Dhavhidhi akatuma nhume kumutora, akamuisa mumba make, akava mukadzi wake, akamuberekera mwanakomana. Asi chinhu ichi, chakanga chaitwa naDhavhidhi, hachina kufadza Mwari.