2 Petro 1:4-9
2 Petro 1:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kubudikidza naizvozvo, akatipa zvipikirwa zvake zvikuru kwazvo zvinokosha kuti nazvo, mugone kugoverwa umwari uye mugotiza kuora kwomunyika kunouyiswa nokuchiva. Nokuda kwaizvozvi, shingairai kuti muwedzere kunaka pakutenda kwenyu; uye pakunaka, muwedzere kuziva; napakuziva muwedzere kuzvidzora; napakuzvidzora, muwedzere kutsungirira; napakutsungirira, muwedzere umwari; napaumwari muwedzere kuda vatendi; napakuda vatendi, muwedzere rudo. Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanda, zvichakuitai kuti musava nousimbe uye musashayiwa zvibereko mukuziva kwenyu Ishe wedu Jesu Kristu. Asi kana munhu asina zvinhu izvi, anoona zviri pedyo uye ibofu, uye akanganwa kuti iye akanatswa pazvivi zvake zvakare.
2 Petro 1:4-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
akatipa nazvo zvipikirwa zvinokosha zvakakura kwazvo; kuti nazvo muve vanhu vakagoverwa uMwari, matiza kuora kuri panyika nokuchiva. Zvino nemhaka iyi muchishingaira kwazvo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziva; napakuziva, kuzvidzora; napakuzvidzora, kutsungirira; napakutsungirira, kunamata Mwari; napakunamata Mwari, kuda vatendi, napakuda vatendi, rudo. Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanzwa, zvichakuitai vanhu vasina usimbe navasingashayiwi zvibereko mukuziva Ishe wedu, Jesu Kristu. Nokuti munhu, asina izvozvi ibofu, anoona zviri pedyo bedzi, akanganwa kusukwa kwezvivi zvake zvakare.
2 Petro 1:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nenzira iyoyi akatipa zvitsidzo zvakakosha uye zvakakura kwazvo kuti nazvo mupunyuke kuora kuri panyika pamusana pehavi muchiva nomugove muumwari. Nokuda kwechikonzero ichochi edzai nokwamunogona kose kuwedzera chitendero nezviito zvakarurama, pazviito zvakanaka wedzerai ruzivo, paruzivo wedzerai kuzvibata, pakuzvibata wedzerai kutsungirira, pakushingirira kwenyu muwedzere unamati paunamati muwedzere kudana sehama nehama, pakudana sehama nehama muwedzerewo rudo. Chikonzero ndechokuti kana zvinhu izvi muinazvo zvakawanda hamuzoshaya chimuko kana kushaya muchero mukuziva Tenzi wedu Jesu Kristu, asi ani naani zvake anenge asina zvinhu izvi, ibofu, munhu asingaoni zvinhu nemazvo uye atokanganwa kuti akacheneswa pazvitadzo zvake zvakare.
2 Petro 1:4-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
akatipa naɀo ɀi kirwa ɀinokosha ɀakakura kwaɀo; kut naɀo muʋe ʋanhu ʋakagoʋerwa ʋuMŋari, matiza kuʋora kuri panyika nokuciʋa. Ɀino nemhaka iyi mucishiŋgaira kwaɀo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziʋa; napakuziʋa, kuɀidzora; napakuɀidzora, kutsuŋgirira; napakutsuŋgirira, kunamata Mŋari; napakunamata Mŋari, kuɗa ʋatendi, napakuɗa ʋatendi, ruɗo. Nokuti kana muneɀinhu iɀi, ɀiciramba ɀiciwanzwa, ɀicakuitai ʋanhu ʋasinoʋusimbe naʋasiŋgashaiwi ɀiɓereko pakuziʋa Ishe weɗu, Jesu Kristu. Nokuti munhu, usinaiɀoɀi iɓofu, unoʋona ɀiri pedyo ɓedzi, wakaŋganwa kusukwa kweɀiʋi ɀake ɀakare.
2 Petro 1:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)