2 Pita 1
1
1Ndini Simoni Pita muranda nomupositori waJesu Kristu, ndinokunyorerai imi makagamuchira chitendero chakakosha chakangoita sechedu nesimba roururami hwaMwari wedu nomuponesi wedu Jesu Kristu. 2Dai mangowana chikomborero chenyasha dzakawanda norugare ruzere mukuziva kwamunoita Mwari uye Jesu Tenzi wedu.
Mwoyochena waMwari wokutidaidza
3Simba rake rouMwari rakatiwanisa zvinhu zvose zvinopa upenyu uye unamati hwechokwadi pamusana pokuziva iye akatidaidza kumbiri yake nokurunako rwake. 4Nenzira iyoyi akatipa zvitsidzo zvakakosha uye zvakakura kwazvo kuti nazvo mupunyuke kuora kuri panyika pamusana pehavi muchiva nomugove muumwari. 5Nokuda kwechikonzero ichochi edzai nokwamunogona kose kuwedzera chitendero nezviito zvakarurama, pazviito zvakanaka wedzerai ruzivo, 6paruzivo wedzerai kuzvibata, pakuzvibata wedzerai kutsungirira, pakushingirira kwenyu muwedzere unamati 7paunamati muwedzere kudana sehama nehama, pakudana sehama nehama muwedzerewo rudo. 8Chikonzero ndechokuti kana zvinhu izvi muinazvo zvakawanda hamuzoshaya chimuko kana kushaya muchero mukuziva Tenzi wedu Jesu Kristu, 9asi ani naani zvake anenge asina zvinhu izvi, ibofu, munhu asingaoni zvinhu nemazvo uye atokanganwa kuti akacheneswa pazvitadzo zvake zvakare. 10Naizvozvo hama shingairai zvikuru kuti musimbaradze kudaidzwa kwenyu nokusarudzwa kwenyu nokuti mukadai hamuzoputsiki. 11Nezvo muchanyatsogamuchirwa namaoko maviri muumambo husingaperi hwaTenzi wedu noMuponesi, Jesu Kristu. 12Naizvozvo ndinoda kupota ndichikuyeuchidzai zvinhu izvi kunyange zvazvo muchizviziva kare uye kunyange zvazvo makadzika midzi muchokwadi chamunacho. 13Ndinofunga kuti zvakanaka pandinenge ndichiri mupenyu kudai, 14kukumutsai mwoyo kuri kukuyeuchidzai sezvandinoziva kuti kubva kwangu mumuviri#1:14 Mumuviri: ChiGiriki chinoti tende. uno wandiri, kuri pedyo sokuratidzwa kwandakaitwa naTenzi wedu Jesu Kristu. 15Ndichatoona kuti mushure mokunge ndaenda muzokwanisa kuyeuka zvinhu izvi panguva ipi neipi zvayo.
Uchapupu hwAvapositori
16Hatina kutevedza ngano dzokungofungira patakakuzivisai nezvesimba uye nezvekuuya kwaTenzi wedu Jesu Kristu. Takanga tiri zvapupu zvakazvionera nameso ukuru ukuru hwake 17nokuti paakapiwa rukudzo nembiri naMwari Baba izwi rakauya kwaari richibva mukupenya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo wandinofadzwa naye zvikuru.” 18Takanzwa izwi iri richibva kudenga nokuti takanga tinaye pagomo rinoera riya. 19Naizvozvo tine shoko rechiporofita rakanyatsosimbisiswa. Zviri nani kwamuri kuriteerera semwenje unovheneka munzvimbo ine rima kusvikira zuva rabuda uye hweva#1:19 Hweva: Kana kuti nhanda. yabuda mumwoyo menyu. 20Pakutanga munofanira kunzwisisa izvi zvokuti hakuna chiporofita chaMagwaro Matsvene, munhu chaanga dudzire sokuda kwake 21nokuti hakuna chiporofita chakangouya chichingonyuka zvacho mumunhu. Asi kuti vanhu vakafemerwa naMweya Mutsvene vakataura zvinobva kuna Mwari.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Pita 1: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.