2 Petro 1:1-4
2 Petro 1:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Simoni Petro, muranda nomupostori waJesu Kristu, kuna vaya vakagamuchira kutenda kunokosha sokwedu, kubudikidza nokururama kwaMwari wedu noMuponesi wedu Jesu Kristu: Nyasha norugare ngazvive nemi, zviwande kubudikidza nokuziva kwaMwari nokwaJesu Ishe wedu. Simba rake dzvene rakatipa zvinhu zvose zvatinoda zvoupenyu uye noumwari kubudikidza nokumuziva kwedu iye akatidana nokubwinya nokunaka kwake chaiko. Kubudikidza naizvozvo, akatipa zvipikirwa zvake zvikuru kwazvo zvinokosha kuti nazvo, mugone kugoverwa umwari uye mugotiza kuora kwomunyika kunouyiswa nokuchiva.
2 Petro 1:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Simeoni Petirosi, muranda nomupostori waJesu Kristu, kuna vakagoverwa kutenda kumwe nokwedu, kunokosha, nokururama kwaMwari wedu noMuponesi Jesu Kristu; nyasha ngadzive nemi norugare ngaruwanzwe mukuziva Mwari naJesu, Ishe wedu; nokuti nesimba rouMwari hwake takapiwa zvose zvinodikanwa muhupenyu nomukunamata Mwari, nenzira yokumuziva iye akatidana nokubwinya kwake nokunaka; akatipa nazvo zvipikirwa zvinokosha zvakakura kwazvo; kuti nazvo muve vanhu vakagoverwa uMwari, matiza kuora kuri panyika nokuchiva.
2 Petro 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndini Simoni Pita muranda nomupositori waJesu Kristu, ndinokunyorerai imi makagamuchira chitendero chakakosha chakangoita sechedu nesimba roururami hwaMwari wedu nomuponesi wedu Jesu Kristu. Dai mangowana chikomborero chenyasha dzakawanda norugare ruzere mukuziva kwamunoita Mwari uye Jesu Tenzi wedu. Simba rake rouMwari rakatiwanisa zvinhu zvose zvinopa upenyu uye unamati hwechokwadi pamusana pokuziva iye akatidaidza kumbiri yake nokurunako rwake. Nenzira iyoyi akatipa zvitsidzo zvakakosha uye zvakakura kwazvo kuti nazvo mupunyuke kuora kuri panyika pamusana pehavi muchiva nomugove muumwari.
2 Petro 1:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Simeoni Petro, muranda nomuapostora waJesu Kristu, kunaʋakagoʋerwa kutenda kumŋe nokweɗu, kunokosha, nokururama kwaMŋari weɗu noMuponesi Jesu Kristu; nyasha ŋgadziʋe nemi norugare ŋgaruwanzwe pakuziʋa Mŋari naJesu, Ishe weɗu; nokuti nesimba roʋuMŋari bgake takapiwa ɀose ɀinoɗikanwa paʋupenyu napakunamata Mŋari, nenzira yokumuziʋa iye wakatiɗana nokubginya kwake nokunaka; akatipa naɀo ɀi kirwa ɀinokosha ɀakakura kwaɀo; kut naɀo muʋe ʋanhu ʋakagoʋerwa ʋuMŋari, matiza kuʋora kuri panyika nokuciʋa.
2 Petro 1:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)