2 Madzimambo 6:8-14
2 Madzimambo 6:8-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino mambo weAramu akanga achirwa neIsraeri. Mushure mokutaurirana navaranda vake, akati, “Ndichadzika musasa wangu panzvimbo yokuti neyokuti.” Munhu waMwari akatumira shoko kuna mambo weIsraeri achiti, “Chenjerai kuti murege kupfuura napanzvimbo iyo nokuti vaAramu vari kuburukirako.” Naizvozvo mambo weIsraeri akatumira vanhu kunzvimbo iyoyo yaakanga aratidzwa nomunhu waMwari, kuti vandoiongorora. Nguva nenguva Erisha aiyambira mambo, kuti achenjerere nzvimbo dzakadaro. Izvi zvakatsamwisa mambo weAramu. Akadana vabati vake akati kwavari, “Hamungandiudzewo here kuti pakati pedu ari kurutivi rwamambo weIsraeri ndiani?” Mumwe wavabati vake akati, “Pakati pedu hapana, ishe wangu mambo, asi Erisha, muprofita ari muIsraeri ndiye anoudza mambo weIsraeri mashoko chaiwoiwo amunotaura muimba yenyu yokurara.” Mambo akati, “Endai munotsvaka kuti ari kupi, kuitira kuti ndigotuma varume vanomubata.” Akaziviswa kuti, “Ari muDhotani.” Ipapo akatumira ikoko mabhiza nengoro namauto akasimba. Vakaenda usiku vakakomba guta.
2 Madzimambo 6:8-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mambo weSiria wakarwa navaIsiraeri; akarangana navaranda vake, akati, “Matende angu anofanira kudzikwa pokuti nopokuti.” Zvino munhu waMwari ndokutuma shoko kuna mambo weIsiraeri, akati, “Chenjerai, murege kupfuura nopokuti, nokuti vaSiria voburukira ipapo.” Ipapo mambo weIsiraeri akatuma vanhu ikoko kwaakaudzwa nokunyeverwa nomunhu waMwari, akazvingwarirapo asingadaro kamwe nakaviri bedzi. Naizvozvo mwoyo wamambo weSiria akanyaniswe kwazvo pamusoro pechinhu ichi; akadana varanda vake, akati kwavari, “Hamungandiratidzi here, kuti ndianiko pakati patiri unonzwana namambo weIsiraeri?” Mumwe wavaranda vake akati, “Kwete, ishe wangu mambo, asi Erisha muporofita, ari pakati peIsiraeri, ndiye unoudza mambo weIsiraeri mashoko amunotaura muimba yenyu yomukati.” Akati, “Endai mundotarira kwaari, nditume vanhu kuzomutora.” Akaudzwa, zvichinzi, “Uri paDhotani.” Naizvozvo akatumirako mabhiza, nengoro, nehondo huru; vakafamba usiku, vakakomba guta.
2 Madzimambo 6:8-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwakati kwamuka hondo pakati pamambo weSiria nevokwaIsiraeri, mambo akarangana namakurukota ake achiti, “Kwanhingi kuya kuya ndokwandichandoti matendhe angu dzii kumisa.” Asi munhu waMwari akatumira shoko kuna mambo wokwaIsiraeri rokuti, “Chenjererai kuti murege zvenyu kupfuura nokunzvimbo iyoyi nokuti vaSiria vari kutodzika ikoko.” Mambo wokwaIsiraeri akatumira nhume kunzvimbo kwaakanga ataurirwa nomunhu waMwari uya. Ikoku ndokumubayira zani kwaaiita zvokuti akatozviponesa ruviri kana kuti rutatu rwese. Izvozvi izvi zvakashungurudza mwoyo kwazvo mambo weSiria akadaidza makurukota ake akaati, “Hamungandiratidzewo here mumwe wedu ane rimwe namambo wokwaIsiraeri?” Rimwe gurukota rake rakati, “Changamire mambo, hapana, asi kutoti Erisha muporofita womuIsiraeri ndiye anonyevera mambo wokwaIsiraeri zvamunotaura imi kunyange muri mumba menyu mokurara chaimo.” Iye ndokuti, “Chiendai mundomutsvaka kwaari kuti nditume vokundomubata.” Akataurirwa kuti, “Ari kuDotani.” Akabva atumirako ngoro dzehondo dzamabhiza nehondo huru yavarwi vakasvikokomberedza guta iroro nousiku.
2 Madzimambo 6:8-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mambo weSiria wakarwa naʋaIsraeri; akaraŋgana naʋaranda ʋake, akati: Matente aŋgu anofanira kudzikwa pokuti nopokuti. Ɀino munhu waMŋari ndokutuma shoko kunamambo waIsraeri, akati: Cenjerai, murege kupfuʋura nopokuti, nokuti ʋaSiria ʋoɓurukira ipapo. Ipapo mambo waIsraeri akatuma ʋanhu ikoko kwaakaʋudzwa nokunyeʋerwa nomunhu waMŋari, akaɀiŋgwarira’po asiŋgaɗaro kamŋe nakaʋiri ɓedzi. Naiɀoɀo mŋoyo wamambo weSiria ukadzianiswa kwaɀo pamsoro pecinhu ici; akaɗana ʋaranda ʋake, akati kwaʋari: Hamuŋgandiratidzi here, kuti ndianiko pakati patiri unonzwana namambo waIsraeri? Mumŋe waʋaranda ʋake akati: Kwete, ishe waŋgu mambo, asi Erisha muprofita, uri pakati paIsraeri, ndiye unoʋudza mambo waIsraeri mashoko amunotaura muimba yenyu yomukati. Akati: Endai mundotarira kwaari, nditume ʋanhu kuzomutora. Akaʋudzwa, ɀicinzi: Uri paDotani. Naiɀoɀo akatumira’ko mabiza, neŋgoro, nehondo huru; ʋakafamba ʋusiku, ʋakakomba guta.
2 Madzimambo 6:8-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)