2 Madzimambo 6
6
Kuyangarara kwedemo pamvura
1Chikwata chavaporofita chiya chakati kuna Erisha, “Onaika, panzvimbo pano patinogara tiri mumaoko enyu, patidupikira kwazvo. 2Regai zvenyu tiende kuna Jorodhani mumwe nomumwe wedu atsvake bango ikoko tizvivakire pokugara ikoko.”
Erisha akati, “Endai zvenyu!”
3Mumwe wavo akabva ati, “Dai mukaendawo pamwechete nesu varanda venyu!” Erisha akapindurawo achiti, “Ndinoendawo.” 4Nokudaro akaenda navo. Pavakasvika muna Jorodhani, vakatanga kutema miti. 5Asi mumwe wavo achitema bango kudaro chese yedemo rake yakasvotokera mumvura. Akazhamba kuchema achiti, “Babaiwe kani! Changamire, demo iri rakatoita zvokukumbirwa.”
6Munhu waMwari akati, “Rawira nepapi?”
Paakamuratidza parakawira napo akatema chimuti akachikanda ipapo ndokuita kuti chese iya yesimbi iyangarare. 7Erisha ndokuti, “Chiisimudza zvako.” Iye akasvitsa ruoko rwake payaiva akabva aitora.
D: HONDO NAVAARAMU
Kukurira kwakaita vokwaIsiraeri hondo yeSiria
8Kwakati kwamuka hondo pakati pamambo weSiria nevokwaIsiraeri, mambo akarangana namakurukota ake achiti, “Kwanhingi kuya kuya ndokwandichandoti matendhe angu dzii kumisa.”
9Asi munhu waMwari akatumira shoko kuna mambo wokwaIsiraeri rokuti, “Chenjererai kuti murege zvenyu kupfuura nokunzvimbo iyoyi nokuti vaSiria vari kutodzika ikoko.” 10Mambo wokwaIsiraeri akatumira nhume kunzvimbo kwaakanga ataurirwa nomunhu waMwari uya. Ikoku ndokumubayira zani kwaaiita zvokuti akatozviponesa ruviri kana kuti rutatu rwese.
11Izvozvi izvi zvakashungurudza mwoyo kwazvo mambo weSiria akadaidza makurukota ake akaati, “Hamungandiratidzewo here mumwe wedu ane rimwe namambo wokwaIsiraeri?”
12Rimwe gurukota rake rakati, “Changamire mambo, hapana, asi kutoti Erisha muporofita womuIsiraeri ndiye anonyevera mambo wokwaIsiraeri zvamunotaura imi kunyange muri mumba menyu mokurara chaimo.”
13Iye ndokuti, “Chiendai mundomutsvaka kwaari kuti nditume vokundomubata.” Akataurirwa kuti, “Ari kuDotani.” 14Akabva atumirako ngoro dzehondo dzamabhiza nehondo huru yavarwi vakasvikokomberedza guta iroro nousiku. 15Kuzoti ava mangwanani mushandi womunhu waMwari akafumomuka akabuda, onei guta rakakombwa nehondo yavarwi nengoro dzehondo dzamabhiza. Mushandi uya akati, “Tapera changamire! Todiiko?”
16Erisha ndokuti, “Rega zvako kutya nokuti vatinavo vakawanda kupinda vavanavo.” 17Erisha ndokunamata achiti, “Imi Tenzi ndapota pengenutsaiwo meso ake kuti aone.” Saizvozvo Tenzi akapengenutsa jaya iri meso rikabva raona. Ndiye onei gomo rakati shutu kuzara nengoro dzehondo dzamabhiza dzakakomberedza Erisha.
18VaSiria pavakamudzikira ikoko, Erisha akanamata kuna Tenzi achiti, “Imbondiroveraiwo vanhu ava nechidzimira.” Akavarova nechidzimira maererano nomunamato waErisha. 19Erisha akabva ati kwavari, “Iyi haisiriyo nzira yacho uye guta racho harisi rino iri. Chinditeverai zvenyu ndindokusvitsai kumurume wamuri kutsvaka.” Akaenda navo kuSamaria.
20Vachangoti pindei muSamaria, Erisha akati, “Nhai Tenzi chipengenutsai vanhu ava meso kuti vachiona.” Tenzi ndokupengenutsa meso avo vakabva vava kuona, vakatenge vava mukati meSamaria.
21Mambo wokwaIsiraeri achivaona akati kuna Erisha, “Ndovauraya here nhai baba? Ndovauraya here?”
22Iye akapindura achiti, “Regai kuvauraya! Mungauraye here nhapwa dzamunenge zvenyu matapa namapakatwa enyu nouta hwenyu? Vapei zvenyu chokudya nemvura vadye, vanwe vaende zvavo kuna tenzi wavo.” 23Ipapo akavaitira mabiko makuru kwazvo. Kuzoti vadya vanwa, akavaperekedza vakabva vadzokera kuna tenzi wavo. VaSiria ndokubvawo vapfidza kuita zvokupamba munyika yokwaIsiraeri.
Kukombwa kweguta reSamaria
24Mushure mezvizvi Bhenihadhadhi mambo weSiria akaunganidza hondo yake akandokomba Samaria. 25MuSamaria makaita shangwa yenzara vakarikomba kudaro zvikasvitsa pakuti musoro wedhongi zvawo utengeswe makumi masere emari yesirivha uye zimowa danga#6:25 Zimowa danga: ChiHebheru chacho pane mazwi anoreva kuti “Ndove yenjiva.” Vamwe vanoti izita rechiHebheru romumwe muriwo womusango wenhamonhamo, vachitiwo waishandiswawo sendove yokuisa mumunda. rainge richirema magiramu mazana maviri ritengeswewo mazana mashanu emari yesirivha.
26Mambo wokwaIsiraeri akati achipfuura ari pamusoro porusvingo, mumwe mukadzi akadaidzira kwaari achiti, “Ndiyamureiwo changamire, nhai mambo!”
27Iye akati, “Kana Tenzi akarega kutokuyamura unoti ini ndingagokuyamurawo nei? Nezvekuburiro here kana kuti zvomumudziyo unosvinirwa waini.” 28Mambo ndokumuti, “Wanetswa nei?”
Mudzimai uyu akati, “Mukadzi uyu akanditi, ‘Unza mwana wako mukomana timudye nhasi, mangwana tozodyawo mwanakomana wangu.’ 29Saizvozvo takabika mwana wangu tikamudya. Ramangwana acho ndakamuti chiunza mwana wako mukomana timudye, iye ndopaava kutohwandisa zvake wake mwana.”
30Mambo achinzwa nyaya yomukadzi uyu akabva abvarura hanzu dzake. Izvozvo mambo ainge achipfuura napamusoro porusvingo paya. Vanhu ndokuti ji kutarisa, onei mukati, mambo akapfeka hanzu dzemasaga pamuviri pake. 31Akati, “Mwari ngaandione asve atondiomesera zvake kana ndikasiya musoro waErisha mwanakomana waShafati uripo ndikarega kuudimura iye nhasi uno.”
32Izvozvo Erisha ainge ari mumba make, vakuru vakuru vachitandara zvavo naye. Zvino mambo akatenge afanotuma mumwe murume akabva paaiva. Asi murume uyu asati asvikako, Erisha akafanoti kuvakuru vakuru vacho, “Muri kuona here zvarongwa nomwana womuurayi uyu, kutumira munhu kuzondidimura musoro nhai? Chinzwai, kana nhumwa yacho yasvika imi pfigai musuo, moramba makamubatira gonhi zviya zvokuti ndi chaizvo. Uyo hausiri mutsindo watenzi wake ari kumutevera here?” 33Achiri kutaura navo kudaro nhumwa iya yakasvika kwaari ikati, “Nhamo iyi inhamo iri kuunzwa naTenzi. Ko ndichagorambirei ndakangomirira Tenzi?”
Zvasarudzwa nguva ino
2 Madzimambo 6: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.