2 Madzimambo 6:13-17
2 Madzimambo 6:13-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mambo akati, “Endai munotsvaka kuti ari kupi, kuitira kuti ndigotuma varume vanomubata.” Akaziviswa kuti, “Ari muDhotani.” Ipapo akatumira ikoko mabhiza nengoro namauto akasimba. Vakaenda usiku vakakomba guta. Muranda womunhu waMwari akati amuka mangwanani aitevera, akabuda panze akaona hondo namabhiza nengoro zvakomba guta. Muranda wake akati, “Haiwa, ishe wangu, tichaita seiko?” Muprofita akapindura akati, “Usatya. Vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari.” Ipapo Erisha akanyengetera akati, “Haiwa Jehovha, svinudzai meso ake kuti aone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso omuranda, iye ndokutarisa akaona zvikomo zvakazara namabhiza nengoro dzomoto zvakakomba Erisha.
2 Madzimambo 6:13-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati, “Endai mundotarira kwaari, nditume vanhu kuzomutora.” Akaudzwa, zvichinzi, “Uri paDhotani.” Naizvozvo akatumirako mabhiza, nengoro, nehondo huru; vakafamba usiku, vakakomba guta. Zvino muranda womunhu waMwari wakati amuka mangwanani, akabuda, ndokuona hondo namabhiza nengoro zvakakomba guta. Muranda wake akati kwaari, “Haiwa! Tenzi wangu, tichadiniko?” Iye akapindura, akati, “Usatya hako, nokuti vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.” Zvino Erisha akanyengetera, akati, “Jehovha, svinudzai henyu meso ake, awone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso ejaya, akaona gomo rizere namabhiza, nengoro dzomoto zvakanga zvakakomba Erisha.
2 Madzimambo 6:13-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye ndokuti, “Chiendai mundomutsvaka kwaari kuti nditume vokundomubata.” Akataurirwa kuti, “Ari kuDotani.” Akabva atumirako ngoro dzehondo dzamabhiza nehondo huru yavarwi vakasvikokomberedza guta iroro nousiku. Kuzoti ava mangwanani mushandi womunhu waMwari akafumomuka akabuda, onei guta rakakombwa nehondo yavarwi nengoro dzehondo dzamabhiza. Mushandi uya akati, “Tapera changamire! Todiiko?” Erisha ndokuti, “Rega zvako kutya nokuti vatinavo vakawanda kupinda vavanavo.” Erisha ndokunamata achiti, “Imi Tenzi ndapota pengenutsaiwo meso ake kuti aone.” Saizvozvo Tenzi akapengenutsa jaya iri meso rikabva raona. Ndiye onei gomo rakati shutu kuzara nengoro dzehondo dzamabhiza dzakakomberedza Erisha.
2 Madzimambo 6:13-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akati: Endai mundotarira kwaari, nditume ʋanhu kuzomutora. Akaʋudzwa, ɀicinzi: Uri paDotani. Naiɀoɀo akatumira’ko mabiza, neŋgoro, nehondo huru; ʋakafamba ʋusiku, ʋakakomba guta. Ɀino muranda womunhu waMŋari wakati amuka maŋgwanani, akaɓuɗa, ndokuʋona hondo namabiza neŋgoro ɀakakomba guta. Muranda wake akati kwaari: Haiwa! tenzi waŋgu, ticaɗiniko? Iye akapindura, akati: Usatya hako, nokuti ʋari kwatiri ʋanopfuʋura ʋari kwaʋari pakuwanda. Ɀino Erisha akanyeŋgetera, akati: Jehova, ȿinudzai henyu meso ake, aʋone. Ipapo Jehova akaȿinudza meso ejaya, akaʋona gomo rizere namabiza, neŋgoro dzomŋoto ɀakaŋga ɀakakomba Erisha.
2 Madzimambo 6:13-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)