2 Madzimambo 22:1-20
2 Madzimambo 22:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Josia akanga ava namakore masere paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi matatu nerimwe. Zita ramai vake rainzi Jedhidha mwanasikana waAdhaya; aibva kuBhozikati. Akaita zvakanaka pamberi paJehovha uye akafamba munzira dzose dzababa vake Dhavhidhi, akasatsaukira kurudyi kana kuruboshwe. Mugore regumi namasere rokutonga kwake, Mambo Josia akatuma munyori, Shafani mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMeshurami, kutemberi yaJehovha. Akati kwaari, “Enda kuna Hirikia muprista mukuru umuudze kuti averenge mari yakauyiswa mutemberi yaJehovha, iya yakaunganidzwa navarindi vomukova ichibva kuvanhu. Uite kuti vaipe kuvarume vakagadzwa kuti vatarire basa rapatemberi. Uye varume ava vanofanira kuripa vabati vanogadzira temberi yaJehovha, vavezi, navavaki navavezi vamatombo. Uyezve uite kuti vatenge matanda namatombo akavezwa kuti vagadzirise temberi. Asi havafaniri kubvunzwa pamusoro pemari yakaiswa mumaoko avo, nokuti ivo vakatendeka pakubata kwavo.” Hirikia muprista mukuru akati kuna Shafani munyori, “Ndawana Bhuku roMurayiro mutemberi yaJehovha.” Akaripa kuna Shafani, uyo akariverenga. Ipapo Shafani munyori akaenda kuna mambo akandomuzivisa kuti: “Vabati venyu varipa mari iya yakanga iri mutemberi yaJehovha vakaipa kuvashandi navatariri vapatemberi.” Ipapo Shafani munyori akazivisa mambo achiti, “Hirikia muprista andipa bhuku.” Uye Shafani akariverenga pamberi pamambo. Mambo akati anzwa mashoko eBhuku roMurayiro, akabvarura nguo dzake. Akarayira Hirikia muprista, naAhikami mwanakomana waShafani, naAkibhori mwanakomana waMikaya, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo achiti, “Endai munondibvunzirawo Jehovha, ini navanhu ava, uye navanhu vose veJudha, pamusoro pezvakanyorwa mubhuku rakawanikwa iri. Nokuti kutsamwa kwaJehovha kwaakatitsamwira nako kukuru nokuda kwamadzibaba edu asina kuteerera mashoko ebhuku iri; havana kuita zvose zvakafanira zvakanyorwa pamusoro pedu.” Hirikia muprista, naAhikami, naAkibhori, naShafani naAsaya vakaenda kundotaura naHuridha muprofitakadzi, akanga ari mukadzi waSharumi mwanakomana waTikivha, mwanakomana waHarihasi, muchengeti wenguo. Aigara muJerusarema, muDunhu reChipiri. Akati kwavari, “Zvanzi naJehovha, Mwari weIsraeri: Udzai murume akutumai kwandiri kuti, ‘Zvanzi naJehovha: Ndichauyisa dambudziko pamusoro penzvimbo ino navanhu vayo, zvichienderana nezvose zvakanyorwa mubhuku rakaverengwa namambo weJudha. Nokuti vakandirasa, vakapisira zvinonhuhwira kuna vamwe vamwari, vakanditsamwisa nokuda kwezvifananidzo zvose zvavakaita namaoko avo, kutsamwa kwangu kuchapfuta pamusoro penzvimbo ino uye hakungadzimwi.’ Udzai mambo weJudha, akutumai kuzobvunza Jehovha, kuti, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsraeri, pamusoro pamashoko amakanzwa: Nokuti mwoyo wako wakanga uri munyoro uye ukazvininipisa pamberi paJehovha pawakanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo ino navanhu vayo, kuti vachatukwa uye kuti vachaitwa dongo, uye nokuti wakabvarura nguo dzako ukachema pamberi pangu, ndakunzwa, ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo ndichakurongedza kumadzibaba ako, uye uchavigwa murugare. Meso ako haachazooni matambudziko ose andichauyisa panzvimbo ino.’ ” Naizvozvo vakaendesa mhinduro yake kuna mambo.
2 Madzimambo 22:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Josia wakatanga kubata ushe ava namakore masere; akabata ushe paJerusaremu makore makumi matatu nerimwe; zita ramai vake rakanga riri Jedhidha mukunda waAdhaya weBhozikati. Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akafamba nenzira yose yaDhavhidhi baba vake, haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe. Zvino negore regumi namasere ramambo Josia, mambo akatuma munyori Shafani mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMeshurami, kumba kwaJehovha, akati, “Enda kuna Hirikia mupristi mukuru, umuudze averenge mari inoiswa mumba maJehovha, yakaunganidzwa navatariri vomukova kuvanhu; vaipe mumaoko avabati vebasa, vanotarira temberi yaJehovha; ivo vaipe vabati vebasa vari mumba maJehovha, kuti vagadzirise zvakaputsika paimba; ivo vavezi, navavaki, navanoronga mabwe, uye vatenge nayo matanda, namabwe akavezwa, kuti vagadzire temberi.” Asi havana kubvunzwa pamusoro pemari yakaiswa mumaoko avo, nokuti vaibata vakatendeka. Ipapo Hirikia mupristi mukuru akati kuna Shafani munyori, “Ndawana bhuku yomurayiro mumba maJehovha.” Hirikia akapa Shafani bhuku yomurayiro, iye akairava. Zvino Shafani munyori akasvika kuna mambo, akadzoka neshoko kuna mambo, akati, “Varanda venyu vadurura mari yakawanikwa mumba, vakaipa mumaoko avabati vebasa, vanotarira imba yaJehovha.” Shafani munyori akati kuna mambo, “Mupristi Hirikia wandipa bhuku.” Shafani akariravira mambo. Zvino mambo wakati achinzwa mashoko ebhuku yomurayiro, akabvarura nguo dzake. Mambo akaraira mupristi Hirikia, naAhikami mwanakomana waShafani, naAkibhori mwanakomana waMikaya, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo, akati, “Endai mundondibvunzira Jehovha, ini navanhu vavaJudha vose, pamusoro pamashoko ebhuku iyi yakawanikwa; nokuti kutsamwa kwaJehovha kwaakatitsamwira nako kukuru kwazvo, nokuti madzibaba edu havana kuteerera mashoko ebhuku iyi, havana kuita zvose zvatakarairwa.” Naizvozvo mupristi Hirikia, naAhikami, naAkibhori, naShafani, naAsaya vakaenda kuna Huridha muporofitakadzi, mukadzi waSharumi mwanakomana waTikiva, mwanakomana waHarahasi, muchengeti wenguo; (zvino iye mukadzi wakanga agere paJerusaremu kurutivi rutsva rweguta;) vakataurirana naye. Iye akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsiraeri, ‘Udzai munhu wakakutumai kwandiri muti, zvanzi naJehovha, tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavagerepo, iwo mashoko ose ebhuku yakarahwa namambo weJudha; nokuti vakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuwira, vakanditsamwisa namabasa ose amaoko avo; naizvozvo kutsamwa kwangu kuchamukira nzvimbo iyi; hakungadzimwi.’ “Asi muti kuna mambo waJudha wakakutumai kuzobvunza Jehovha, ‘Zvanzi naJehovha Mwari weIsiraeri, kana ari mashoko awakanzwa, mwoyo wako zvawakanga uri munyoro, ukazvininipisa pamberi paJehovha, nguva yawakanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavageremo, kuti vachaitwa dongo nechinhu chakatukwa, wakabvarura nguo dzako, wakachema pamberi pangu;’ zvino zvanzi naJehovha, ‘Ini ndakunzwawo.’ Naizvozvo, tarira, ndichakuisa kuna madzibaba ako, uchavigwa muhwiro hwako norugare; meso ako haangawoni zvakaipa zvose zvandichauyisa pamusoro penzvimbo iyi.” Vakadzoka neshoko kuna mambo.
2 Madzimambo 22:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Josiya akanga ava namakore masere paakatangisa kutonga. Akatonga kwemakumi matatu amakore ane gore rimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Jedhidha mwanasikana waAdhaya wokuBhozikati. Akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi. Mune zvose akatevedza gwara raDhavhidhi tateguru wake. Haana kutsaukira uku kana uku. Mugore regumi nechisere rokutonga kwamambo Josiya, mambo iyeyu akatuma samunyori mukuru Shafani mwanakomana waAzariya mwanakomana waMeshuramu kumba yaTenzi achiti, “Chienda kumupristi mukuru Hirikiya averenge mari yakaunzwa mumba yaTenzi yakaunganidzwa navachengetedzi vokumusuo yakabviswa navanhu. Ngaiiswe mumaoko evashandi vanoona nezvebasa remba yaTenzi, ivo vaitambirise vashandi vari kumba yaTenzi vari kugadzira imba iyoyo, vavezi navavaki novokuvaka namatombo nokutengawo mapuranga namatombo akakwakwanurwa kuti imba yacho igadzirwe. Asi pamari iyoyo inenge yaiswa mumaoko avo havafanire kuzobvunzurudzwa nokuti ivo vanhu vakavimbika.” Mupristi mukuru Hirikiya akati kuna samunyori mukuru Shafani, “Ndawana bhuku romutemo mumba yaTenzi!” Hirikiya akapa bhuku iroro kuna Shafani akabva ariverenga. Samunyori mukuru Shafani akaenda kundotaurira mambo achiti, “Varanda venyu vakadurura mari yaiva muTemberi vakaiisa mumaoko avashandi vanoona nezvebasa remba yaTenzi.” Munyori mukuru Shafani akataurira mambo achiti, “Hirikiya mupristi andipa bhuku.” Shafani akariverenga pana mambo. Mambo paakanzwa zvakanga zvakanyorwa mubhuku romutemo akabvarura hanzu dzake neshungu. Mambo akaudza mupristi Hirikiya naAhikamu mwanakomana waShafani naAkibhori mwanakomana waMikaya nasamunyori mukuru Shafani naAsiya gurukota ramambo kuti, “Endai mundotibvunzirawo kuna Tenzi ini navanhu, nevokwaJudha vose nezvakanyorwa mubhuku iri rakawanikwa, nokuti hasha dzaTenzi dzatakamutsirwa dzakakura, pari pamusana pokuti madzibaba edu haana kuteerera zvakanyorwa mubhuku iri kuti vaite maererano nazvose zvatakanyorerwa.” Naizvozvo mupristi Hirikiya naAhikamu naAkibhori naShafani naAsaiya vakaenda kumuporofita Huridha mudzimai waSharumu mwanakomana waTikivha mwanakomana waHarinhasi, muchengeti wezvipfeko (akanga ava kugara kurutivi rutsva rweguta reJerusaremu), vakataura naye. Akati kwavari, “Zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri, ‘Udza munhu akutumira kwandiri kuti, zvanzi naTenzi, chinzwai, ndichaunza nyatwa panzvimbo ino napavanhu vayo, sokunyorwa kwose kwakaitwa mubhuku rakaverengwa namambo wokwaJudha. Pamusana pokuti vakandifuratira vakapisira vamwe vamwari rusenzi, vachida kundishatirisa nezvose zvavakaita namaoko avo. Naizvozvo hasha dzangu dzichamukira nzvimbo ino dzisingazopodzwi. Asi panyaya yamambo wokwaJudha akutumai kuzobvunza kuna Tenzi, muti kwaari zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri pane zvawanzwa izvo, pamusana pokuti wakapfidza mumwoyo mako ukazvirerekawo pana Tenzi, pamakanzwa zvandakataura zvandichaita kunzvimbo ino nokuvagari vayo kuti ichava renje nenzvimbo yakarengererwa rushambwa. Wakabvarura hanzu dzako ukachema pandiri, uye Tenzi anoti, chichemo chako ndakachinzwa. Naizvozvo ndichakuendesa kwakaenda vamwe madzitateguru ako, uchapinda muguva mako norugare, uye zvakaipa zvandichaita kunzvimbo ino, iwe namaziso ako hauchazozvioni.’ ” Vakandosvitsa shoko iroro kuna mambo.
2 Madzimambo 22:1-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Josia wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore masere; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anamakumi matatu nerimŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Jedida mukunda waAdaya weBozikati. Akaita ɀakarurama pamberi paJehova, akafamba nenzira yose yaDavidi ɓaɓa ʋake, haana‐kutsaukira kurudyi kana kuruɓoshwe. Ɀino negore regumi namasere ramambo Josia, mambo akatuma munyori Shafani mŋanakomana waAzaria, mŋanakomana waMeshurami, kumba kwaJehova, akati: Enda kunaHirkia muprista mukuru, umuʋudze aʋereŋge mari inoiswa mumba maJehova, yakaʋuŋganidzwa naʋatariri ʋomukoʋa kuʋanhu; ʋaipe mumaʋoko aʋaɓati ʋeɓasa, ʋanotarira imba yaJehova; iʋo ʋaipe ʋaɓati ʋeɓasa ʋari mumba maJehova, kuti ʋagadzirise ɀakaputsika paimba; iʋo ʋaʋezi, naʋaʋaki, naʋanoroŋga mabge, ʋuye ʋateŋge nayo matanda, namabge akaʋezwa, kuti ʋagadzire imba. Asi haʋana‐kubvunzwa pamsoro pemari yakaiswa mumaʋoko aʋo, nokuti ʋaiɓata ʋakatendeka. Ipapo Hirkia muprista mukuru akati kunaShafani munyori: Ndawana buku yomurairo mumba maJehova. Hirkia akapa Shafani buku yomurairo, iye akairaʋa. Ɀino Shafani munyori akaȿika kunamambo, akadzoka neshoko kunamambo, akati: Ʋaranda ʋenyu ʋaɗurura mari yakawanikwa mumba, ʋakaipa mumaʋoko aʋaɓati ʋeɓasa, ʋanotarira imba yaJehova. Shafani munyori akati kunamambo: Muprista Hirkia wandipa buku. Shafani akairaʋira mambo. Ɀino mambo wakati acinzwa mashoko ebuku yomurairo, akabvarura ŋguʋo dzake. Mambo akaraira muprista Hirkia, naAhikami mŋanakomana waShafani, naAkbori mŋanakomana waMikaya, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo, akati: Endai mundondibvunzira Jehova, ini naʋanhu naʋaJuda ʋose, pamsoro pamashoko ebuku iyi yakawanikwa; nokuti kutsamŋa kwaJehova kwaakatitsamŋira nako kukuru kwaɀo, nokuti madziɓaɓa eɗu haana‐kuterera mashoko ebuku iyi, haʋana‐kuita ɀose ɀatakarairwa. Naiɀoɀo muprista Hirkia, naAhikami, naAkbori, naShafani, naAsaya ʋakaenda kuna‐Hurda muprofitakadzi, mukadzi waSharumi mŋanakomana waTikva, mŋanakomana waHarhasi, muceŋgeti weŋguʋo; (ɀino iye mukadzi wakaŋga agere paJerusarema kurutiʋi rutȿa rweguta;) ʋakataurirana naye. Iye akati kwaʋari: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ʋudzai munhu wakakutumai kwandiri, muti: Ɀanzi naJehova: Tarirai, ndicaʋuyisa ɀakaipa pamsoro penɀimbo iyi, napamsoro paʋagere’po, iwo mashoko ose ebuku yakarabga namambo waJuda; nokuti ʋakandirasha, ʋakapisira ʋamŋe ʋamŋari ɀinonhuwira, ʋakanditsamŋisa namaɓasa ose amaʋoko aʋo; naiɀoɀo kutsamŋa kwaŋgu kucamukira nɀimbo iyi; hakuŋgadzimŋi. Asi muti kunamambo waJuda wakakutumai kuzobvunza Jehova: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Kana ari mashoko awakanzwa, mŋoyo wako ɀawakaŋga uri munyoro, ukaɀininipisa pamberi paJehova, ŋguʋa yawakanzwa ɀandakataura pamsoro penɀimbo iyi, napamsoro paʋagere’mo, kuti ʋacaitwa ɗoŋgo necinhu cakatukwa, ukabvarura ŋguʋo dzako, ukacema pamberi paŋgu; ɀino ɀanzi naJehova: Ini ndakunzwa ʋo. Naiɀoɀo tarira, ndicakuisa kunamadziɓaɓa ako, ucaʋigwa mubgiro bgako norugare; meso ako haaŋgaʋoni ɀakaipa ɀose ɀandicaʋuyisa pamsoro penɀimbo iyi. Ʋakadzoka neshoko kunamambo.
2 Madzimambo 22:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)