Josia wakataŋga kuɓata ʋushe aʋa namakore masere; akaɓata ʋushe paJerusarema makore anamakumi matatu nerimŋe; zita ramai ʋake rakaŋga riri Jedida mukunda waAdaya weBozikati. Akaita ɀakarurama pamberi paJehova, akafamba nenzira yose yaDavidi ɓaɓa ʋake, haana‐kutsaukira kurudyi kana kuruɓoshwe.
Ɀino negore regumi namasere ramambo Josia, mambo akatuma munyori Shafani mŋanakomana waAzaria, mŋanakomana waMeshurami, kumba kwaJehova, akati: Enda kunaHirkia muprista mukuru, umuʋudze aʋereŋge mari inoiswa mumba maJehova, yakaʋuŋganidzwa naʋatariri ʋomukoʋa kuʋanhu; ʋaipe mumaʋoko aʋaɓati ʋeɓasa, ʋanotarira imba yaJehova; iʋo ʋaipe ʋaɓati ʋeɓasa ʋari mumba maJehova, kuti ʋagadzirise ɀakaputsika paimba; iʋo ʋaʋezi, naʋaʋaki, naʋanoroŋga mabge, ʋuye ʋateŋge nayo matanda, namabge akaʋezwa, kuti ʋagadzire imba. Asi haʋana‐kubvunzwa pamsoro pemari yakaiswa mumaʋoko aʋo, nokuti ʋaiɓata ʋakatendeka. Ipapo Hirkia muprista mukuru akati kunaShafani munyori: Ndawana buku yomurairo mumba maJehova. Hirkia akapa Shafani buku yomurairo, iye akairaʋa. Ɀino Shafani munyori akaȿika kunamambo, akadzoka neshoko kunamambo, akati: Ʋaranda ʋenyu ʋaɗurura mari yakawanikwa mumba, ʋakaipa mumaʋoko aʋaɓati ʋeɓasa, ʋanotarira imba yaJehova. Shafani munyori akati kunamambo: Muprista Hirkia wandipa buku. Shafani akairaʋira mambo. Ɀino mambo wakati acinzwa mashoko ebuku yomurairo, akabvarura ŋguʋo dzake. Mambo akaraira muprista Hirkia, naAhikami mŋanakomana waShafani, naAkbori mŋanakomana waMikaya, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo, akati: Endai mundondibvunzira Jehova, ini naʋanhu naʋaJuda ʋose, pamsoro pamashoko ebuku iyi yakawanikwa; nokuti kutsamŋa kwaJehova kwaakatitsamŋira nako kukuru kwaɀo, nokuti madziɓaɓa eɗu haana‐kuterera mashoko ebuku iyi, haʋana‐kuita ɀose ɀatakarairwa. Naiɀoɀo muprista Hirkia, naAhikami, naAkbori, naShafani, naAsaya ʋakaenda kuna‐Hurda muprofitakadzi, mukadzi waSharumi mŋanakomana waTikva, mŋanakomana waHarhasi, muceŋgeti weŋguʋo; (ɀino iye mukadzi wakaŋga agere paJerusarema kurutiʋi rutȿa rweguta;) ʋakataurirana naye. Iye akati kwaʋari: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ʋudzai munhu wakakutumai kwandiri, muti: Ɀanzi naJehova: Tarirai, ndicaʋuyisa ɀakaipa pamsoro penɀimbo iyi, napamsoro paʋagere’po, iwo mashoko ose ebuku yakarabga namambo waJuda; nokuti ʋakandirasha, ʋakapisira ʋamŋe ʋamŋari ɀinonhuwira, ʋakanditsamŋisa namaɓasa ose amaʋoko aʋo; naiɀoɀo kutsamŋa kwaŋgu kucamukira nɀimbo iyi; hakuŋgadzimŋi. Asi muti kunamambo waJuda wakakutumai kuzobvunza Jehova: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Kana ari mashoko awakanzwa, mŋoyo wako ɀawakaŋga uri munyoro, ukaɀininipisa pamberi paJehova, ŋguʋa yawakanzwa ɀandakataura pamsoro penɀimbo iyi, napamsoro paʋagere’mo, kuti ʋacaitwa ɗoŋgo necinhu cakatukwa, ukabvarura ŋguʋo dzako, ukacema pamberi paŋgu; ɀino ɀanzi naJehova: Ini ndakunzwa ʋo. Naiɀoɀo tarira, ndicakuisa kunamadziɓaɓa ako, ucaʋigwa mubgiro bgako norugare; meso ako haaŋgaʋoni ɀakaipa ɀose ɀandicaʋuyisa pamsoro penɀimbo iyi. Ʋakadzoka neshoko kunamambo.