Josiya akanga ava namakore masere paakatangisa kutonga. Akatonga kwemakumi matatu amakore ane gore rimwechete ari muJerusaremu. Zita raamai vake rainzi Jedhidha mwanasikana waAdhaya wokuBhozikati. Akaita zvakarurama zvinodiwa naTenzi. Mune zvose akatevedza gwara raDhavhidhi tateguru wake. Haana kutsaukira uku kana uku.
Mugore regumi nechisere rokutonga kwamambo Josiya, mambo iyeyu akatuma samunyori mukuru Shafani mwanakomana waAzariya mwanakomana waMeshuramu kumba yaTenzi achiti, “Chienda kumupristi mukuru Hirikiya averenge mari yakaunzwa mumba yaTenzi yakaunganidzwa navachengetedzi vokumusuo yakabviswa navanhu. Ngaiiswe mumaoko evashandi vanoona nezvebasa remba yaTenzi, ivo vaitambirise vashandi vari kumba yaTenzi vari kugadzira imba iyoyo, vavezi navavaki novokuvaka namatombo nokutengawo mapuranga namatombo akakwakwanurwa kuti imba yacho igadzirwe. Asi pamari iyoyo inenge yaiswa mumaoko avo havafanire kuzobvunzurudzwa nokuti ivo vanhu vakavimbika.”
Mupristi mukuru Hirikiya akati kuna samunyori mukuru Shafani, “Ndawana bhuku romutemo mumba yaTenzi!” Hirikiya akapa bhuku iroro kuna Shafani akabva ariverenga. Samunyori mukuru Shafani akaenda kundotaurira mambo achiti, “Varanda venyu vakadurura mari yaiva muTemberi vakaiisa mumaoko avashandi vanoona nezvebasa remba yaTenzi.” Munyori mukuru Shafani akataurira mambo achiti, “Hirikiya mupristi andipa bhuku.” Shafani akariverenga pana mambo. Mambo paakanzwa zvakanga zvakanyorwa mubhuku romutemo akabvarura hanzu dzake neshungu. Mambo akaudza mupristi Hirikiya naAhikamu mwanakomana waShafani naAkibhori mwanakomana waMikaya nasamunyori mukuru Shafani naAsiya gurukota ramambo kuti, “Endai mundotibvunzirawo kuna Tenzi ini navanhu, nevokwaJudha vose nezvakanyorwa mubhuku iri rakawanikwa, nokuti hasha dzaTenzi dzatakamutsirwa dzakakura, pari pamusana pokuti madzibaba edu haana kuteerera zvakanyorwa mubhuku iri kuti vaite maererano nazvose zvatakanyorerwa.” Naizvozvo mupristi Hirikiya naAhikamu naAkibhori naShafani naAsaiya vakaenda kumuporofita Huridha mudzimai waSharumu mwanakomana waTikivha mwanakomana waHarinhasi, muchengeti wezvipfeko (akanga ava kugara kurutivi rutsva rweguta reJerusaremu), vakataura naye. Akati kwavari, “Zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri, ‘Udza munhu akutumira kwandiri kuti, zvanzi naTenzi, chinzwai, ndichaunza nyatwa panzvimbo ino napavanhu vayo, sokunyorwa kwose kwakaitwa mubhuku rakaverengwa namambo wokwaJudha. Pamusana pokuti vakandifuratira vakapisira vamwe vamwari rusenzi, vachida kundishatirisa nezvose zvavakaita namaoko avo. Naizvozvo hasha dzangu dzichamukira nzvimbo ino dzisingazopodzwi. Asi panyaya yamambo wokwaJudha akutumai kuzobvunza kuna Tenzi, muti kwaari zvanzi naTenzi, Mwari waIsiraeri pane zvawanzwa izvo, pamusana pokuti wakapfidza mumwoyo mako ukazvirerekawo pana Tenzi, pamakanzwa zvandakataura zvandichaita kunzvimbo ino nokuvagari vayo kuti ichava renje nenzvimbo yakarengererwa rushambwa. Wakabvarura hanzu dzako ukachema pandiri, uye Tenzi anoti, chichemo chako ndakachinzwa. Naizvozvo ndichakuendesa kwakaenda vamwe madzitateguru ako, uchapinda muguva mako norugare, uye zvakaipa zvandichaita kunzvimbo ino, iwe namaziso ako hauchazozvioni.’ ” Vakandosvitsa shoko iroro kuna mambo.