2 Madzimambo 22
22
Josia mambo waJudha anogadzira temberi nokudzosera vanhu kuna Jehovha
1Josia wakatanga kubata ushe ava namakore masere; akabata ushe paJerusaremu makore makumi matatu nerimwe; zita ramai vake rakanga riri Jedhidha mukunda waAdhaya weBhozikati. 2Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akafamba nenzira yose yaDhavhidhi baba vake, haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.
3Zvino negore regumi namasere ramambo Josia, mambo akatuma munyori Shafani mwanakomana waAzaria, mwanakomana waMeshurami, kumba kwaJehovha, akati, 4“Enda kuna Hirikia mupristi mukuru, umuudze averenge mari inoiswa mumba maJehovha, yakaunganidzwa navatariri vomukova kuvanhu; 5vaipe mumaoko avabati vebasa, vanotarira temberi yaJehovha; ivo vaipe vabati vebasa vari mumba maJehovha, kuti vagadzirise zvakaputsika paimba; 6ivo vavezi, navavaki, navanoronga mabwe, uye vatenge nayo matanda, namabwe akavezwa, kuti vagadzire temberi.” 7Asi havana kubvunzwa pamusoro pemari yakaiswa mumaoko avo, nokuti vaibata vakatendeka.
8Ipapo Hirikia mupristi mukuru akati kuna Shafani munyori, “Ndawana bhuku yomurayiro mumba maJehovha.” Hirikia akapa Shafani bhuku yomurayiro, iye akairava. 9Zvino Shafani munyori akasvika kuna mambo, akadzoka neshoko kuna mambo, akati, “Varanda venyu vadurura mari yakawanikwa mumba, vakaipa mumaoko avabati vebasa, vanotarira imba yaJehovha.” 10Shafani munyori akati kuna mambo, “Mupristi Hirikia wandipa bhuku.” Shafani akariravira mambo. 11Zvino mambo wakati achinzwa mashoko ebhuku yomurayiro, akabvarura nguo dzake. 12Mambo akaraira mupristi Hirikia, naAhikami mwanakomana waShafani, naAkibhori mwanakomana waMikaya, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo, akati, 13“Endai mundondibvunzira Jehovha, ini navanhu vavaJudha vose, pamusoro pamashoko ebhuku iyi yakawanikwa; nokuti kutsamwa kwaJehovha kwaakatitsamwira nako kukuru kwazvo, nokuti madzibaba edu havana kuteerera mashoko ebhuku iyi, havana kuita zvose zvatakarairwa.”
14Naizvozvo mupristi Hirikia, naAhikami, naAkibhori, naShafani, naAsaya vakaenda kuna Huridha muporofitakadzi, mukadzi waSharumi mwanakomana waTikiva, mwanakomana waHarahasi, muchengeti wenguo; (zvino iye mukadzi wakanga agere paJerusaremu kurutivi rutsva rweguta;) vakataurirana naye. 15Iye akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari weIsiraeri, ‘Udzai munhu wakakutumai kwandiri muti, 16zvanzi naJehovha, tarirai, ndichauyisa zvakaipa pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavagerepo, iwo mashoko ose ebhuku yakarahwa namambo weJudha; 17nokuti vakandirasha, vakapisira vamwe vamwari zvinonhuwira, vakanditsamwisa namabasa ose amaoko avo; naizvozvo kutsamwa kwangu kuchamukira nzvimbo iyi; hakungadzimwi.’
18“Asi muti kuna mambo waJudha wakakutumai kuzobvunza Jehovha, ‘Zvanzi naJehovha Mwari weIsiraeri, kana ari mashoko awakanzwa, 19mwoyo wako zvawakanga uri munyoro, ukazvininipisa pamberi paJehovha, nguva yawakanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo iyi, napamusoro pavageremo, kuti vachaitwa dongo nechinhu chakatukwa, wakabvarura nguo dzako, wakachema pamberi pangu;’ zvino zvanzi naJehovha, ‘Ini ndakunzwawo.’ 20Naizvozvo, tarira, ndichakuisa kuna madzibaba ako, uchavigwa muhwiro hwako norugare; meso ako haangawoni zvakaipa zvose zvandichauyisa pamusoro penzvimbo iyi.” Vakadzoka neshoko kuna mambo.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Madzimambo 22: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
![None](/_next/image?url=https%3A%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2F58%2Fhttps%3A%2F%2Fweb-assets.youversion.com%2Fapp-icons%2Fsn.png&w=128&q=75)
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002