2 Madzimambo 2:9-10
2 Madzimambo 2:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati vayambuka, Eria akati kuna Erisha, “Nditaurire, unoda kuti ndikuitirei ndisati ndatorwa kubva kwauri?” Erisha akapindura akati “Ndipei migove miviri yomweya wenyu.” Eria akati, “Wakumbira chinhu chakaoma, asi kana ukandiona ndichitorwa kubva kwauri, uchaupiwa, asi kana zvisina kudaro, haungaupiwi.”
2 Madzimambo 2:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vayambuka, Eria akati kuna Erisha, “Kumbira chandingakuitira, ndichigere kubviswa kwauri.” Erisha akati, “Ndipei migove miviri yomweya wenyu.” Akati, “Wakumbira chinhu chinogozha; asi kana ukandiona ndichibviswa kwauri, uchaitirwa izvozvo; asi kana usingandiwoni, haungaitirwi izvozvo.”
2 Madzimambo 2:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti vayambuka Eriya akati kuna Erisha, “Nditaurire chaungade kuti ndikuitire ndisati ndatorwa kubva kwauri.” Erisha akati, “Ndapota zvangu dai mukangondisiirawo senhaka mweya wenyu uine simba rakapetwa kaviri.” Iye ndokuti, “Chawakumbira ichi chinhu chakaoma. Zvisinei zvazvo kutorwa kwandichaitwa kana ndikatorwa uchiona zvichaitwa saizvozvo kwauri, asi kana ndikatorwa usiri kuona hazvizoitika saizvozvo.”
2 Madzimambo 2:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋayambuka, Eria akati kunaErisha: Kumbira candiŋgakuitira, ndicigere kubviswa kwauri. Erisha akati: Ndipei migoʋe miʋiri yomŋeya wenyu. Akati: Wakumbira cinhu cinogozha; asi kana ukandiʋona ndicibviswa kwauri, ucaitirwa iɀoɀo; asi kana usiŋgandiʋoni, hauŋgaitirwi iɀoɀo.
2 Madzimambo 2:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)