2 Madzimambo 2
2
VI: ZVAKAITWA NOMUPOROFITA ERISHA
A: KUSUMA
Kukwidzwa kwomuporofita Eriya kudenga
1Kuzoti zvino Tenzi oda kukwidza Eriya kudenga nechinyamupupuri, Eriya naErisha vakanga vari murwendo rwokubva kuGirigari. 2Eriya akati kuna Erisha, “Wombosara zvako pano nokuti Tenzi andituma kuBhetieri uko.”
Asi Erisha akati, “NaTenzi chaiye mupenyu kana ndimiwo zvenyu muripo kudai hazvimboitika kuti ndikusiyei.”
3Nokudaro vakadzika kuBhetieri. Vaporofita vaiva kuBhetieri vakauya kuna Erisha vakati kwaari, “Muri kuzviziva here kuti Tenzi achakutorerai tenzi wenyu nhasi uno?”
Iye akati, “E-e ndiri kuzviziva zvangu. Dai mukanyarara zvenyu.”
4Eriya akamutizve, “Wombosara zvako pano nokuti Tenzi andituma kuJeriko.” Asi iye akati, “NaTenzi chaiye mupenyu kana ndimiwo zvenyu muripo kudai, kukusiyai hazvimboitiki.” Vakabva vaenda kuJeriko.
5Vaporofita vaiva muJeriko vakauya kuna Erisha vakati kwaari, “Muri kuzviziva here kuti Tenzi achakutorerai tenzi wenyu nhasi?”
Iye akati, “E-e ndiri kuzviziva zvangu. Dai mukanyarara zvenyu.”
6Eriya akabva amuti, “Wombosara zvako pano nokuti Tenzi andituma kuna Jorodhani.” Asi iye akati, “NaTenzi chaiye mupenyu kana ndimiwo zvenyu muripo kudai, kukusiyai hazvimboitiki.” Nokudaro vakaenda vari vose pauviri hwavo.
7Kwakaendawo makumi mashanu eveboka avaporofita vakamira vari chinhambwe navo ivo vakamirawo pamahombekombe aJorodhani. 8Eriya akatora hanzu yake ndokuimona ndokurova pamvura nayo. Mvura yakabva yakamukana zvokuti imwe uku imwe uku, vose vari vaviri vakayambuka vachitsika pasi pakaoma. 9Kuzoti vayambuka Eriya akati kuna Erisha, “Nditaurire chaungade kuti ndikuitire ndisati ndatorwa kubva kwauri.”
Erisha akati, “Ndapota zvangu dai mukangondisiirawo senhaka mweya wenyu uine simba rakapetwa kaviri.”
10Iye ndokuti, “Chawakumbira ichi chinhu chakaoma. Zvisinei zvazvo kutorwa kwandichaitwa kana ndikatorwa uchiona zvichaitwa saizvozvo kwauri, asi kana ndikatorwa usiri kuona hazvizoitika saizvozvo.” 11Pavakanga vachifamba vachitaura kudaro, ngoro yehondo yomoto namabhiza omoto ndiye vhu vakabva vaparadzaniswa vose vari vaviri. Eriya ndokubva atututswa nechinyamupupuri kuenda kudenga. 12Erisha akazviona ndokudaidzira achiti, “Baba wangu, baba wangu! Ngoro dzemabhiza dzehondo dzeIsiraeri navachairi vadzo!” Erisha haana kuzomuonazve.
Erisha akabata hanzu dzake pachake ndokubva adzibvarura napakati. 13Akanonga hanzu yakanga yadonhedzwa naEriya ndokudzoka ondomira pamahombekombe aJorodhani. 14Akatora hanzu yakanga yadonhedzwa naEriya iya ndokurova nayo mvura achiti, “Tenzi, Mwari waEriya aripi?” Paakarova mvura iyi, mvura yacho yakabva yakamukana zvokuti imwe uku imwe uku, ndokubva Erisha ayambuka.
15Zvino vechikwata chavaporofita vaiva paJeriko vaimuona vari mhiri vakati, “Mweya waEriya wava pana Erisha.” Vakaenda kundochingurana naye vakamugwadamira. 16Vakati kwaari, “Onaika, isu varanda venyu tine makumi mashanu avanahu, dai mukarega zvenyu vaende kundotsvaga tenzi wenyu, dzimwe nguva Mweya waTenzi wamusimudza ukasiya wamukanda pamusoro pegomo kana mumupata.” Akati, “Regai zvenyu kuvatuma.”
17Asi pavakaramba vachigombedzera akazoti, “Vatumei zvenyu.” Saizvozvo vakatumira makumi mashanu avarume. Vakamutsvaga kwamazuva matatu, asi havana kumuwana. 18Vakaenda kuna Erisha kuJeriko kwaakanga amboti zvake mire mirei ariko, akati kwavari, “Handina kukuudzai here kuti regai kuenda?”
Zvimwe zvishamiso zvaErisha
19Vanhu veguta iroro vakati kuna Erisha, “Changamire, sezvamunongoonawo, guta redu iri rakavakirwa pakanaka kwazvo asi chakaipa imvura yacho, uye ivhu racho harina charinopa.”
20Erisha akati, “Ndiunzirei kuno ndiro itsva muise munyu mairi.” Saka vakaenda nayo kwaari. 21Akaenda kuchisipiti chemvura yacho ndokudira munyu mairi achiti, “Zvanzi naTenzi ndarapa mvura iyi. Kubvira zvino, hapana rufu kana kushaika kwezvinoberekwa kuchazobva mairi.” 22Mvura iyoyo yakabva yarapwa kusvikira pari nhasi, maererano nezvakataurwa naErisha. 23Erisha akabvapo okwidza kuenda kuBhetieri. Paakanga ari munzira kuendako, vakomana vadikidiki vakabuda muguta vakamusveeredza vachiti, “Tibvire pano nyamhanza! Tibvire pano nyamhanza!” 24Akatendeuka, paakavaona akarengerera rushambwa nezita raTenzi. Mapere maviri makadzi akabuda musango akabvambura-bvambura makumi mana navaviri avakomana ivavo.
25Abva ipapo akaenda kugomo reKarimero, ndokubva azodzokera kuSamaria.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Madzimambo 2: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.