Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 2:13-25

2 Madzimambo 2:13-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Akanonga jasi rakanga rawira pasi, richibva kuna Eria akadzokera kundomira pamahombekombe eJorodhani. Ipapo akatora jasi raEria rakanga rawa kubva paari akarova mvura naro akati, “Zvino Jehovha Mwari waEria aripiko?” Paakarova mvura, yakaparadzana, imwe kurudyi, imwe kuruboshwe, iye ndokubva ayambuka achienda mhiri. Boka ravaprofita vapaJeriko, avo vakanga vakatarisa, vakati, “Mweya waEria wagara pamusoro paErisha.” Uye vakaenda kundosangana naye vakakotamira pasi pamberi pake. Vakati, “Tarirai, isu varanda venyu tine varume makumi mashanu vakasimba. Ngavaende vandotsvaka tenzi wenyu. Zvimwe Mweya waJehovha wamusimudza ukandomugarisa pamusoro perimwe gomo kana mune mumwe mupata.” Erisha akavapindura akati, “Kwete, musavatuma.” Asi vakaramba vachimugombedzera kusvikira anyara kwazvo kuti avarambidze. Saka akati, “Vatumei henyu.” Saka vakatuma varume makumi mashanu vakandomutsvaka kwamazuva matatu asi havana kumuwana. Pavakadzokera kuna Erisha, kwaaigara muJeriko, akati kwavari, “Handina kukuudzai here kuti musaenda?” Varume vomuguta vakati kuna Erisha, “Tarirai, tenzi wedu, guta iri riri pakanaka, asi sezvamunoona henyu, mvura yacho yakaipa uye nyika yacho haina zvibereko.” Iye akati, “Ndivigirei ndiro itsva uye muise munyu mairi.” Naizvozvo vakamuvigira ndiro yacho. Ipapo akaenda kuchitubu akakanda munyu imomo achiti, “Zvanzi naJehovha: ‘Ndanatsa mvura iyi. Haichazokonzeri rufuzve kana kushayisa nyika zvibereko.’ ” Saka mvura yakaramba yakanaka kusvikira nhasi sezvakanga zvarehwa neshoko rakataurwa naErisha. Achibva ipapo, Erisha akaenda kuBheteri. Paakanga achifamba mumugwagwa, vamwe vechidiki vakabuda muguta vakamusveeredza, vakati kwaari, “Kwira kumusoro, iwe nyamhanza! Kwira kumusoro, iwe nyamhanza!” Akacheuka, akavatarisa, akadana chituko pamusoro pavo muzita raJehovha. Ipapo maperekadzi akabuda musango akaparadza vechidiki makumi mana navaviri. Uye akaenda muGomo reKarimeri, uye achibva ikoko akadzokera kuSamaria.

2 Madzimambo 2:13-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Akanonga jasi raEria rakanga rawa kwaari, akadzoka akamira pamhenderekedzo yaJorodhani; akatora jasi raEria rakanga rawa kwaari, akarova mvura, akati, “Jehovha Mwari waEria uripiko?” Zvino wakati arova mvura, ikaparadzaniswawo napakati, Erisha akayambuka. Zvino vanakomana vavaporofita vakanga vari paJeriko pakatarisana naye, vakati vachimuona, vakati, “Mweya waEria wogara pamusoro paErisha.” Vakandosangana naye, vakakotamira pasi pamberi pake. Vakati kwaari, “Tarirai, isu varanda venyu, tina varume vana makumi mashanu vane simba; ivo ngavaende havo kundotsvaka tenzi wenyu, zvimwe Mweya waJehovha wamukwidza, ukamukandira pane rimwe gomo, kana muno mumwe mupata.” Iye akati, “Regai henyu kuvatuma.” Asi ivo vakati vamugombedzera, kusvikira anyara, akati, “Tumai henyu.” Naizvozvo vakatuma varume vana makumi mashanu, vakatsvaka mazuva matatu, asi havana kumuwana. Vakadzokerazve kwaari achiri paJeriko, iye akati kwavari, “Handina kukuudzai here, ndikati ‘Regai kuenda.’ ” Zvino varume veguta vakati kuna Erisha, “Tarirai, henyu, nzvimbo yeguta yakanaka hayo, sezvamunoona, ishe wedu, asi mvura yakaipa, nenyika haibereki zvakanaka.” Iye akati, “Ndivigire ndiro itsva, mugoisa munyu’mo.” Vakamuvigira iyo. Akaenda kuchitubu chemvura, akadira munyu imomo, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndarapa mvura iyi, hapachazobvipo rufu, kana kusabereka.’ ” Naizvozvo mvura ikarapwa kusvikira, nhasi sezvakataura, iye Erisha. Zvino wakabvapo, akaenda Bhetieri; akati achikwira nenzira, zvikomana zvikabuda muguta, zvikamuseka, zvikati kwaari, “Iwe nyamanza, kwira, iwe nyamanza, kwira!” Iye akacheuka, akavaona, akavatuka nezita raJehovha. Ipapo maperekadzi maviri akabuda mudondo, akaparadza vana vana makumi mana navaviri vavo. Akabvapo, akaenda kugomo reKarimeri, akabvapo, akadzokera Samaria.

2 Madzimambo 2:13-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Akanonga hanzu yakanga yadonhedzwa naEriya ndokudzoka ondomira pamahombekombe aJorodhani. Akatora hanzu yakanga yadonhedzwa naEriya iya ndokurova nayo mvura achiti, “Tenzi, Mwari waEriya aripi?” Paakarova mvura iyi, mvura yacho yakabva yakamukana zvokuti imwe uku imwe uku, ndokubva Erisha ayambuka. Zvino vechikwata chavaporofita vaiva paJeriko vaimuona vari mhiri vakati, “Mweya waEriya wava pana Erisha.” Vakaenda kundochingurana naye vakamugwadamira. Vakati kwaari, “Onaika, isu varanda venyu tine makumi mashanu avanahu, dai mukarega zvenyu vaende kundotsvaga tenzi wenyu, dzimwe nguva Mweya waTenzi wamusimudza ukasiya wamukanda pamusoro pegomo kana mumupata.” Akati, “Regai zvenyu kuvatuma.” Asi pavakaramba vachigombedzera akazoti, “Vatumei zvenyu.” Saizvozvo vakatumira makumi mashanu avarume. Vakamutsvaga kwamazuva matatu, asi havana kumuwana. Vakaenda kuna Erisha kuJeriko kwaakanga amboti zvake mire mirei ariko, akati kwavari, “Handina kukuudzai here kuti regai kuenda?” Vanhu veguta iroro vakati kuna Erisha, “Changamire, sezvamunongoonawo, guta redu iri rakavakirwa pakanaka kwazvo asi chakaipa imvura yacho, uye ivhu racho harina charinopa.” Erisha akati, “Ndiunzirei kuno ndiro itsva muise munyu mairi.” Saka vakaenda nayo kwaari. Akaenda kuchisipiti chemvura yacho ndokudira munyu mairi achiti, “Zvanzi naTenzi ndarapa mvura iyi. Kubvira zvino, hapana rufu kana kushaika kwezvinoberekwa kuchazobva mairi.” Mvura iyoyo yakabva yarapwa kusvikira pari nhasi, maererano nezvakataurwa naErisha. Erisha akabvapo okwidza kuenda kuBhetieri. Paakanga ari munzira kuendako, vakomana vadikidiki vakabuda muguta vakamusveeredza vachiti, “Tibvire pano nyamhanza! Tibvire pano nyamhanza!” Akatendeuka, paakavaona akarengerera rushambwa nezita raTenzi. Mapere maviri makadzi akabuda musango akabvambura-bvambura makumi mana navaviri avakomana ivavo. Abva ipapo akaenda kugomo reKarimero, ndokubva azodzokera kuSamaria.

2 Madzimambo 2:13-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Akanoŋga jasi raEria rakaŋga rawa kwaari, akadzoka akamira pamhenderekedzo yaJoridani; akatora jasi raEria rakaŋga rawa kwaari, akaroʋa mvura, akati: Jehova Mŋari waEria uripiko? Ɀino wakati aroʋa mvura, ikaparadzaniswa ʋo napakati, Erisha akayambuka. Ɀino ʋanakomana ʋaʋaprofita ʋakaŋga ʋari paJeriko pakatarisana naye, ʋakati ʋacimuʋona, ʋakati: Mŋeya waEria wogara pamsoro paErisha. Ʋakandosoŋgana naye, ʋakakotamira pasi pamberi pake. Ʋakati kwaari: Tarirai, isu ʋaranda ʋenyu, tinaʋarume ʋanamakumi mashanu ʋanesimba; iʋo ŋgaʋaende haʋo kundotȿaka tenzi wenyu, ɀimŋe Mŋeya waJehova wamukwidza, ukamukandira panerimŋe gomo, kana munomumŋe mupata. Iye akati: Regai henyu kuʋatuma. Asi iʋo ʋakati ʋamugombedzera, kuȿikira anyara, akati: Tumai henyu. Naiɀoɀo ʋakatuma ʋarume ʋanamakumi mashanu, ʋakatȿaka mazuʋa matatu, asi haʋana‐kumuwana. Ʋakadzokera ɀe kwaari aciri paJeriko, iye akati kwaʋari: Handina‐kukuʋudzai here, ndikati: Regai kuenda? Ɀino ʋarume ʋeguta ʋakati kunaErisha: Tarirai henyu, nɀimbo yeguta yakanaka hayo, seɀamunoʋona, ishe weɗu, asi mvura yakaipa, nenyika haiɓereki ɀakanaka. Iye akati: Ndiʋigire ndiro itȿa, mugoisa munyu’mo. Ʋakamuʋigira iyo. Akaenda kucituɓu cemvura, akaɗira munyu imomo, akati: Ɀanzi naJehova: Ndarapa mvura iyi, hapacazobvi’po rufu, kana kusaɓereka. Naiɀoɀo mvura ikarapxa kuȿikira nhasi, seɀaakataura, iye Erisha. Ɀino wakabva’po, akaenda Beti‐eri; akati acikwira nenzira, ɀikomana ɀikaɓuɗa muguta, ɀikamuseka, ɀikati kwaari: Iwe nyamanza, kwira, iwe nyamanza, kwira! Iye akaceuka, akaʋaʋona, akaʋatuka nezita raJehova. Ipapo maperekadzi maʋiri akaɓuɗa muɗondo, akaparadza ʋana ʋanamakumi manna naʋaʋiri ʋaʋo. Akabva’po, akaenda kugomo reKarmeri, akabva’po, akadzokera Samaria.

2 Madzimambo 2:13-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)