2 Johani 1:1-8
2 Johani 1:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mukuru, kumudzimai akasanangurwa navana vake, vandinoda muchokwadi, uye kwete ini ndoga, asiwo navose vanoziva chokwadi, nokuda kwechokwadi chinogara matiri uye chichava nesu nokusingaperi: Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, zvichava nesu muchokwadi nomurudo. Zvakandifadza zvikuru kuwana vamwe vana venyu vachifamba muchokwadi, sezvatakarayirwa naBaba. Uye zvino, mai, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi iwo watakanzwa kubva pakutanga. Ndinokumbira kuti tidanane. Uye urwu ndirwo rudo: kuti tifambe mukuteerera mirayiro yake. Sezvamakanzwa kubva pakutanga, murayiro wake ndewokuti mufambe murudo. Vanyengeri vazhinji, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya munyama, vakapinda munyika. Munhu akadaro ndiye munyengeri naandikristu. Muchenjere kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira, asi kuti mugopiwa mubayiro wakakwana.
2 Johani 1:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mukuru kuna mai vakasanangurwa navana vavo vandinoda nechokwadi; ndisati ndiri ini ndoga, asi navosewo vanoziva chokwadi; nokuda kwechokwadi, chinogara matiri, chichagarawo nesu nokusingaperi. Nyasha, nengoni, norugare zvichava nesu, zvinobva kuna Mwari Baba, nokuna Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, muchokwadi norudo. Ndinofara zvikuru, nokuti ndakawana vamwe vana venyu vachifamba muchokwadi, sezvatakarayirwa naBaba. Zvino ndinokumbira kwamuri, mai, ndisingaiti sendinokunyorerai murayiro mutsva, asi uyo watakanga tinawo kubva pakutanga, wokuti tidane. Ndirwo rudo, kuti tifambe nemirayiro yake. Ndiwoyu murayiro, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri. Nokuti vanyengeri vazhinji vakabudira munyika, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya panyama. Ndiye munyengeri naantikristu. Zvichenjerei imi, kuti murege kurashikirwa nezvatakabatira, asi kuti mupiwe mubayiro wakakwana.
2 Johani 1:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ini mukuru wesangano, ndinokunyorerai imi amai makasarudzwa. Ndinokunyorerai imi pamwechete navana venyu musangano, imi vapamwoyo chaivo, kwete kwandiri chete, asi vapamwoyowo kuvanhu vose vanoziva chokwadi pamusana pechokwadi chinogara matiri uye chichagara matiri nokusingaperi. Nyasha netsitsi norugare ngazvive nesu zvichibva kuna Mwari Baba uye kuna Jesu Kristu Mwanakomana waBaba muchokwadi uye murudo. Ndakafara kwazvo kuona vamwe vana venyu vachitevera chokwadi sokuudzwa kwatakaitwa naBaba. Zvino ndinokukumbirai mai, kwete sokunge ndiri kukunyorerai nezvomutemo mutsva asi mutemo watakanzwa kubvira pakutanga wokuti tinofanira kudana. Chinonzi rudo ndechichi chokuti, tinofanira kuchengeta mitemo yake. Mutemo wacho, sokunzwa kwamakaita kubvira pakutanga, ndowokuti munofanira kutevedza upenyu hworudo. Ndinodaro nokuti vanyengedzi vakawanda vapararira nenyika. Vanhu ivavo havabvumi kuti Jesu Kristu akauya somunhu. Munhu akadaro ndiye munyengedzi uya, uye ndiye mhandu yaKristu. Zvichenjererei kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira asi kuti muwane mubayiro uzere.
2 Johani 1:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mukuru kunamai ʋakasanaŋgurwa naʋana ʋaʋo ʋandinoɗa neɀokwaɗi; ndisati ndiri ini ndoga, asi naʋose ʋo ʋanoziʋa ɀokwaɗi; nokuɗa kweɀokwaɗi, inogara matiri, icagara ʋo nesu nokusiŋgaperi. Nyasha, neŋgoni, norugare ɀicaʋa nesu, ɀinobva kunaMŋari Ƃaɓa, nokunaJesu Kristu, Mŋanakomana waƂaɓa, muɀokwaɗi noruɗo. Ndinofara ɀikuru, nokuti ndakawana ʋamŋe ʋana ʋenyu ʋacifamba muɀokwaɗi, seɀatakarairwa naƂaɓa. Ɀino ndinokumbira kwamuri, mai, ndisiŋgaiti sendinokunyorerai murairo mutȿa, asi uyo watakaŋga tinawo kubva pakutaŋga, wokuti tiɗane. Ndirwo ruɗo, kuti tifambe nemirairo yake. Ndiwoyu murairo, seɀamakanzwa kubva pakutaŋga, kuti mufambe mauri. Nokuti ʋanyeŋgeri ʋazhinji ʋakaɓuɗira munyika, ʋasiŋgapupuri kuti Jesu Kristu wakaʋuya panyama. Ndiye munyeŋgeri naantikristu. Ɀicenjerei imi, kuti murege kurashikirwa neɀatakaɓatira, asi kuti mupiwe muɓairo wakakwana.
2 Johani 1:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)