II Johane 1
1
Kwaziso.
1Mukuru kunamai ʋakasanaŋgurwa naʋana ʋaʋo ʋandinoɗa neɀokwaɗi; ndisati ndiri ini ndoga, asi naʋose ʋo ʋanoziʋa ɀokwaɗi; 2nokuɗa kweɀokwaɗi, inogara matiri, icagara ʋo nesu nokusiŋgaperi. 3Nyasha, neŋgoni, norugare ɀicaʋa nesu, ɀinobva kunaMŋari Ƃaɓa, nokunaJesu Kristu, Mŋanakomana waƂaɓa, muɀokwaɗi noruɗo.
Fambai muɀokwaɗi noruɗo, mucenjere ʋadzidzisi ʋenhema.
4Ndinofara ɀikuru, nokuti ndakawana ʋamŋe ʋana ʋenyu ʋacifamba muɀokwaɗi, seɀatakarairwa naƂaɓa. 5Ɀino ndinokumbira kwamuri, mai, ndisiŋgaiti sendinokunyorerai murairo mutȿa, asi uyo watakaŋga tinawo kubva pakutaŋga, wokuti tiɗane. 6Ndirwo ruɗo, kuti tifambe nemirairo yake. Ndiwoyu murairo, seɀamakanzwa kubva pakutaŋga, kuti mufambe mauri. 7Nokuti ʋanyeŋgeri ʋazhinji ʋakaɓuɗira munyika, ʋasiŋgapupuri kuti Jesu Kristu wakaʋuya panyama. Ndiye munyeŋgeri naantikristu. 8Ɀicenjerei imi, kuti murege kurashikirwa neɀatakaɓatira, asi kuti mupiwe muɓairo wakakwana. 9Mumŋe nomumŋe, unotuŋgamirira ʋamŋe, asiŋgarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haanaMŋari; asi uyo, unorambira mukudzidzisa, ndiye unaƂaɓa noMŋanakomana. 10Kana mumŋe aciʋuya kwamuri, asiŋgaʋuyi nokudzidzisa uku, musamugamucira mumba, kana kuti kwaari, Kwaziwa! 11Nokuti unoti kwaari, Kwaziwa! unofambidzana naye pamaɓasa ake akaipa.
Kuwonekana.
12Kunyaŋge ndineɀizhinji ɀandaiɗa kukunyorerai, handiɗi kunyora neŋwadi neiŋgi; asi ndinotarira kuti ndicaʋuya kwamuri, tigotaurirana nomuromo, kuti mufaro wenyu uzadziswe. 13Ʋana ʋomunuŋuna wenyu ʋakasanaŋgurwa ʋanokukwazisai.
Zvasarudzwa nguva ino
II Johane 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018