Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Johane 5

5
Unotenda kunaJesu Kristu, ndiye unokunda nyika.
1Mumŋe nomumŋe, unotenda kuti Jesu ndiye Kristu, iye wakaɓerekwa naMŋari; mumŋe nomumŋe, unoɗa iye wakaɓereka, unoɗa ʋo wakaɓerekwa naye. 2Ndiɀo ɀatinoziʋa naɀo kuti tinoɗa ʋana ʋaMŋari, kana ticiɗa Mŋari, ticiita mirairo yake. 3Nokuti ruɗo rwaMŋari ndirwo, kuti ticeŋgete mirairo yake; mirairo yake hairemi. 4Nokuti cinhu cipi necipi, cinoɓerekwa naMŋari cinokunda nyika; kukunda kwakakunda nyika, ndiko kutenda kweɗu. 5Ndianiko unokunda nyika? Haazi iye unotenda kuti Jesu ndiye Mŋanakomana waMŋari here? 6Ndiye wakaʋuya nemvura neropa, iye Jesu Kristu; haana‐kuʋuya nemvura ɓedzi, asi nemvura neropa. 7Ndiye Mŋeya unopupura, nokuti Mŋeya ndiye ɀokwaɗi. 8Nokuti kuneɀitatu ɀinopupura, ɀinoti: Mŋeya, nemvura neropa; ɀitatu iɀi ɀinopupura cinha cimŋe 9Kana ticigamucira kupupura kwaʋanhu, kupupura kwaMŋari kukuru; nokuti kupupura kwaMŋari ndiko, kuti wakapupura pamsoro poMŋanakomana wake. 10Uyo, unotenda kuMŋanakomana waMŋari, kupupura unako mukati make; usiŋgatendi Mŋari, wakamuita mureʋi wenhema; nokuti haana‐kutenda kupupura kwakapupurirwa naMŋari pamsoro poMŋanakomana wake. 11Kupupura ndiko, kuti Mŋari wakatipa ʋupenyu bgusiŋgaperi; ɀino ʋupenyu ubgu bguri muMŋanakomana wake. 12UnoMŋanakomana, unoʋupenyu; usinoMŋanakomana waMŋari, haanoʋupenyu.
Ɀatinoziʋa.
13Ndakakunyorerai ɀinhu iɀi kuti mugoziʋa kuti munoʋupenyu bgusiŋgaperi, iyemi munotenda kuzita roMŋanakomana waMŋari. 14Ndiko kusatya, kwatinako kwaari, kuti kana ticikumbira cinhu nokuɗa kwake, unotinzwa; 15ɀino kana ticiziʋa kuti unotinzwa paɀose ɀatinokumbira, tinoziʋa kuti tapiwa mikumbiro yatakakumbira kwaari. 16Kana munhu aciʋona hama yake iciita cinhu cisati ciri corufu, ucakumbira, Mŋari agomupa ʋupenyu bgunopiwa ʋasiŋgaiti ciʋi corufu. Ciri’po ciʋi corufu; handiti akumbire pamsoro pecici. 17kusarurama kwose ciʋi; ɀino ciʋi ciri’po cisati ciri corufu.
18Tinoziʋa kuti mumŋe nomumŋe wakaɓerekwa naMŋari haaiti ɀiʋi; asi wakaɓerekwa naMŋari unoceŋgetwa naye, wakaipa haaŋgamuɓati. 19Tinoziʋa kuti tiri ʋaMŋari, nenyika yose igere munaiye wakaipa. 20Tinoziʋa kuti Mŋanakomana waMŋari wakaʋuya, akatipa kuziʋa, kuti tiziʋe iye waɀokwaɗi; nesu tiri munaiye waɀokwaɗi, muMŋanakomana wake, Jesu Kristu. Ndiye Mŋari waɀokwaɗi, noʋupenyu bgusiŋgaperi. 21Ʋana ʋaɗuku, ɀicenjerei paɀifananidzo.

Zvasarudzwa nguva ino

I Johane 5: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda