Ini mukuru wesangano, ndinokunyorerai imi amai makasarudzwa. Ndinokunyorerai imi pamwechete navana venyu musangano, imi vapamwoyo chaivo, kwete kwandiri chete, asi vapamwoyowo kuvanhu vose vanoziva chokwadi pamusana pechokwadi chinogara matiri uye chichagara matiri nokusingaperi. Nyasha netsitsi norugare ngazvive nesu zvichibva kuna Mwari Baba uye kuna Jesu Kristu Mwanakomana waBaba muchokwadi uye murudo. Ndakafara kwazvo kuona vamwe vana venyu vachitevera chokwadi sokuudzwa kwatakaitwa naBaba. Zvino ndinokukumbirai mai, kwete sokunge ndiri kukunyorerai nezvomutemo mutsva asi mutemo watakanzwa kubvira pakutanga wokuti tinofanira kudana. Chinonzi rudo ndechichi chokuti, tinofanira kuchengeta mitemo yake. Mutemo wacho, sokunzwa kwamakaita kubvira pakutanga, ndowokuti munofanira kutevedza upenyu hworudo. Ndinodaro nokuti vanyengedzi vakawanda vapararira nenyika. Vanhu ivavo havabvumi kuti Jesu Kristu akauya somunhu. Munhu akadaro ndiye munyengedzi uya, uye ndiye mhandu yaKristu. Zvichenjererei kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira asi kuti muwane mubayiro uzere.
Verenga chikamu 2 Johani 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Johani 1:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo