2 VaKorinde 8:1-9
2 VaKorinde 8:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye zvino, hama, tinoda kuti muzive pamusoro penyasha dzakapiwa naMwari kukereke dzeMasedhonia. Pakati pokuedzwa kukuru, mufaro wavo mukuru nokushayiwa kwavo kukuru zvakaita kuti vape zvizhinji. Nokuti ndinopupura kuti vakapa napavaigona napo, uye kunyange kutopfuura pavaigona napo. Vakaita zvose izvi nokuda kwavo, vakakumbirisa kwazvo kwatiri kuti vawane mukana wokugoverana nesu muushumiri uhu kuvatsvene. Uye havana kuita sezvataifunga bedzi, asi kuti vakazvipa ivo pachavo kutanga kuna Ishe mushure mezvo vakazvipa kwatiri maererano nokuda kwaMwari. Saka takakumbira zvikuru Tito, kuti sezvaakanga atanga, apedzisewo basa iri renyasha kwamuri. Asi sezvamakagonesesa pazvinhu zvose, pakutenda, pakutaura, pakuziva, napakushingaira kwose uye nomurudo rwenyu, onaiwo kuti mugonesese munyasha idzi dzokupa. Handisi kukurayirai, asi kuti ndinoda kuedza kutendeka kwerudo rwenyu nokukuenzanisa nokushingaira kwavamwe. Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, kuti kunyange zvake akanga ari mupfumi, asi nokuda kwenyu akava murombo, kuitira kuti kubudikidza nourombo hwake imi mugopfumiswa.
2 VaKorinde 8:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino tinokuzivisai, hama dzangu, nyasha dzaMwari dzakapiwa pakereke dzeMakedhonia; kuti pakati pokuedzwa kukuru kwokutambudzika, mufaro wavo mukuru, pamwechete nourombo hwavo hukuru, zvakawanza zvikuru kusanyima kwavo. Nokuti ndinopupura, kuti vakapa nokuda kwavo pavakagona napo, kunyange kupfuura pavakagona napo; vakakumbira nokunyengetera kukuru kwatiri kuti tivatendere kuita basa iri renyasha nokusangana pakushumira vatsvene; havana kuita sezvatakafunga bedzi, asi ivo vakatanga kuzvipa kuna ishe, nokwatiri, nokuda kwaMwari. Naizvozvo takakumbira zvikuru kuna Tito, kuti sezvaakanga atanga, apedzise basa iri renyasha pakati penyuwo. Zvino sezvamakapfuurira pazvinhu zvose, pakutenda, napakutaura, napakuziva, napakushingaira kwose, naparudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuure pabasa iri renyashawo. Handirevi ndichirayira, asi kuti ndiedze ndizive nokushingaira kwavamwe kana rudo rwenyu ndorwachokwadiwo. Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu, Jesu Kristu, kuti kunyange akanga akapfuma, akava murombo nokuda kwenyu, kuti imi nourombo hwake muve vapfumi.
2 VaKorinde 8:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tingade kuti muzive, hama dzangu, nezvenyasha dzaMwari dzakaratidzwa mumasangano okuMasedhonia nokuti vakayedzwa zvinorwadza kwazvo asi mufaro wavo wakafashukira vakava vanamupanegombe kunyange zvavo vakanga vava varombo vokupedzisira. Vakapa vakasununguka sokugona kwavo zvandingatopupurawo uye zvaitopfuura zvavaikwanisa vachititeterera kwazvo kuti vabatsire vatsvene. Izvozvo zvakanga zviri zvinhu zvatakanga tisingambotarisira asi vakatanga vazvipira kuna Mwari, mushure maizvozvo nokuda kwaMwari, vakazvipirawo kwatiri. Saizvozvo takakurudzira Titosi, somunhu akanga atanga basa iri rakanaka pakati penyu, kuti anofanira kuripedzisa. Zvino sezvo makabudirira zvikuru muzvinhu zvose izvi zvinoti: chitendero, kwouya kutaura zvakanaka kwoti ruzivo kwozoti shungu dzenyu huru dzokuda kubatsira uyezve rudo rwenyu kwatiri, chibudiriraiwo zvakanyanya pabasa iri renyasha. Handitauri izvi kwamuri somurau asi kuti neshungu dzavamwe ndizvionere kuti rudo rwenyu nderwe chokwadi here nokuti imi munoziva nyasha dzaTenzi wedu Jesu Kristu kuti kunyange akanga akapfuma asi akazova murombo nokuda kwenyu kuti nourombo hwake imi mugova vapfumi.
2 VaKorinde 8:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino tinokuziʋisai, hama dzaŋgu, nyasha dzaMŋari dzakapiwa pakereke dzeMakedonia; kuti pakati pokuidzwa kukuru kwokutambudzika, mufaro waʋo mukuru, pamŋe cete noʋurombo bgaʋo bgukuru, ɀakawanza ɀikuru kusanyima kwaʋo. Nokuti ndinopupura, kuti ʋakapa nokuɗa kwaʋo paʋakagona napo, kunyaŋge kupfuʋura paʋakagona napo; ʋakakumbira nokunyeŋgetera kukuru kwatiri kuti tiʋatendere kuita ɓasa iri renyasha nokusoŋgana pakushumira ʋatȿene; haʋana‐kuita seɀatakafuŋga ɓedzi, asi iʋo ʋakataŋga kuɀipa kunaShe, nokwatiri, nokuɗa kwaMŋari. Naiɀoɀo takakumbira ɀikuru kunaTito, kuti seɀaakaŋga ataŋga, apedzise ɓasa iri renyasha pakati penyu ʋo. Ɀino seɀamakapfuʋurira paɀinhu ɀose, pakutenda, napakutaura, napakuziʋa, napakushiŋgaira kwose, naparuɗo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuʋure paɓasa iri renyasha ʋo. Handireʋi ndiciraira, asi kuti ndiidze ndiziʋe nokushiŋgaira kwaʋamŋe kana ruɗo rwenyu ndorwaɀokwaɗi ʋo. Nokuti munoziʋa nyasha dzaShe weɗu, Jesu Kristu, kuti kunyaŋge akaŋga akafuma, wakaʋa murombo nokuɗa kwenyu, kuti imi noʋurombo bgake muʋe ʋafumi.
2 VaKorinde 8:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)