Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 8

8
II: ZVIRONGWA ZVOKUUNGANIDZWA KWEZVIPO
Zvipo zvavanamati
1Tingade kuti muzive, hama dzangu, nezvenyasha dzaMwari dzakaratidzwa mumasangano okuMasedhonia 2nokuti vakayedzwa zvinorwadza kwazvo asi mufaro wavo wakafashukira vakava vanamupanegombe#8:2 Mupanegombe: Kana kuti vanamupanedengu. kunyange zvavo vakanga vava varombo vokupedzisira. 3Vakapa vakasununguka sokugona kwavo zvandingatopupurawo uye zvaitopfuura zvavaikwanisa 4vachititeterera kwazvo kuti vabatsire vatsvene. 5Izvozvo zvakanga zviri zvinhu zvatakanga tisingambotarisira asi vakatanga vazvipira kuna Mwari, mushure maizvozvo nokuda kwaMwari, vakazvipirawo kwatiri. 6Saizvozvo takakurudzira Titosi, somunhu akanga atanga basa iri rakanaka pakati penyu, kuti anofanira kuripedzisa. 7Zvino sezvo makabudirira zvikuru muzvinhu zvose izvi zvinoti: chitendero, kwouya kutaura zvakanaka kwoti ruzivo kwozoti shungu dzenyu huru dzokuda kubatsira uyezve rudo rwenyu kwatiri, chibudiriraiwo zvakanyanya pabasa iri renyasha.
8Handitauri izvi kwamuri somurau asi kuti neshungu dzavamwe ndizvionere kuti rudo rwenyu nderwe chokwadi here 9nokuti imi munoziva nyasha dzaTenzi wedu Jesu Kristu kuti kunyange akanga akapfuma asi akazova murombo nokuda kwenyu kuti nourombo hwake imi mugova vapfumi. 10Uye panezvizvi ndinokubairai zanhi ndichiti, zviri nani kwamuri kuti mupedzise zvamakatanga kuita gore rakapera, kusiri kungoita chete asi kuva nechido chokuzviita. 11Zvino, chipedzisai basa iroro kuti kuripedzisa kwenyu kuenzane neshungu dzenyu dzokuda kuriita maererano nezvamunazvo. 12Kana chido chokupa chiripo, chipo chomunhu chinogamuchirika maererano nezvaanazvo, kwete maererano nezvaasina.
13Handisi kuti vamwe varerukirwe imi muchiremerwa 14asi kuti pave nokuenzana, panguva ino zvamuine zvakawanda movabatsirawo pavasina chokubata kudai, kuti ivo kana vava nezvakawanda imi musina pokubata vagokubatsiraiwo kuti pave nokuenzana. 15Sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi uyo akakohwa zvakawanda haana kuva nezvakapfurikidza, uyowo akakohwa zvishoma haana chaakashaiwa. 16Mwari ngaatendwe akaita kuti Titosi ave nomwoyo wakaita sowangu pakuva nehanya nemi. 17Hakusiri kuti akanzwa chete chikumbiro changu asi kuti iye pachake aiva neshungu zvokuti iye pachezvake akada kuuya kwamuri. 18Tinomutuma nehama inozivikanwa pamasangano ose pamusoro pokuparidza kwake Shoko Rakanaka. 19Hazvisiri izvo zvoga, asi kuti akatosarudzwa namasangano kuti atiperekedze mubasa iri romwoyochena ratiri kuitira mbiri yaTenzi uyewo kuratidza mwoyo unoda. 20Taichenjererawo kuti pasave naanotipa mhosva kuti tinobata sei chipo chakakura kudai. 21Chinangwa chacho chiri chokuti tiite zvinoremekedzwa kwete naTenzi chete asi kuti navanhuwo. 22Pamwechete naivava tiri kutumira hama yedu yatakaedza kazhinji tikaona ari munhu ane chido chokuita zvinhu mune zvizhinji asi ava nechido chakatonyanya zvino kupfuura kare pamusana pokuvimba kukuru kwaanako nemi. 23Kana zviri zvaTitosi, ndomumwe wangu, mushandipamwe neni mubasa ratinokuitirai, asi dzimwe hama idzi, inhumwa dzamasangano uye vanopa mbiri kuna Kristu. 24Naizvozvo ratidzai masangano rudo rwenyu uye kuti isu tinodada nemi zvakadii kuvarume ava.

Zvasarudzwa nguva ino

2 Vakorinde 8: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda