Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 8:1-9

2 Vakorinde 8:1-9 SCLBD

Tingade kuti muzive, hama dzangu, nezvenyasha dzaMwari dzakaratidzwa mumasangano okuMasedhonia nokuti vakayedzwa zvinorwadza kwazvo asi mufaro wavo wakafashukira vakava vanamupanegombe kunyange zvavo vakanga vava varombo vokupedzisira. Vakapa vakasununguka sokugona kwavo zvandingatopupurawo uye zvaitopfuura zvavaikwanisa vachititeterera kwazvo kuti vabatsire vatsvene. Izvozvo zvakanga zviri zvinhu zvatakanga tisingambotarisira asi vakatanga vazvipira kuna Mwari, mushure maizvozvo nokuda kwaMwari, vakazvipirawo kwatiri. Saizvozvo takakurudzira Titosi, somunhu akanga atanga basa iri rakanaka pakati penyu, kuti anofanira kuripedzisa. Zvino sezvo makabudirira zvikuru muzvinhu zvose izvi zvinoti: chitendero, kwouya kutaura zvakanaka kwoti ruzivo kwozoti shungu dzenyu huru dzokuda kubatsira uyezve rudo rwenyu kwatiri, chibudiriraiwo zvakanyanya pabasa iri renyasha. Handitauri izvi kwamuri somurau asi kuti neshungu dzavamwe ndizvionere kuti rudo rwenyu nderwe chokwadi here nokuti imi munoziva nyasha dzaTenzi wedu Jesu Kristu kuti kunyange akanga akapfuma asi akazova murombo nokuda kwenyu kuti nourombo hwake imi mugova vapfumi.