Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 VaKorinde 8:1-9

2 VaKorinde 8:1-9 SNA2002

Zvino tinokuzivisai, hama dzangu, nyasha dzaMwari dzakapiwa pakereke dzeMakedhonia; kuti pakati pokuedzwa kukuru kwokutambudzika, mufaro wavo mukuru, pamwechete nourombo hwavo hukuru, zvakawanza zvikuru kusanyima kwavo. Nokuti ndinopupura, kuti vakapa nokuda kwavo pavakagona napo, kunyange kupfuura pavakagona napo; vakakumbira nokunyengetera kukuru kwatiri kuti tivatendere kuita basa iri renyasha nokusangana pakushumira vatsvene; havana kuita sezvatakafunga bedzi, asi ivo vakatanga kuzvipa kuna ishe, nokwatiri, nokuda kwaMwari. Naizvozvo takakumbira zvikuru kuna Tito, kuti sezvaakanga atanga, apedzise basa iri renyasha pakati penyuwo. Zvino sezvamakapfuurira pazvinhu zvose, pakutenda, napakutaura, napakuziva, napakushingaira kwose, naparudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuure pabasa iri renyashawo. Handirevi ndichirayira, asi kuti ndiedze ndizive nokushingaira kwavamwe kana rudo rwenyu ndorwachokwadiwo. Nokuti munoziva nyasha dzaIshe wedu, Jesu Kristu, kuti kunyange akanga akapfuma, akava murombo nokuda kwenyu, kuti imi nourombo hwake muve vapfumi.