2 VaKorinde 7:4-9
2 VaKorinde 7:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinovimba nemi zvikuru; ndinozvirumbidza zvikuru nokuda kwenyu. Ndinokurudzirwa zvikuru; mumatambudziko edu ose mufaro wangu hauna magumo. Nokuti patakasvika kuMasedhonia, muviri wedu uyu hauna kuwana zororo, asi takatambudzwa kumativi ose, zvaiti kukakavara kunze, nokutya nechomukati. Asi Mwari anonyaradza vakaora mwoyo, akatinyaradza pakauya Tito, kwete nokuda kwokuuya kwake bedzi, asiwo nokuda kwokunyaradza kwamakamupa. Akatiudza nezvokundishuva kwenyu, kusuwa kwenyu kukuru, nokuva nehanya kwenyu pamusoro pangu, saka mufaro wangu wakava mukuru kwazvo. Kunyange zvazvo ndakakuchemedzai netsamba yangu, handizvidembi nokuda kwaizvozvo. Kunyange zvangu ndakazvidemba, ndinoona kuti tsamba yangu yakakurwadzai, asi kwenguva duku chete, asi zvino ndinofara, kwete nokuti makachema, asi nokuti kusuwa kwenyu kwakaita kuti mutendeuke. Nokuti makava nokusuwa kukuru sezvaidiwa naMwari uye nokudaro hamuna kukuvadzwa nesu nenzira ipi zvayo.
2 VaKorinde 7:4-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kusatya kwangu kukuru pakutaura kwamuri, nokuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwazvo pakutambudzika kwedu kwose. Nokuti takati tasvika Makedhonia, nyama yedu haina kuzorora, asi takatambudzika pamativi ose; kunze kwaiva nokukakavara, mukati maiva nokutya. Asi Mwari, anonyaradza vakaora mwoyo, akatinyaradza nokusvika kwaTito; handiti nokusvika kwake bedzi, asiwo nokunyaradzwa, kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, achitiudza zvechishuo chenyu, nokuchema kwenyu, nokushingaira kwenyu pamusoro pangu; saka ndakanyanya kufara. Nokuti kunyange ndakakuchemedzai netsamba yangu, handizvidyi mwoyo; kunyange ndakanga ndichizvidya mwoyo hangu, ndinoona kuti tsamba iyo yakakuchemedzai, asi yakanga iri nguva duku hayo. Zvino, handifari kuti makachemedzwa, asi nokuti makachemedzwa mukatendeuka; nokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, kuti murege kurasikirwa nechinhu nokuda kwedu.
2 VaKorinde 7:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinovimba nemi zvikuru. Ndinodada nemi kwazvo. Munondipa manyawi. Tine matambudziko edu akawanda zvawo kudai asi tinonzwa kufara zvikuru kwazvo. Kunyange patakasvika kuMasedhonia, isu nyama yedu haina kuwana zororo, takapoteredzwa nenhamo kumativi ose, kunze yakanga iri hondo yokurwiswa, mukati iri hondo yokutya. Asi, Mwari anonyaradza vanenge varasa mwoyo, akatinyaradza nokuuya kwaTitosi; kwete nokuuya kwake chete asi nokunyaradzwa kwaakawana mamuri sokutitaurira kwaakaita nezvekundisuwa kwenyu nokundirwadzirwa mwoyo kwenyu neshungu dzenyu neni zvokuti ndakatofarisisa kwazvo. Chiripo ndechokuti kunyange zvangu ndakakurwadzisai netsamba yangu, handina urombo nazvo; (kunyange zvangu ndakave nourombo nazvo.) Ndinozviziva zvangu kuti tsamba iyoyo yakakurwadzai kunyange zvazvo kwaiva kwechinguvana chete. Sezvazviri ndinofara, kwete, nokuti makarwadziwa, asi pamusana pokuti makarwadziwa zvakakuitai kuti mupinduke nokuti kurwadziwa kwenyu kwaiva nohumwari makuri zvokuti hapana chatakaita kuti murasikirwe nacho.
2 VaKorinde 7:4-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kusatya kwaŋgu kukuru pakutaura kwamuri, nokuɀirumbidza kwaŋgu kukuru pamsoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwaɀo pakutambudzika kweɗu kwose. Nokuti takati taȿika Makedonia, nyama yeɗu haina‐kuzorora, asi takatambudzika pamatiʋi ose; kunze kwaiʋa nokukakaʋara, mukati maiʋa nokutya. Asi Mŋari, unonyaradza ʋakaʋora mŋoyo, wakatinyaradza nokuȿika kwaTito; handiti nokuȿika kwake ɓedzi, asi ʋo nokunyaradzwa, kwaakanyaradzwa nako pamsoro penyu, acitiʋudza ɀecishuʋo cenyu, nokucema kwenyu, nokushiŋgaira kwenyu pamsoro paŋgu; saka ndakanyanya kufara. Nokuti kunyaŋge ndakakucemedzai neŋwadi yaŋgu, handiɀidyi mŋoyo; kunyaŋge ndakaŋga ndiciɀidya mŋoyo haŋgu, ndinoʋona kuti ŋwadi iyo yakakucemedzai, asi yakaŋga iri ŋguʋa ɗuku hayo. Ɀino, handifari kuti makacemedzwa, asi nokuti makacemedzwa mukatendeʋuka; nokuti makacemedzwa seɀinoɗa Mŋari, kuti murege kurashikirwa necinhu nokuɗa kweɗu.
2 VaKorinde 7:4-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)