Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 7:4-9

2 Vakorinde 7:4-9 SCLB

Ndinovimba nemi zvikuru. Ndinodada nemi kwazvo. Munondipa manyawi. Tine matambudziko edu akawanda zvawo kudai asi tinonzwa kufara zvikuru kwazvo. Kunyange patakasvika kuMasedhonia, isu nyama yedu haina kuwana zororo, takapoteredzwa nenhamo kumativi ose, kunze yakanga iri hondo yokurwiswa, mukati iri hondo yokutya. Asi, Mwari anonyaradza vanenge varasa mwoyo, akatinyaradza nokuuya kwaTitosi; kwete nokuuya kwake chete asi nokunyaradzwa kwaakawana mamuri sokutitaurira kwaakaita nezvekundisuwa kwenyu nokundirwadzirwa mwoyo kwenyu neshungu dzenyu neni zvokuti ndakatofarisisa kwazvo. Chiripo ndechokuti kunyange zvangu ndakakurwadzisai netsamba yangu, handina urombo nazvo; (kunyange zvangu ndakave nourombo nazvo.) Ndinozviziva zvangu kuti tsamba iyoyo yakakurwadzai kunyange zvazvo kwaiva kwechinguvana chete. Sezvazviri ndinofara, kwete, nokuti makarwadziwa, asi pamusana pokuti makarwadziwa zvakakuitai kuti mupinduke nokuti kurwadziwa kwenyu kwaiva nohumwari makuri zvokuti hapana chatakaita kuti murasikirwe nacho.