Kusatya kwangu kukuru pakutaura kwamuri, nokuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndizere nokunyaradzwa, ndinofara kwazvo pakutambudzika kwedu kwose. Nokuti takati tasvika Makedhonia, nyama yedu haina kuzorora, asi takatambudzika pamativi ose; kunze kwaiva nokukakavara, mukati maiva nokutya. Asi Mwari, anonyaradza vakaora mwoyo, akatinyaradza nokusvika kwaTito; handiti nokusvika kwake bedzi, asiwo nokunyaradzwa, kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, achitiudza zvechishuo chenyu, nokuchema kwenyu, nokushingaira kwenyu pamusoro pangu; saka ndakanyanya kufara. Nokuti kunyange ndakakuchemedzai netsamba yangu, handizvidyi mwoyo; kunyange ndakanga ndichizvidya mwoyo hangu, ndinoona kuti tsamba iyo yakakuchemedzai, asi yakanga iri nguva duku hayo. Zvino, handifari kuti makachemedzwa, asi nokuti makachemedzwa mukatendeuka; nokuti makachemedzwa sezvinoda Mwari, kuti murege kurasikirwa nechinhu nokuda kwedu.
Verenga chikamu 2 VaKorinde 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 VaKorinde 7:4-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo