Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 VaKorinde 6:1-18

2 VaKorinde 6:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Savashandi pamwe chete naMwari tinokukurudzirai kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari pasina. Nokuti iye anoti, “Ndakakunzwa panguva yenyasha dzangu, uye pazuva roruponeso ndakakubatsira.” Ndinokuudzai, zvino ndiyo nguva yenyasha dzaMwari, zvino ndiyo nguva yoruponeso. Hatiisi chigumbuso munzira yomunhu, kuti ushumiri hwedu hurege kuzvidzwa. Asi savaranda vaMwari tinozvirumbidza pane zvakanaka munzira dzose: mukutsungirira kukuru, mumatambudziko, mukuomerwa, uye nemunhamo; mukurohwa, kusungwa nomubope; mukushanda zvakaoma, mukusavata nokushayiwa zvokudya; mukuchena, kunzwisisa, mwoyo murefu nengoni muMweya Mutsvene uye nomurudo rwechokwadi; mushoko rechokwadi nomusimba raMwari; nenhumbi dzokurwa nadzo dzokururama kuruoko rworudyi nokuruboshwe, mukukudzwa nomukusakudzwa, muguhu rakaipa neguhu rakanaka; tiri vechokwadi, asi tichionekwa savanyengeri; tinozivikanwa tichionekwa setisingazivikanwi; tinofa, asi tichiramba tichirarama, tinorohwa asi hatifi; savanochema, asi tichigara tichifara; savarombo, asi tichipfumisa vazhinji; setisina chinhu, asi tinazvo zvose. Takataura kwamuri pachena, imi vaKorinde, uye takazarura mwoyo yedu kwamuri. Hatisi kukunyimai rudo rwedu, asi imi munotinyima rwenyu. Sokutsinhana kwakanaka, ndinotaura sokuvana vangu, zaruraiwo mwoyo yenyu. Musasungwa zvisina kufanira pajoko rimwe chete navasingatendi. Nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Kana kuti chiedza chingawadzana seiko nerima? Ko, Kristu anganzwanana seiko naBheriari? Ko, mutendi angava nomugove weiko neasingatendi? Ko, temberi yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti tiri temberi yaMwari mupenyu. Sezvakarehwa naMwari, achiti, “Ndichagara pakati pavo ndigofamba navo, uye ndichava Mwari wavo, ivo vagova vanhu vangu.” “ ‘Saka budai mubve pakati pavo uye muzvitsaure,’ ndizvo zvinotaura Ishe. ‘Musabata chinhu chine tsvina, ini ndigokugamuchirai.’ ” “ ‘Ndichava baba venyu, uye imi muchava vanakomana vangu navanasikana vangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe Wamasimba Ose.”

2 VaKorinde 6:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino zvatinobatsirana naye, tinokumbira zvikuru kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari pasina. (Nokuti iye anoti, “Ndakakunzwa iwe nenguva yakafanira, Ndakakubatsira pazuva rokuponeswa;” tarirai, zvino inguva yakafanira; tarirai, zvino ndiro zuva rokuponeswa.) Hatigumbusi vamwe nechinhu, kuti kushumira kwedu kurege kuzvidzwa; asi pazvinhu zvose tinozviratidza savashumiri vaMwari, pakutsungirira kukuru, panhamo, pakushayiwa, pamadambudziko, pakurohwa, pakusungwa, pakunyonganiswa, pamabasa, pakusavata, pakuzvinyima zvokudya; pakuchema kwomwoyo, pakuziva, pamwoyo murefu, paunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyengeri; pashoko rechokwadi, pasimba raMwari, nenhumbi dzokurwa dzokururama, kurudyi nokurubhoshe nokukudzwa, nokusakudzwa, neguhu rakaipa, neguhu rakanaka; savanyengeri, asi tiri vechokwadi hedu; savasingazikanwi, asi tichizikanwa hedu zvikuru; savanofa, asi, tarirai, tiri vapenyu; savanorohwa, asi tisingaurawi; savanochema, asi tichigara tichifara hedu; savarombo, asi tichipfumisa vazhinji; savasina chinhu, asi tinazvo zvose. Imi, vaKorinde, muromo wedu wakashama kwamuri, mwoyo wedu wakuriswa. Hamumanikidzwi nesu, asi munomanikidzwa mumwoyo menyu. Zvino, mundidzosere saizvozvo (ndinotaura sokuna vana vangu), imiwo mukuriswe mwoyo. Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwechete navasingatendi; nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Chiedza chingayanana seiko nerima? Kristu anganzwana seiko naBheriari? Anotenda angava nomugove weiko noasingatendi? Temberi yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti isu tiri temberi yaMwari mupenyu; Mwari sezvaakareva, achiti, “Ndichagara mukati mavo, nokufamba mukati mavo; ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu. Saka budai pakati pavo, muzviraure, ndizvo zvinotaura Ishe, Musabata chinhu chine tsvina; Ini ndichakugamuchirai, Ndichava baba venyu, Nemi muchava vanakomana navanasikana vangu, ndizvo zvinotaura Ishe ane simba rose.”

2 VaKorinde 6:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tinokukumbirisai tichishanda pamwechete naMwari kuti murege kungogamuchira nyasha dzaMwari pasina nokuti anoti, “Nenguva yakafanira ndakakunzwa, nezuva reruponeso ndakakubatsira, chinzwa, ino ndiyo nguva yacho yakafanira, irori ndiro zuva roruponeso.” Hatiisi chinopingidza munzira yaani nani zvake, kuti muushandiri hwedu musave nechakaipa, asi isu savaranda vaMwari tinoratidza izvi nenzira dzose nokutirira kwakaomarara nomukutambudzika mune zvinonetsa nomupfumvu mukurohwa nokuiswa mujeri nomunyonganyonga nomumabasa anorema nokuvata takasvinura nomunzara uye tinoratidza izvi noutsvene noruzivo nokutirira nomutsa naMweya Mutsvene norudo rwechokwadi nokutaura zviri pachokwadi nesimba raMwari nezvombo zvoururami kurudyi nokuruboshe, mukuremekedzwa nomukusaremekedzwa, mukushorwa nomukukudzwa. Tinotorwa savanhu vanonyepera kuva zvavasiri asi tiri pachokwadi, tichiitwa setisingazivikanwi asi tichinyatsozivikanwa. Tinoitwa setiri kufa asi tarisai muone tiri vapenyu. Tinoitwa setiri kurangwa asi hatisati tafa. Tinonzi tinosuruvara asi isu tichifara nguva dzose. Tinonzi tiri varombo asi tichipfumisa vazhinji. Tinonzi hatina chinhu asi tiine zvose. Vakorinde imi, takutaurirai zviri pachena uye nomwoyo wose. Hatisisu tinoita kuti musungikane mwoyo asi imi ndimi muri kuita kuti musungikane zvenyu. Sekandiro kanoenda kunobva kamwe, ndinotaura somunhu ari kutaura kuvana, sunungukaiwo mwoyo. Musasungwe pajoko navanhu vasingatendi nokuti ururami hunei nouipi? Kana kuti chiedza chine ukama hwei nerima? Kristu anganzwanane sei naBheriari? Kana kuti mutendi ane mugove wei naasingatendi. Temberi yaMwari inowirirana papi nezvifananidzo zvinonamatwa saMwari. Zvino isu tiri Temberi yaMwari mupenyu sokutaura kwakaita Mwari achiti, “Ndichagara mavari ndichifamba pakati pavo uye ndichava Mwari wavo ivowo vachava vanhu vangu.” Saka ibvai mukati mavo mupararane navo, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Musawane chakan'ora chamunobata. Pakadaro, ini ndichakugamuchirai. Ini ndichava Baba kwamuri, imi muchiva vanakomana vangu navanasikana vangu. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Samasimbaose.

2 VaKorinde 6:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ɀatinoɓatsirana naye, tinokumbira ɀikuru kuti murege kugamucira nyasha dzaMŋari pasina. (Nokuti iye unoti: Ndakakunzwa iwe neŋguʋa yakafanira, Ndakakuɓatsira pazuʋa rokuponeswa; tarirai, ɀino iŋguʋa yakafanira; tarirai, ɀino ndiro zuʋa rokuponeswa.) Hatigumbusi ʋamŋe necinhu, kuti kushumira kweɗu kurege kuɀidzwa; asi paɀinhu ɀose tinoɀiratidza saʋashumiri ʋaMŋari, pakutsuŋgirira kukuru, panhamo, pakushaiwa, pamaɗambudziko, pakurobga, pakusuŋgwa, pakunyoŋganiswa, pamaɓasa, pakusaʋata, pakuɀinyima ɀokudya; pakucena kwomŋoyo, pakuziʋa, pamŋoyo murefu, paʋunyoro, paMŋeya Mutȿene, paruɗo rusiŋganyeŋgeri; pashoko raɀokwaɗi, pasimba raMŋari, nenhumbi dzokurwa dzokururama, kurudyi nokuruɓoshwe, nokukudzwa, nokusakudzwa, neguhu rakaipa, neguhu rakanaka; saʋanyeŋgeri, asi tiri ʋeɀokwaɗi heɗu; saʋasiŋgazikanwi, asi ticizikanwa heɗu ɀikuru; saʋanofa, asi, tarirai, tiri ʋapenyu heɗu; saʋanorobga, asi tisiŋgaʋurawi heɗu; saʋanocema, asi ticigara ticifara heɗu; saʋarombo, asi ticifumisa ʋazhinji heɗu; saʋasinecinhu, asi tinaɀo ɀose heɗu. Imi, ʋaKorinte, muromo weɗu wakashama kwamuri, mŋoyo weɗu wakuriswa. Hamumanikidzwi kwatiri, asi munomanikidzwa mumŋoyo menyu. Ɀino, mundidzosere saiɀoɀo (ndinotaura sokunaʋana ʋangu), imi ʋo mukuriswe mŋoyo. Musasuŋgwa ɀisina‐kufanira pajoko pamŋe cete naʋasiŋgatendi; nokuti kururama kuŋgaʋa noʋukama bgeiko nokusarurama? Ciedza ciŋgayanana seiko nerima? Kristu uŋganzwana seiko naBeriari? Unotenda uŋgaʋa nomugoʋe weiko nousiŋgatendi? Tembere yaMŋari iŋgatenderana seiko neɀifananidzo? Nokuti isu tiri tembere yaMŋari mupenyu; Mŋari seɀaakareʋa, aciti: Ndicagara mukati maʋo, nokufamba mukati maʋo; ndicaʋa Mŋari waʋo, iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu. Saka Ƃuɗai pakati paʋo, muɀiraʋure, ndiɀo ɀinotaura Ishe, Musaɓata cinhu cinetȿina; Ini ndicakugamucirai, Ndicaʋa Ƃaɓa ʋenyu, Nemi mucaʋa ʋanakomana naʋanasikana ʋaŋgu, ndiɀo ɀinotaura Ishe unesimba rose.

2 VaKorinde 6:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)