Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 ƲaKorinte 6

6
Kusaɀifuŋga kwaPauro pakuparidza kwake.
1Ɀino ɀatinoɓatsirana naye, tinokumbira ɀikuru kuti murege kugamucira nyasha dzaMŋari pasina. 2(Nokuti iye unoti:
Ndakakunzwa iwe neŋguʋa yakafanira,
Ndakakuɓatsira pazuʋa rokuponeswa;
tarirai, ɀino iŋguʋa yakafanira; tarirai, ɀino ndiro zuʋa rokuponeswa.) 3Hatigumbusi ʋamŋe necinhu, kuti kushumira kweɗu kurege kuɀidzwa; 4asi paɀinhu ɀose tinoɀiratidza saʋashumiri ʋaMŋari, pakutsuŋgirira kukuru, panhamo, pakushaiwa, pamaɗambudziko, 5pakurobga, pakusuŋgwa, pakunyoŋganiswa, pamaɓasa, pakusaʋata, pakuɀinyima ɀokudya; 6pakucena kwomŋoyo, pakuziʋa, pamŋoyo murefu, paʋunyoro, paMŋeya Mutȿene, paruɗo rusiŋganyeŋgeri; 7pashoko raɀokwaɗi, pasimba raMŋari, nenhumbi dzokurwa dzokururama, kurudyi nokuruɓoshwe, 8nokukudzwa, nokusakudzwa, neguhu rakaipa, neguhu rakanaka; saʋanyeŋgeri, asi tiri ʋeɀokwaɗi heɗu; 9saʋasiŋgazikanwi, asi ticizikanwa heɗu ɀikuru; saʋanofa, asi, tarirai, tiri ʋapenyu heɗu; saʋanorobga, asi tisiŋgaʋurawi heɗu; 10saʋanocema, asi ticigara ticifara heɗu; saʋarombo, asi ticifumisa ʋazhinji heɗu; saʋasinecinhu, asi tinaɀo ɀose heɗu.
Ʋatȿene ŋgaʋaparadzane neɀakaipa ɀose.
11Imi, ʋaKorinte, muromo weɗu wakashama kwamuri, mŋoyo weɗu wakuriswa. 12Hamumanikidzwi kwatiri, asi munomanikidzwa mumŋoyo menyu. 13Ɀino, mundidzosere saiɀoɀo (ndinotaura sokunaʋana ʋangu), imi ʋo mukuriswe mŋoyo.
14Musasuŋgwa ɀisina‐kufanira pajoko pamŋe cete naʋasiŋgatendi; nokuti kururama kuŋgaʋa noʋukama bgeiko nokusarurama? Ciedza ciŋgayanana seiko nerima? 15Kristu uŋganzwana seiko naBeriari? Unotenda uŋgaʋa nomugoʋe weiko nousiŋgatendi? 16Tembere yaMŋari iŋgatenderana seiko neɀifananidzo? Nokuti isu tiri tembere yaMŋari mupenyu; Mŋari seɀaakareʋa, aciti: Ndicagara mukati maʋo, nokufamba mukati maʋo; ndicaʋa Mŋari waʋo, iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu. 17Saka
Ƃuɗai pakati paʋo, muɀiraʋure,
ndiɀo ɀinotaura Ishe,
Musaɓata cinhu cinetȿina;
Ini ndicakugamucirai,
18Ndicaʋa Ƃaɓa ʋenyu,
Nemi mucaʋa ʋanakomana naʋanasikana ʋaŋgu,
ndiɀo ɀinotaura Ishe unesimba rose.

Zvasarudzwa nguva ino

2 ƲaKorinte 6: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda