Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 VaKorinde 6

6
Kusazvifunga kwaPauro pakuparidza kwake
1Zvino zvatinobatsirana naye, tinokumbira zvikuru kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari pasina. 2(Nokuti iye anoti,
“Ndakakunzwa iwe nenguva yakafanira,
Ndakakubatsira pazuva rokuponeswa;”
tarirai, zvino inguva yakafanira; tarirai, zvino ndiro zuva rokuponeswa.)
3Hatigumbusi vamwe nechinhu, kuti kushumira kwedu kurege kuzvidzwa; 4asi pazvinhu zvose tinozviratidza savashumiri vaMwari, pakutsungirira kukuru, panhamo, pakushayiwa, pamadambudziko, 5pakurohwa, pakusungwa, pakunyonganiswa, pamabasa, pakusavata, pakuzvinyima zvokudya; 6pakuchema kwomwoyo, pakuziva, pamwoyo murefu, paunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyengeri; 7pashoko rechokwadi, pasimba raMwari, nenhumbi dzokurwa dzokururama, kurudyi nokurubhoshe 8nokukudzwa, nokusakudzwa, neguhu rakaipa, neguhu rakanaka; savanyengeri, asi tiri vechokwadi hedu; 9savasingazikanwi, asi tichizikanwa hedu zvikuru; savanofa, asi, tarirai, tiri vapenyu; savanorohwa, asi tisingaurawi; 10savanochema, asi tichigara tichifara hedu; savarombo, asi tichipfumisa vazhinji; savasina chinhu, asi tinazvo zvose.
Vatsvene ngavaparadzane nezvakaipa zvose
11Imi, vaKorinde, muromo wedu wakashama kwamuri, mwoyo wedu wakuriswa. 12Hamumanikidzwi nesu, asi munomanikidzwa mumwoyo menyu. 13Zvino, mundidzosere saizvozvo (ndinotaura sokuna vana vangu), imiwo mukuriswe mwoyo.
14Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwechete navasingatendi; nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Chiedza chingayanana seiko nerima? 15Kristu anganzwana seiko naBheriari? Anotenda angava nomugove weiko noasingatendi? 16Temberi yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti isu tiri temberi yaMwari mupenyu; Mwari sezvaakareva, achiti,
“Ndichagara mukati mavo,
nokufamba mukati mavo; ndichava Mwari
wavo, ivo vachava vanhu vangu.
17Saka budai pakati pavo, muzviraure,
ndizvo zvinotaura Ishe,
Musabata chinhu chine tsvina;
Ini ndichakugamuchirai,
18Ndichava baba venyu,
Nemi muchava vanakomana navanasikana vangu,
ndizvo zvinotaura Ishe ane simba rose.”

Zvasarudzwa nguva ino

2 VaKorinde 6: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda