2 VaKorinde 4:3-5
2 VaKorinde 4:3-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana Evaŋgeri yeɗu yakafukidzwa, yakafukidzwa kunaʋanorashika; kunaʋasiŋgatendi ʋakapofumadzirwa ndaŋgariro namŋari wenyika ino, kuti ʋarege kuvenekerwa neciedza ceEvaŋgeri yokubginya kwaKristu, uri mufananidzo waMŋari. Nokuti hatiɀiparidzi isu, asi Kristu Jesu kuti ndiye Ishe; nesu kuti tiri ʋaranda ʋenyu nokuɗa kwaJesu
2 VaKorinde 4:3-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye kunyange zvazvo vhangeri redu rakafukidzwa, rakafukidzwa kuna avo vari kuparara. Vasingatendi vakapofumadzwa ndangariro dzavo namwari wenyika ino, kuti varege kuona chiedza chevhangeri rokubwinya kwaKristu, anova mufananidzo waMwari. Nokuti hatizviparidzi isu, asi Jesu Kristu saShe, uye isu savaranda venyu nokuda kwaJesu.
2 VaKorinde 4:3-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kana Vhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kuna vanorasika; kuna vasingatendi vakapofumadzirwa ndangariro namwari wenyika ino, kuti varege kuvhenekerwa nechiedza cheVhangeri yokubwinya kwaKristu, uri mufananidzo waMwari. Nokuti hatizviparidzi isu, asi Kristu Jesu kuti ndiye Ishe; nesu kuti tiri varanda venyu nokuda kwaJesu.
2 VaKorinde 4:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kunyange zvazvo Shoko redu Rakanaka rakafukidzwa, rakafukidzwa chete kuna vari kuparara. Pane zvaivava, mwari wapasi pano akapofomadza pfungwa dzavasingatendi kuti varege kuona mwenje weShoko Rakanaka rembiri yaKristu, iye akatodzana naMwari. Isu hatizviparidzi asi watinoparidza ndiJesu Kristu saTenzi, isu tiri varanda venyu pamusana paJesu
2 VaKorinde 4:3-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana Evaŋgeri yeɗu yakafukidzwa, yakafukidzwa kunaʋanorashika; kunaʋasiŋgatendi ʋakapofumadzirwa ndaŋgariro namŋari wenyika ino, kuti ʋarege kuvenekerwa neciedza ceEvaŋgeri yokubginya kwaKristu, uri mufananidzo waMŋari. Nokuti hatiɀiparidzi isu, asi Kristu Jesu kuti ndiye Ishe; nesu kuti tiri ʋaranda ʋenyu nokuɗa kwaJesu
2 VaKorinde 4:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)