2 VaKorinde 3:4-11
2 VaKorinde 3:4-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kutenda kwakadai souku tinako kubudikidza naKristu pamberi paMwari. Kwete nokuti tinogona isu pachedu, zvokuti titi chakati ndechedu, asi kugona kwedu kunobva kuna Mwari. Akatigonesa savashumiri vesungano itsva, kwete yakanyorwa asi yoMweya; nokuti tsamba inouraya, asi Mweya anopa upenyu. Zvino kana kushumira kwakauyisa rufu, kwakanga kwakatemwa namavara pamabwe, kwakauya nokubwinya zvokuti vaIsraeri vakanga vasingagoni kuramba vakatarisa pachiso chaMozisi nokuda kwokubwinya kwacho, kunyange kwakanga kuchipfuura hako, ko, kushumira kwaMweya hakungavi nokubwinya kukuru here? Kana kushumira kwakauyisa kutongwa kuvanhu kuchibwinya, ko, kuzoti kushumira kunouyisa kururama kunobwinya zvikuru sei! Nokuti chaibwinya hachisisina kubwinya zvino kana tichichienzanisa nokubwinya kunochipfuura. Uye kana chakanga chichizopfuura chakauya nokubwinya, ko, kuzoti chinogara chichava nokubwinya kukuru sei!
2 VaKorinde 3:4-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kutenda kwakadai tinako naKristu, kuna Mwari; hatiti takakwana isu timene, kuti titeme chinhu timene; asi kukwana kwedu kunobva kuna Mwari; iye akatikwanisa kuti tive vashumiri vesungano itsva, isati iri yezvakanyorwa asi yoMweya; nokuti zvakanyorwa zvinouraya, asi Mweya anopa upenyu. Zvino kana kushumira, kwakauyisa rufu, kwakanga kwakatemwa namabhii pamabwe, kwakauya nokubwinya, kwakanga kwadaro kuti vana vaIsiraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMosesi nokuda kwokubwinya kwechiso chake kwakanga kuchipfuura hako ko kushumira kwoMweya hakungavi nokubwinya kukuru here? Nokuti kana kushumira, kwakauyisa kutongeswa, kwakanga kunokubwinya, zvikuru sei kushumira, kunouyisa kururama, kuchakunda pakubwinya. Nokuti naicho chakabwinyiswa, hachina kubwinyiswa, kana pachinhu ichi tichichifananidza nokubwinya kunokunda. Nokuti kana icho chinopfuura chaiva nokubwinya, zvikuru sei icho chinogara ndicho chiri pakubwinya.
2 VaKorinde 3:4-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndicho chivimbo chatinacho naMwari nokuna Kristu. Hazvirevi kuti tinokwanisana nazvo pachedu kuti titi isu zvinobva kwatiri. Kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari akatiita kuti tikwanise kuva vashandiri vechitenderano chitsva chisina kunyorwa asi chomweya. Nokuti chakaitwa zvokunyorwa chiya chinouraya asi Mweya anopa upenyu. Zvino kana zvinounza rufu zvakanyorwa zvichiitwa zvokutemerwa pamabwe, zvakauya nokupenya kwakadaro zvokuti vaIsiraeri vakatadza kutarisa uso hwaMosesi pamusana pokubwinya kwahwo kunopera, ko kutozoti zvaMweya zvinopenya zvakadii? Zvino kana zviya zvinopa mhosva zvaiva nokupenya, zvinopa ururami zvinofanira kuzvikunda kure kure. Saizvozvo apa chaimbova nokupenya kukuru hachichambopenya zvacho pamusana pokupenya kunochikunda. Kana chino kupenya kunopera chakauya nokupenya kukuru, chinokupenya kusingaperi chinofanira kuva nokupenya kwakatokurisisa.
2 VaKorinde 3:4-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kutenda kwakaɗai tinako naKristu, kunaMŋari; hatiti takakwana isu timene, kuti titeme cinhu timene; asi kukwana kweɗu kunobva kunaMŋari; iye wakatikwanisa kuti tiʋe ʋashumiri ʋesuŋgano itȿa, isati iri yeɀakanyorwa asi yoMŋeya; nokuti ɀakanyorwa ɀinoʋuraya, asi Mŋeya unopa ʋupenyu. Ɀino kana kushumira, kwakaʋuyisa rufu, kwakaŋga kwakatemŋa namaretere pamabge, kwakaʋuya nokubginya, kwakaŋga kwakaɗaro kuti ʋana ʋaIsraeri ʋakakoniwa kutarisisa ciso caMosesi nokuɗa kwokubginya kweciso cake — kwakaŋga kucipfuʋura hako — ko kushumira kwoMŋeya hakuŋgaʋi nokubginya kukuru here? Nokuti kana kushumira, kwakaʋuyisa kutoŋgeswa, kwakaŋga kunokubginya, ɀikuru sei kushumira, kunoʋuyisa kururama, kucakunda pakubginya. Nokuti naico cakabginyiswa, hacina‐kubginyiswa, kana pacinhu ici ticicifananidza nokubginya kunokunda. Nokuti kana ico cinopfuʋura caiʋa nokubginya, ɀikuru sei ico cinogara ndico ciri pakubginya.
2 VaKorinde 3:4-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)