Ndicho chivimbo chatinacho naMwari nokuna Kristu. Hazvirevi kuti tinokwanisana nazvo pachedu kuti titi isu zvinobva kwatiri. Kukwanisa kwedu kunobva kuna Mwari akatiita kuti tikwanise kuva vashandiri vechitenderano chitsva chisina kunyorwa asi chomweya. Nokuti chakaitwa zvokunyorwa chiya chinouraya asi Mweya anopa upenyu. Zvino kana zvinounza rufu zvakanyorwa zvichiitwa zvokutemerwa pamabwe, zvakauya nokupenya kwakadaro zvokuti vaIsiraeri vakatadza kutarisa uso hwaMosesi pamusana pokubwinya kwahwo kunopera, ko kutozoti zvaMweya zvinopenya zvakadii? Zvino kana zviya zvinopa mhosva zvaiva nokupenya, zvinopa ururami zvinofanira kuzvikunda kure kure. Saizvozvo apa chaimbova nokupenya kukuru hachichambopenya zvacho pamusana pokupenya kunochikunda. Kana chino kupenya kunopera chakauya nokupenya kukuru, chinokupenya kusingaperi chinofanira kuva nokupenya kwakatokurisisa.
Verenga chikamu 2 Vakorinde 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: 2 Vakorinde 3:4-11
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo