Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 ƲaKorinte 3:4-11

2 ƲaKorinte 3:4-11 SUB1949

Kutenda kwakaɗai tinako naKristu, kunaMŋari; hatiti takakwana isu timene, kuti titeme cinhu timene; asi kukwana kweɗu kunobva kunaMŋari; iye wakatikwanisa kuti tiʋe ʋashumiri ʋesuŋgano itȿa, isati iri yeɀakanyorwa asi yoMŋeya; nokuti ɀakanyorwa ɀinoʋuraya, asi Mŋeya unopa ʋupenyu. Ɀino kana kushumira, kwakaʋuyisa rufu, kwakaŋga kwakatemŋa namaretere pamabge, kwakaʋuya nokubginya, kwakaŋga kwakaɗaro kuti ʋana ʋaIsraeri ʋakakoniwa kutarisisa ciso caMosesi nokuɗa kwokubginya kweciso cake — kwakaŋga kucipfuʋura hako — ko kushumira kwoMŋeya hakuŋgaʋi nokubginya kukuru here? Nokuti kana kushumira, kwakaʋuyisa kutoŋgeswa, kwakaŋga kunokubginya, ɀikuru sei kushumira, kunoʋuyisa kururama, kucakunda pakubginya. Nokuti naico cakabginyiswa, hacina‐kubginyiswa, kana pacinhu ici ticicifananidza nokubginya kunokunda. Nokuti kana ico cinopfuʋura caiʋa nokubginya, ɀikuru sei ico cinogara ndico ciri pakubginya.