Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 VaKorinde 12:11-21

2 VaKorinde 12:11-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ndakazviita benzi, asi imi ndimi makandisundira ikoko. Ndaifanira kunge ndichirumbidzwa nemi, nokuti handisi muduku duku pakati pa“vapostori vanopfuura vamwe vose,” kunyange zvangu ndisiri chinhu. Zvinhu zvinoratidza upostori, zviratidzo, zvishamiso namabasa esimba, zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru. Ko, imi makanga muri vaduku sei kune dzimwe kereke, kunze kwokuti ndakanga ndisiri mutoro pakati penyu? Ndiregererei pakutadza uku! Zvino ndagadzirira kukushanyirai kechitatu, uye handichazovi mutoro kwamuri, nokuti zvandinoda kwamuri haisi pfuma yenyu asi imi. Pamusoro pezvo vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki ndivo vanofanira kuchengetera vana. Saka naizvozvo ndichafara zvikuru kuti ndipedze zvose zvandinazvo nokuzvipedzawo ini pachangu nokuda kwenyu. Kana ndichikudai zvakanyanya, mungandida zvishoma here? Ngazvive saizvozvo, nokuti ndakanga ndisiri mutoro pakati penyu. Asi zvandakanga ndine njere, ndakakubatai namano! Ndakakutorerai chinhu here kubudikidza navarume vandakatuma kwamuri? Ndakurudzira Tito kuti auye kwamuri uye ndatumira hama yedu pamwe chete naye. Tito haana kukutorerai chinhu, akakutorerai here? Hatina kufamba nomweya mumwe chete here uye tikatevera nzira imwe chete? Makanga muchizvifunga here nguva yose iyi kuti takanga tichizvidavirira? Takanga tichitaura pamberi paMwari savaya vari muna Kristu; uye zvose zvatinoita, vadikani, tinozviita kuti musimbiswe. Nokuti ndinotya kuti pandichauya kwamuri handingakuwanei muri zvandinoda kuti muve, uye mungandiwana ndisiri zvamunonditarisira kuti ndive. Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvimwe ndingawana pakati penyu paine gakava, godo, kutsamwa kukuru, kupesana, kucherana, makuhwa, manyawi nenyonganiso. Ndinotya kuti kana ndauya kwamuri zvakare, Mwari wangu achandininipisa pamberi penyu, uye ndicharwadziwa nokuda kwavazhinji vakaita zvivi kare uye vasina kutendeuka kubva pakusachena kwavo, chivi choupombwe noutera hwavakaita.

2 VaKorinde 12:11-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Ndava benzi; imi mandiroverera. Nokuti ini ndaifanira kurumbidzwa nemi; nokuti handizi muduku napaduku kuvapostori vanopfuura vose, kunyange ndisi chinhu. Zvirokwazvo, zviratidzo zvomupostori zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru, nezviratidzo, nezvishamiso, namabasa esimba. Nokuti makapfuurwa neiko nedzimwe kereke, asi pakuti ini handina kukuremedzai? Ndikanganwirei henyu kusarurama uku. Tarirai, ino ndiyo nguva yechitatu yandakazvigadzira kuuya kwamuri; handingakuremedzii; nokuti handitsvaki zvenyu, asi ndinokutsvakai imi; nokuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vanofanira kuchengetera vana. Nokuti ndingafara zvikuru kupedza zvose zvangu, nokupedzwa ini nokuda kwemweya yenyu. Kana ini ndichikudai zvikuru, ini ndodikanwa zvishoma here? Zvino, ngazvive saizvozvo hazvo, ini handina kukuremedzai; asi zvandakanga ndine njere, ndakakubatai namano. Ndakakutorerai chinhu here nomumwe waivo vandakatuma kwamuri? Ndakarayira Tito, ndikatuma hama iya naye; ko Tito akakutorerai chinhu here? Hatina kufamba nomweya mumwe here? Uye namakwara mamwe here? Nguva yose makanga muchiti tinozvidavirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari muna Kristu; asi tinotaura izvi zvose, vadikanwi, kuti musimbiswe. Nokuti ndinotya kuti zvimwe kana ndichisvika, ndingakuwanai musina kuita sezvandinoda, neni ndingawanikwa nemi ndakaita sezvamusingadi; zvimwe kungavapo gakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuchera, namakuhwa, namanyawi, nenyonganiso; kuti kana ndichisvikazve, Mwari wangu arege kundininipisa pamberi penyu, ndicheme pamusoro pavazhinji vavo vatotadza, vakasatendeuka patsvina yavo, noupombwe, noutere hwavakaita.

2 VaKorinde 12:11-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Ndaita benzi chairo asi ndimi maita kuti ndidaro. Imi ndimi maifanira kutozivisa vanhu zvandiri nokuti hapana chandinopfuurwa naivo vapositori vapamusoro vacho ivavo kunyange zvangu ndiri chinhu pasina. Zviratidzo zvomupositori wechokwadi zvakaitwa pakati penyu nomwoyo murefu chaiwo nezviratidzo nezvishamiso namabasa makuru. Ko chamusina kuitirwa chakaitirwa mamwe masangano ndechipi kusiya kuti hapana, ini pachangu, chandakakuremedzai nacho. Mundiregererewo kukukanganisirai kudai. Ndakagadzirira kukushanyirai kechitatu, asi hapana chandichakuremedzai nacho nokuti handisikutsvaka zvinhu zvenyu asi imi nokuti vana havasiri ivo vanofanira kuriritira vabereki asi vabereki ndivo vanofanira kuriritira vana vavo. Ndingafare kupedzera imi zvinhu zvangu kana kupera iyeni ndichiitira imi. Zvino kana ndichikudai zvakanyanya kudai, ndicho chingave chikonzero chokundida kwenyu zvishoma here? Ngatitii ini handina kukuremedzai asi imi mungati kungwarisaka kwangu ikoko kwaita kuti ndikudyei nomunyati? Ndakakunyengedzai here nokuno mumwe wavandakatumirai kwamuri? Ndakakurudzira Titosi kuenda ndikamutumira neimwe hama yedu. Titosi akakunyengedzerai here? Hatina here kushanda nomweya mumwecheteyo tichitevera gwara rimwechete? Manga muchifunga here, pose apa, kuti tanga tichizvidzivirira kwamuri? Takanga tichitaura muna Kristu pamberi paMwari tichida kukuvakai, hama dzangu. Ndavakutotya kuti pamwe ndichauya ndikasvikokuwanai musiri zvandinoda kuti munge muri uye kuti muchandiwana ndisiri zvamunoda kuti ndinge ndiri. Zvichida pano kutukana kana shanje kana hasha kana kuzvifunga kana kurevana kana makuhwa kana kuzvikudza kana nyonganyonga. Ndiri kuzeza kuti pandichauyazve, Mwari wangu achandininipisa pamberi penyu, ndavakuungudza ndichichema vazhinji vaya vakatadza vasati vapinduka kune zvakan'ora nounzenza noupombwe zvavakaita.

2 VaKorinde 12:11-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ndaʋa ɓenzi; imi mandiroʋerera. Nokuti ini ndaifanira kurumbidzwa nemi; nokuti handizi muɗuku napaɗuku kuʋaapostora ʋanopfuʋura ʋose, kunyaŋge ndisi cinhu. Ɀirokwaɀo, ɀiratidzo ɀomuapostora ɀakaitwa pakati penyu nokutsuŋgirira kukuru, neɀiratidzo, neɀishamiso, namaɓasa esimba. Nokuti makapfuʋurwa neiko nedzimŋe kereke, asi pakuti ini handina‐kukuremedzai? Ndikaŋganwirei henyu kusarurama uku. Tarirai, ino ndiyo ŋguʋa yecitatu yandakaɀigadzira kuʋuya kwamuri; handiŋgakuremedziyi; nokuti handitȿaki ɀenyu, asi ndinokutȿakai imi; nokuti ʋana haʋafaniri kuceŋgetera ʋaɓereki, asi ʋaɓereki ʋanofanira kuceŋgetera ʋana. Nokuti ndiŋgafara ɀikuru kupedza ɀose ɀaŋgu, nokupedzwa ini nokuɗa kwemŋeya yenyu. Kana ini ndicikuɗai ɀikuru, ini ndoɗikanwa ɀishoma here? Ɀino, ŋgaɀiʋe saiɀoɀo haɀo, ini handina‐kukuremedzai; asi ɀandakaŋga ndinenjere, ndakakuɓatai namano. Ndakakutorerai cinhu here nomumŋe waiʋo ʋandakatuma kwamuri? Ndakaraira Tito, ndikatuma hama iya naye; ko Tito wakakutorerai cinhu here? Hatina‐kufamba nomŋeya mumŋe here? Ʋuye namakwara mamŋe here? Ŋguʋa yose makaŋga muciti tinoɀiɗaʋirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMŋari munaKristu; asi tinotaura iɀi ɀose, ʋaɗikanwa, kuti musimbiswe. Nokuti ndinotya kuti ɀimŋe kana ndiciȿika, ndiŋgakuwanai musina‐kuita seɀandinoɗa, neni ndiŋgawanikwa nemi ndakaita seɀamusiŋgaɗi; ɀimŋe kuŋgaʋa’po gakaʋa, negoɗo, nokutsamŋa, nokupesana, nokucera, namakuhwa, namanyawi, nenyoŋganiso; kuti kana ndiciȿika ɀe, Mŋari waŋgu arege kundininipisa pamberi penyu, ndiceme pamsoro paʋazhinji ʋaʋo ʋatotadza, ʋakasatendeʋuka patȿina yaʋo, noʋupombge, noʋutere bgaʋakaita.

2 VaKorinde 12:11-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)