Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Vakorinde 12:11-21

2 Vakorinde 12:11-21 SCLBD

Ndaita benzi chairo asi ndimi maita kuti ndidaro. Imi ndimi maifanira kutozivisa vanhu zvandiri nokuti hapana chandinopfuurwa naivo vapositori vapamusoro vacho ivavo kunyange zvangu ndiri chinhu pasina. Zviratidzo zvomupositori wechokwadi zvakaitwa pakati penyu nomwoyo murefu chaiwo nezviratidzo nezvishamiso namabasa makuru. Ko chamusina kuitirwa chakaitirwa mamwe masangano ndechipi kusiya kuti hapana, ini pachangu, chandakakuremedzai nacho. Mundiregererewo kukukanganisirai kudai. Ndakagadzirira kukushanyirai kechitatu, asi hapana chandichakuremedzai nacho nokuti handisikutsvaka zvinhu zvenyu asi imi nokuti vana havasiri ivo vanofanira kuriritira vabereki asi vabereki ndivo vanofanira kuriritira vana vavo. Ndingafare kupedzera imi zvinhu zvangu kana kupera iyeni ndichiitira imi. Zvino kana ndichikudai zvakanyanya kudai, ndicho chingave chikonzero chokundida kwenyu zvishoma here? Ngatitii ini handina kukuremedzai asi imi mungati kungwarisaka kwangu ikoko kwaita kuti ndikudyei nomunyati? Ndakakunyengedzai here nokuno mumwe wavandakatumirai kwamuri? Ndakakurudzira Titosi kuenda ndikamutumira neimwe hama yedu. Titosi akakunyengedzerai here? Hatina here kushanda nomweya mumwecheteyo tichitevera gwara rimwechete? Manga muchifunga here, pose apa, kuti tanga tichizvidzivirira kwamuri? Takanga tichitaura muna Kristu pamberi paMwari tichida kukuvakai, hama dzangu. Ndavakutotya kuti pamwe ndichauya ndikasvikokuwanai musiri zvandinoda kuti munge muri uye kuti muchandiwana ndisiri zvamunoda kuti ndinge ndiri. Zvichida pano kutukana kana shanje kana hasha kana kuzvifunga kana kurevana kana makuhwa kana kuzvikudza kana nyonganyonga. Ndiri kuzeza kuti pandichauyazve, Mwari wangu achandininipisa pamberi penyu, ndavakuungudza ndichichema vazhinji vaya vakatadza vasati vapinduka kune zvakan'ora nounzenza noupombwe zvavakaita.