Ndava benzi; imi mandiroverera. Nokuti ini ndaifanira kurumbidzwa nemi; nokuti handizi muduku napaduku kuvapostori vanopfuura vose, kunyange ndisi chinhu. Zvirokwazvo, zviratidzo zvomupostori zvakaitwa pakati penyu nokutsungirira kukuru, nezviratidzo, nezvishamiso, namabasa esimba.
Nokuti makapfuurwa neiko nedzimwe kereke, asi pakuti ini handina kukuremedzai? Ndikanganwirei henyu kusarurama uku.
Tarirai, ino ndiyo nguva yechitatu yandakazvigadzira kuuya kwamuri; handingakuremedzii; nokuti handitsvaki zvenyu, asi ndinokutsvakai imi; nokuti vana havafaniri kuchengetera vabereki, asi vabereki vanofanira kuchengetera vana. Nokuti ndingafara zvikuru kupedza zvose zvangu, nokupedzwa ini nokuda kwemweya yenyu. Kana ini ndichikudai zvikuru, ini ndodikanwa zvishoma here?
Zvino, ngazvive saizvozvo hazvo, ini handina kukuremedzai; asi zvandakanga ndine njere, ndakakubatai namano. Ndakakutorerai chinhu here nomumwe waivo vandakatuma kwamuri? Ndakarayira Tito, ndikatuma hama iya naye; ko Tito akakutorerai chinhu here? Hatina kufamba nomweya mumwe here? Uye namakwara mamwe here?
Nguva yose makanga muchiti tinozvidavirira kwamuri here? Tinotaura pamberi paMwari muna Kristu; asi tinotaura izvi zvose, vadikanwi, kuti musimbiswe. Nokuti ndinotya kuti zvimwe kana ndichisvika, ndingakuwanai musina kuita sezvandinoda, neni ndingawanikwa nemi ndakaita sezvamusingadi; zvimwe kungavapo gakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuchera, namakuhwa, namanyawi, nenyonganiso; kuti kana ndichisvikazve, Mwari wangu arege kundininipisa pamberi penyu, ndicheme pamusoro pavazhinji vavo vatotadza, vakasatendeuka patsvina yavo, noupombwe, noutere hwavakaita.