Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 VaKorinde 1:12-24

2 VaKorinde 1:12-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Zvino uku ndiko kuzvirumbidza kwedu: Hana dzedu dzinotipupurira: kuti takazvibata nokutendeka kunobva kuna Mwari, munyika uye kunyanya paukama hwedu nemi. Hatina kuita izvi nouchenjeri hwenyama, asi maererano nenyasha dzaMwari. Nokuti hatikunyorerei zvinhu zvamusingagoni kuverenga kana kunzwisisa. Uye ndinovimba kuti, sezvamakatinzwisisa pane zvimwe, muchazosvika pakunyatsotinzwisisa zvakazara zvokuti muchazvirumbidza matiri sezvatichazvirumbidza mamuri, pazuva raIshe Jesu. Nokuti ndaiziva chinhu ichi, ndakaronga kuti nditange kuuya kwamuri kuti mugoropafadzwa kaviri. Ndakaronga kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia, uye ndaizodzokazve nokwamuri kana ndobva kuMasedhonia, uye kuti muzondiendesa parwendo rwangu kuJudhea. Pandakaronga izvi, ndakazviita ndisingarevesi here? Kana kuti ndinoita urongwa hwangu nenzira yenyama here, zvokuti ndingati nenzira imwe cheteyo, “Hongu, hongu” uye “Kwete, kwete.” Asi zvirokwazvo naMwari akatendeka, shoko redu kwamuri harizi “Hongu” kana “Kwete.” Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaparidzwa pakati penyu neni naSirasi uye naTimoti, akanga asiri, “Hongu” kana “Kwete”, asi maari zvakagara zviri “Hongu.” Nokuti hazvinei kuti Mwari akativimbisa zvinhu zvizhinji zvakadii, zvose i“Hongu” muna Kristu. Uye kubudikidza naiye tinoti “Ameni” kuti Mwari akudzwe. Zvino ndiMwari anoita kuti tose imi nesu timire takasimba muna Kristu. Akatizodza, akaisawo chisimbiso patiri chokuti tava vake, uye akaisa Mweya wake mumwoyo medu kuti ave rubatso, achipa chisimbiso chezvichauya. Ndinodana Mwari kuti ave chapupu changu kuti handina kuzouya kuKorinde nokuti ndakakunzwirai tsitsi. Kwete nokuti tinoda kuremedza kutenda kwenyu, asi kuti tinobatsirana nemi kuti muve nomufaro, nokuti makamira zvakasimba nokuda kwokutenda.

2 VaKorinde 1:12-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Nokuti kuzvirumbidza kwedu ndikoku: Kupupura kwehana yedu, kuti takafamba panyika, zvikuru kwamuri, noutsvene nechokwadi chaMwari, tisingafambi nouchenjeri hwenyama, asi nenyasha dzaMwari. Nokuti hatikunyorerei zvimwe zvinhu, asi izvo zvamunorava nezvamunotenda; ndinoti dai muchizvitenda kusvikira pakuguma; sezvamakatitendawo panezvimwe, kuti isu tiri kurumbidzwa kwenyu, semiwo muchava kurumbidzwa kwedu nezuva raIshe Jesu. Ndichiziva izvozvi, ndakanga ndichida kutanga kuuya kwamuri, kuti mukomborerwe rwechipiri; ndipfuure nokwenyu ndichienda Makedhonia, nokuuya nokwenyuzve, ndichibva Makedhonia, ndiperekedzwe nemi ndichienda Judhea. Zvino zvandakanga ndichida kuita izvozvo, ndakaita nokusanduka mwoyo here? Kana, zvandinoda kuita ndinozvida nenyama here, kuti ini pamwe nditi, “Hongu, hongu,” pamwe, “Kwete, kwete?” NaMwari akatendeka, shoko redu kwamuri harizi “Hongu” kana “Kwete.” Nokuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaparidzwa pakati penyu nesu neni naSirivhano naTimoti akanga asiri, “Hongu” kana “Kwete,” asi akanga ari, “Hongu maari.” Nokuti zvipikirwa zvaMwari, kunyange zviri zvizhinji sei, maari ndi “Hongu,” naizvozvo naiyewo ndi “Ameni,” kuti Mwari akudzwe nesu. Zvino, uyo anotisimbisa muna Kristu pamwechete nemi, nokutizodza, ndiMwari; uyo akatiisirawo chisimbiso, akatipa rubatso rwoMweya mumwoyo medu. Asi ndinodana Mwari, ave chapupu pamwoyo wangu, kuti handina kuzouya Korinde, nokuti ndakakunzwirai tsitsi. Hatiiti simba nokutenda kwenyu, asi tinokubatsirai kuti mufare; nokuti mumire nokutenda.

2 VaKorinde 1:12-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Chatinodada nacho uye chinopupurwawo nehana yedu ndechichi chokuti takagarisana navamwe zvakanaka panyika asi zvikuru nemi, tiri vatsvene nokuva pachokwadi chaMwari. Hatina kuzviita noungwaru hwapasi pano asi nenyasha dzaMwari. Hatikunyorerei zvamusingakwanisi kuverenga nokunzwisisa. Ndinotarisira kuti muchanyatsonzwisisa, sokutinzwisisa kwamunoita zvishoma kuti munogonawo kudada nesu sokudadawo kwatinoita nemi pazuva raTenzi Jesu. Ndaiva nechokwadi chaicho nazvo zvokuti ndakanga ndatoronga kuti nditange kuuya kwamuri kuti muve norufaro rwakapetwa kaviri. Ndaida kukushanyirai ndiri parwendo rwangu rwokuenda kuMasedhonia uye pakudzoka kwangu kuMasedhonia kuti mundibatsire parwendo rwangu kuJudhea. Pandaironga izvozvi ndaisandukasanduka here? Ndinoronga zvinhu zvangu mukungozvifunga somunhu, ndichigona kuti, “Hungu” “Nakwete” panguva imwecheteyo here? NaMwari chaiye akatendeka, shoko redu kwamuri harina kunge riri hungu nakwete, nokuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari watakaparidza pakati penyu, ini naSirivhanusi naTimoti, akanga asiri hungu nakwete. Maari maingova nahungu. Ndinodaro nokuti zvitsidzo zvose zvaMwari zvinowana hungu wazvo maari. Ndokusaka tichitaura kuti, “Ameni” nemaari kuti Mwari arumbidzwe. Mwari ndiye anoita kuti isu nemi tive nechokwadi muupenyu hwedu muna Kristu akatiita vaKristu. Akaisa rupawo rwake patiri akatipa Mweya wake mumwoyo medu sorubatso. Mwari ngaandipupurire kuti chandakaregerera kuuya kuKorinde kwaiva kuti ndirege kukunetsai. Hatisi kukuudzai zvamunofanira kutenda asi tinoshanda pamwechete kuti muve norufaro nokuda kokuti mumire makasimba muchitendero chenyu.

2 VaKorinde 1:12-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Nokuti kuɀirumbidza kweɗu ndikoku: Kupupura kwehana yeɗu, kuti takafamba panyika, ɀikuru kwamuri, noʋutȿene neɀokwaɗi yaMŋari, tisiŋgafambi noʋucenjeri bgenyama, asi nenyasha dzaMŋari. Nokuti hatikunyoreriyi ɀimŋe ɀinhu, asi iɀo ɀamunoraʋa neɀamunotenda; ndinoti ɗai muciɀitenda kuȿikira pakuguma; seɀamakatitenda ʋo paneɀimŋe, kuti isu tiri kurumbidzwa kwenyu, semi ʋo mucaʋa kurumbidzwa kweɗu nezuʋa raShe Jesu. Ndiciziʋa iɀoɀi, ndakaŋga ndiciɗa kutaŋga kuʋuya kwamuri, kuti mukomborerwe rwecipiri; ndipfuʋure nokwenyu ndicienda Makedonia, nokuʋuya nokwenyu ɀe, ndicibva Makedonia, ndiperekedzwe nemi ndicienda Judea. Ɀino ɀandakaŋga ndiciɗa kuita iɀoɀo, ndakaita nokushanduka mŋoyo here? Kana, ɀandinoɗa kuita ndinoɀiɗa nenyama here, kuti ini pamŋe nditi: Hoŋo, hoŋo, pamŋe: Kwete, kwete? NaMŋari wakatendeka, shoko reɗu kwamuri harizi hoŋo nakwete. Nokuti Mŋanakomana waMŋari, Jesu Kristu, uyo wakaparidzwa pakati penyu nesu — neni naSirvano naTimotio — wakaŋga asiri hoŋo nakwete, asi wakaŋga ari hoŋo maari. Nokuti ɀipikirwa ɀaMŋari, kunyaŋge ɀiri ɀizhinji sei, maari ndihoŋo; naiɀoɀo naiye ʋo ndiAmeni, kuti Mŋari akudzwe nesu. Ɀino, uyo unotisimbisa munaKristu pamŋe cete nemi, nokutizodza, ndiMŋari; uyo wakatiisira ʋo cisimbiso, akatipa ruɓatso rwoMŋeya mumŋoyo meɗu. Asi ndinoɗana Mŋari, aʋe capupu pamŋoyo waŋgu, kuti handina‐kuzoʋuya Korinte, nokuti ndakakunzwirai tsitsi. Hatiiti simba nokutenda kwenyu, asi tinokuɓatsirai kuti mufare; nokuti mumire nokutenda.

2 VaKorinde 1:12-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)